Galatians 2
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Shure kweizvozvo kwapfuura makore gumi nemana ndakakwirazve kuJerusarema naBhanabhasi, ndikatorawo naTitosi.Select Galatians 2:1
2Zvino ndakakwira nekuzarurirwa, ndokuvarondedzera evhangeri yandinoparidza pakati pevahedheni, asi pachivande kune vakange vachikudzwa, zvimwe ndimhanyire kana ndakamhanyira pasina.Select Galatians 2:2
3Asi kunyange Titosi waiva neni, ari muGiriki, haana kurovererwa kuti adzingiswe;Select Galatians 2:3
4uye nekuda kwehama dzenhema, vakange vapinzwa pachivande, vakange vapinda nekunyangira kuzoshora kusununguka kwedu kwatinako muna Kristu Jesu, kuti vatiise muuranda;Select Galatians 2:4
5vatisina kutendera nekuzviisa pasi kunyange kweawa; kuti chokwadi cheevhangeri chirambe chigere nemwi.Select Galatians 2:5
6Asi kune vainzi chinhu (kunyange vaimbova chii hazvirevi chinhu kwandiri; Mwari haagamuchiri chimiro chemunhu), nokuti avo vaikudzwa havana kundiwedzera chinhu;Select Galatians 2:6
7asi zvakadaro, vakati vaona kuti evhangeri yevasina kudzingiswa yakakumikidzwa kwandiri, saPetro yevasina kudzingiswa,Select Galatians 2:7
8(nekuti iye wakaita nesimba kuna Petro kuvuapositori hwekudzingiswa, wakaita nesimba nekwandiri kuvahedheni);Select Galatians 2:8
9zvino vaziva nyasha dzandakapiwa, vanaJakobho naKefasi naJohwani, vaikudzwa kuva mbiru, vakapa ini naBhanabhasi ruoko rwerudyi rwekudyidzana, kuti isu tiende kuvahedheni, ivowo kune vakadzingiswa;Select Galatians 2:9
10chete kuti tirangarire varombo, ichocho chandakashingairirawo kuita.Select Galatians 2:10
11Zvino Petro wakati asvika Andiyokiya, ndakamupikisa pachiso, nokuti wakange ane mhosva.Select Galatians 2:11
12Nokuti vamwe vasati vasvika vaibva kuna Jakobho, waidya nevahedheni; asi kana vasvika waisuduruka, achizviraura, achitya vekudzingiswa.Select Galatians 2:12
13Nevamwewo VaJudha vakanyepedzera pamwe naye, zvekuti Bhanabhasiwo wakatorwa neunyepedzeri hwavo.Select Galatians 2:13
14Asi ndakati ndaona kuti havafambi zvakarurama maererano nechokwadi cheevhangeri, ndakati kuna Petro pamberi pevese: Kana iwe uri muJudha, unorarama nemutoo wevahedheni, uye kwete sezvinoita VaJudha, unoroverera sei vahedheni kuti vararame seVaJudha?Select Galatians 2:14
15Isu tiri VaJudha pachisikirwo, uye kwete vatadzi vanobva kuvahedheni,Select Galatians 2:15
16tichiziva kuti munhu haanzi wakarurama nemabasa emurairo, asi nerutendo kuna Jesu Kristu, nesu takatenda kuna Kristu Jesu, kuti tinzi takarurama nerutendo kuna Kristu, uye kwete nemabasa emurairo; nokuti nemabasa emurairo hakuna nyama ichanzi yakarurama.Select Galatians 2:16
17Asi kana isu, tinotsvaka kunzi takarurama kuna Kristu, nesu tomene tiwanikwe tiri vatadzi, naizvozvo Kristu wava mushumiri wechivi here? Ngazvisadaro!Select Galatians 2:17
18Nokuti kana ndikavakazve izvi zvandakaputsa, ndinozviratidza kuva mudariki.Select Galatians 2:18
19Nokuti ini nemurairo ndakafa kumurairo, kuti ndirarame kuna Mwari.Select Galatians 2:19
20Ndakarovererwa pamuchinjikwa pamwe naKristu; asi ndinorarama; handisisiri ini, asi Kristu anorarama mandiri; asi zvandinorarama ikozvino panyama, ndinorarama nerutendo rweMwanakomana waMwari, wakandida akazvipa nekuda kwangu.Select Galatians 2:20
21Handishaisi nyasha dzaMwari maturo; nokuti kana kunzi wakarurama kunowanikwa nemurairo, saka Kristu wakafira pasina.Select Galatians 2:21
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation