Galatians 1
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Pauro muapositori asingabvi kuvanhu, uye kwete nemunhu, asi naJesu Kristu, naMwari Baba vakamumutsa kubva kuvakafa,Select Galatians 1:1
2nehama dzese dzineni, kumakereke eGaratia:Select Galatians 1:2
3Nyasha kwamuri nerugare rwunobva kuna Mwari Baba, naIshe wedu Jesu Kristu,Select Galatians 1:3
4wakazvipa nekuda kwezvivi zvedu, kuti atisunungure panyika yakaipa yaikozvino, maererano nechido chaMwari naBaba vedu;Select Galatians 1:4
5kuve nekubwinya kwaari kusvikira rinhi narinhi. Ameni.Select Galatians 1:5
6Ndinoshamisika kuti munokurumidza zvakadai kubva kune uyo wakakudanai munyasha dzaKristu, muchienda kune imwe evhangeri;Select Galatians 1:6
7isati iri imwe; asi kune vamwe vanokutambudzai vachidawo kutsaudzira evhangeri yaKristu.Select Galatians 1:7
8Asi kunyange isu kana mutumwa anobva kudenga akakuparidzirai evhangeri yakasiyana neyatakaparidza kwamuri, ngaave chakatukwa.Select Galatians 1:8
9Sezvatakamboreva, uye ndinorevazve ikozvino: Kana umwe akakuparidzirai evhangeri yakasiyana neyamakagamuchira, ngaave chakatukwa.Select Galatians 1:9
10Nokuti ikozvino ndinonyengetedza vanhu here kana Mwari? Kana ndinotsvaka kufadza vanhu here? Nokuti kana ndichiri kufadza vanhu, ndingadai ndisiri muranda waKristu.Select Galatians 1:10
11Asi ndinokuzivisai, hama, evhangeri yakaparidzwa neni, kuti haina kuita seyevanhu.Select Galatians 1:11
12Nokuti neni handina kuigamuchira kumunhu, uye handina kuidzidziswa, asi nekuzarurirwa kwaJesu Kristu.Select Galatians 1:12
13Nokuti makanzwa mufambiro wangu kwekutanga pachiJudha, kuti ndaishusha kereke yaMwari zvikurusa sei, nekuiparadza;Select Galatians 1:13
14uye ndaibudirira pachiJudha kupfuura vazhinji vezero rangu parudzi rwangu, ndichishingairisisa tsika dzemadzibaba angu.Select Galatians 1:14
15Asi zvakati zvafadza Mwari, iye wakandisanangura kubva padumbu ramai vangu, akandidana nenyasha dzake,Select Galatians 1:15
16kuratidza Mwanakomana wake mandiri, kuti ndimuparidze pakati pevahedheni, pakarepo handina kurangana nenyama neropa;Select Galatians 1:16
17uye handina kukwira kuJerusarema kune vakanditangira kuva vaapositori, asi ndakaenda kuArabhiya, ndikadzokerazve kuDhamasiko.Select Galatians 1:17
18Ipapo shure kwemakore matatu ndakakwira kuJerusarema kunoona Petro, ndikagara naye mazuva gumi nemashanu.Select Galatians 1:18
19Asi handina kuona umwe wevaapositori, kunze kwaJakobho munin'ina waIshe.Select Galatians 1:19
20Zvino zvinhu zvandinokunyorerai, tarira pamberi paMwari, kuti handinyepi.Select Galatians 1:20
21Shure kwaizvozvo ndakaenda kumatunhu eSiriya neeKirikia.Select Galatians 1:21
22Asi ndakange ndisingazikanwi pachiso nemakereke eJudhiya aiva muna Kristu;Select Galatians 1:22
23asi vakange vanzwa chete kuti: Waititambudza nguva dzakapfuura, zvino woparidza rutendo rwaaimboparadza.Select Galatians 1:23
24Vakarumbidzawo Mwari mandiri.Select Galatians 1:24
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation