Galatians 4
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Zvino ndinoti, mudyi wenhaka, kana achingori mwana chete, haatongosiyani nemuranda, kunyange ari ishe wezvese;Select Galatians 4:1
2asi ari pasi pevachengeti nevatariri kusvikira panguva yakatarwa nababa.Select Galatians 4:2
3Saizvozvo nesu, patakange tiri vana, taiva muuranda pasi pedzidziso dzekutanga dzenyika.Select Galatians 4:3
4Asi apo kuzara kwenguva kwasvika, Mwari wakatuma Mwanakomana wake, wakavapo kubva kumukadzi, wakavapo pasi pemurairo,Select Galatians 4:4
5kuti adzikunure vari pasi pemurairo, kuti tigamuchire kuitwa vanakomana.Select Galatians 4:5
6Uye nokuti muri vanakomana, Mwari wakatuma Mweya weMwanakomana wake mumoyo yenyu, achidanidzira achiti: Abha*, Baba!Select Galatians 4:6
7Saka hausisiri muranda, asi mwanakomana; zvino kana wava mwanakomana, wavawo mudyi wenhaka yaMwari nemuna Kristu.Select Galatians 4:7
8Asi nenguva iyo, musingazivi Mwari, maiva varanda vevasiri vamwari pachisikirwo;Select Galatians 4:8
9asi ikozvino sezvo moziva Mwari, zvikuru sei zvamunozikanwa naMwari, modzokerazve sei kudzidziso dzekutanga dzisina simba dzeurombo, dzamunoshuva kuva muuranda hwadzo zvekarezve?Select Galatians 4:9
10Munochengetedza misi, nemwedzi, nenguva, nemakore.Select Galatians 4:10
11Ndinokutyirai, zvimwe ndakashingairira pasina kwamuri.Select Galatians 4:11
12Ivai seni, nokuti ini ndakaitawo semwi, hama, ndinokukumbirisai; hamuna kutombonditadzira chinhu;Select Galatians 4:12
13munozivawo kuti nemuundonda hwenyama, ndakaparidza evhangeri kwamuri pakutanga,Select Galatians 4:13
14nemuedzo wangu waiva panyama yangu hamuna kuzvidza kana kuramba, asi makandigamuchira semutumwa waMwari, saKristu Jesu.Select Galatians 4:14
15Zvino ropafadzo yenyu chii? Nokuti ndinokupupurirai kuti, kana zvichibvira, mutumbure meso enyu mundipe.Select Galatians 4:15
16Naizvozvo ndava muvengi wenyu nekukuudzai chokwadi here?Select Galatians 4:16
17Vanokushingairirai zvisina kunaka; asi vanoda kukuvharirai kunze, kuti mushingairire ivo.Select Galatians 4:17
18Asi zvakanaka kushingairwa pachakanaka nguva dzese, uye kwete pakuvapo kwangu chete.Select Galatians 4:18
19Vana vangu vadiki, vandinorwadziwazve nemimba pakubereka, kusvikira Kristu aumbwa mamuri,Select Galatians 4:19
20asi ndaishuva kuvapo nemwi ikozvino, uye kushandura inzwi rangu; nokuti ndiri mukukanganiswa pamusoro penyu.Select Galatians 4:20
21Ndiudzei, imwi munoshuva kuva pasi pemurairo, hamunzwi murairo here?Select Galatians 4:21
22Nokuti kwakanyorwa kuti Abhurahama wakange ane vanakomana vaviri, umwe kubva kumurandakadzi, neumwe kubva kune wakasununguka.Select Galatians 4:22
23Asi wakabva kumurandakadzi wakaberekwa panyama, asi wakabva kune wakasununguka nechivimbiso.Select Galatians 4:23
24Zvinhu izvi zvinodimikira; nokuti ava isungano mbiri; imwe yepagomo reSinai, inoberekera uranda, inova Agari.Select Galatians 4:24
25Nokuti Agari ndiro gomo reSinai muArabhiya, rinomiririra Jerusarema raikozvino uye riri pauranda pamwe nevana varo.Select Galatians 4:25
26Asi Jerusarema riri kumusoro rakasununguka rinova mai vedu tese.Select Galatians 4:26
27Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Fara, iwe mhanje isingazvari; pururudza, udanidzire, iwe usingarwadziwi nemimba, nokuti vana vemusiiwa vazhinji kwazvo kune veune murume.Select Galatians 4:27
28Asi isu, hama, saIsaka tiri vana vechivimbiso.Select Galatians 4:28
29Asi sepanguva iyo uyo wakaberekwa nemutoo wenyama wakamutambudza iye wemutoo weMweya, zvakadaro kunyange ikozvino.Select Galatians 4:29
30Asi rugwaro rwunoti kudini? Dzinga murandakadzi nemwanakomana wake; nokuti mwanakomana wemurandakadzi haangatongovi mudyi wenhaka pamwe nemwanakomana wewakasununguka.Select Galatians 4:30
31Naizvozvo, hama, hatisi vana vemurandakadzi, asi vewakasununguka.Select Galatians 4:31
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation