Galatians 6
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Hama, kanawo munhu akawirwa nekumwe kudarika, imwi veMweya mugadzirisei wakadai nemweya weunyoro, uchizvichenjerera iwe, zvimwe newe ungaidzwa.Select Galatians 6:1
2Takuriranai mitoro yenyu, saizvozvowo zadzisai murairo waKristu.Select Galatians 6:2
3Nokuti kana munhu achizviti ndiri chinhu, asati ari chinhu, anozvinyengera.Select Galatians 6:3
4Asi umwe neumwe ngaanzvere basa rake amene, zvino ipapo achazvirumbidza pamusoro pake amene ega, uye kwete pamusoro peumwe.Select Galatians 6:4
5Nokuti umwe neumwe achatakura mutoro wake pachake.Select Galatians 6:5
6Uye anodzidziswa shoko ngaagovane neanodzidzisa pazvinhu zvese zvakanaka.Select Galatians 6:6
7Musanyengerwa, Mwari haasekwi; nokuti chimwe nechimwe munhu chaanodzvara ndichowo chaanokohwa.Select Galatians 6:7
8Nokuti anodzvara kunyama yake, achakohwa kuora kunobva panyama; asi anodzvara kuMweya achakohwa upenyu husingaperi hunobva kuMweya.Select Galatians 6:8
9Asi ngatirege kuneta pakuita zvakanaka; nokuti nenguva yakafanira tinozokohwa, kana tisingaori moyo.Select Galatians 6:9
10Naizvozvo zvino zvatine mukana, ngatiite zvakanaka kune vese, zvikuruwo kune veimba yerutendo.Select Galatians 6:10
11Onai kuti akakura sei mavara andinokunyorerai nawo nerwangu ruoko.Select Galatians 6:11
12Vese vanoda kuonekera panyama, ndivo vanokurovererai kuti mudzingiswe; chete kuti varege kushushwa nekuda kwemuchinjikwa waKristu.Select Galatians 6:12
13Nokuti kunyange ivo pachavo vakadzingiswa havachengeti murairo, asi vanoda kuti mudzingiswe, kuti vazvirumbidze panyama yenyu.Select Galatians 6:13
14Asi kwandiri ngakurege kuva nekuzvirumbidza, kunze kwepamuchinjikwa waIshe wedu Jesu Kristu, naye nyika yakarovererwa pamuchinjikwa kwandiri, neni kunyika.Select Galatians 6:14
15Nokuti muna Kristu Jesu kudzingiswa kana kusadzingiswa hakuna maturo, asi chisikwa chitsva.Select Galatians 6:15
16Uye vese vanofamba nemurairo uyu, rugare ngaruve pamusoro pavo, netsitsi, nepamusoro paIsraeri waMwari.Select Galatians 6:16
17Kubva ikozvino, ngakurege kuva nemunhu anonditambudza; nokuti ini ndakatakura pamuviri wangu rupawo rwaIshe Jesu.Select Galatians 6:17
18Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu, ngadzive nomweya wenyu, hama. Ameni.Select Galatians 6:18
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation