Skip to content
Church.wiki
1 Corinthians

1 Corinthians 1

Shona Bible

Translation: SHONA

Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources

Start reading

1Pauro wakadanwa kuva muapositori waJesu Kristu nechido chaMwari, naSositenesi hama,Select 1 Corinthians 1:1

2kukereke yaMwari iri paKorinde, kune vakaitwa vatsvene muna Jesu Kristu, vakadanwa kuva vatsvene, pamwe nevese vanodana kuzita raIshe wedu Kristu Jesu panzvimbo yega-yega, wavo neweduwo:Select 1 Corinthians 1:2

3Nyasha kwamuri nerugare rwunobva kuna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu.Select 1 Corinthians 1:3

4Ndinovonga Mwari wangu nguva dzese maererano nemwi, nekuda kwenyasha dzaMwari dzakapiwa kwamuri muna Kristu Jesu;Select 1 Corinthians 1:4

5kuti pachinhu chese makafumiswa maari, panhaurwa yese neruzivo rwese,Select 1 Corinthians 1:5

6sezvo uchapupu hwaKristu hwakasimbiswa mamuri;Select 1 Corinthians 1:6

7kuti hamushaiwi pane chimwe chipo, muchimirira kuratidzwa pachena kwaIshe wedu Jesu Kristu,Select 1 Corinthians 1:7

8iye achakusimbisaiwo kusvika kumagumo, kuti musava nemhosva pazuva raIshe wedu Jesu Kristu.Select 1 Corinthians 1:8

9Mwari wakatendeka, wamakadanwa kubudikidza naye mukudyidzana kweMwanakomana wake Jesu Kristu Ishe wedu.Select 1 Corinthians 1:9

10Zvino ndinokukumbirisai, hama, nezita raIshe wedu Jesu Kristu, kuti mese mutaure chinhu chimwe, uye pasava nekupatsanurana pakati penyu, asi muve vakakwana pamurangariro umwe nemuonero umwe.Select 1 Corinthians 1:10

11Nokuti ndakaudzwa pamusoro penyu, hama dzangu, nevekwaKirowa, kuti kune makakava pakati penyu.Select 1 Corinthians 1:11

12Zvino ndinoreva izvi, kuti umwe neumwe wenyu anoti: Ini ndiri waPauro, iniwo waAporo, asi ini waKefasi, iniwo waKristu.Select 1 Corinthians 1:12

13Kristu wakapatsanurwa here? Ko Pauro wakarovererwa pamuchinjikwa imwi here, kana makabhabhatidzwa muzita raPauro here?Select 1 Corinthians 1:13

14Ndinovonga Mwari kuti handina kubhabhatidza umwe wenyu, kunze kwaKrispo naGayo;Select 1 Corinthians 1:14

15kuti kurege kuva neanoti ndakabhabhatidza muzita rangu ndomene.Select 1 Corinthians 1:15

16Uye ndakabhabhatidzawo imba yaStefana; kunze kweizvi handizivi kana ndakabhabhatidza umwe munhu.Select 1 Corinthians 1:16

17Nokuti Kristu wakandituma kwete kuzobhabhatidza, asi kuzoparidza evhangeri; kwete nenjere dzeshoko, kuti zvimwe muchinjikwa waKristu ushaiswe maturo.Select 1 Corinthians 1:17

18Nokuti shoko remuchinjikwa kuna vanoparadzwa upenzi, asi kwatiri isu vanoponeswa isimba raMwari.Select 1 Corinthians 1:18

19Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Ndichaparadza njere dzevakachenjera, ndichashaisa maturo kunzwisisa kwevanzwisisi.Select 1 Corinthians 1:19

20Aripi wakachenjera? Aripi munyori? Aripi mukakavari wenyika ino? Mwari haana kuita uchenjeri hwenyika ino upenzi here?Select 1 Corinthians 1:20

21Nokuti zvakadaro muuchenjeri hwaMwari nyika neuchenjeri haina kuziva Mwari, zvakafadza Mwari neupenzi hwemharidzo kuponesa vanotenda.Select 1 Corinthians 1:21

22Nokuti neVaJudha vanokumbira chiratidzo, VaGirikiwo vanotsvaka uchenjeri;Select 1 Corinthians 1:22

23asi isu tinoparidza Kristu wakarovererwa pamuchinjikwa, kuVaJudha chigumbuso, nekuVaGiriki upenzi;Select 1 Corinthians 1:23

24asi kune vakadanwa, VaJudha pamwe neVaGiriki, Kristu isimba raMwari nenjere dzaMwari;Select 1 Corinthians 1:24

25nokuti upenzi hwaMwari hwakachenjera kupfuura hwevanhu, neutera hwaMwari hwakasimba kupfuura hwevanhu.Select 1 Corinthians 1:25

26Nokuti tarirai kudanwa kwenyu, hama, kuti havasi vazhinji vakachenjera panyama, havasi vazhinji vane simba, havasi vazhinji vepamusoro;Select 1 Corinthians 1:26

27asi Mwari wakasarudza zvinhu zveupenzi zvenyika, kuti anyadzise vakachenjera; uye Mwari wakasarudza zvinhu zveutera zvenyika, kuti anyadzise zvine simba;Select 1 Corinthians 1:27

28nezvinhu zvepasi zvenyika nezvinhu zvinozvidzwa Mwari wakasarudza, nezvinhu zvisipo, kuti ashaise zvinhu zviripo maturo;Select 1 Corinthians 1:28

29kuti kusava nenyama ingazvikudza pamberi pake.Select 1 Corinthians 1:29

30Asi naye imwi muri muna Kristu Jesu, wakaitirwa isu uchenjeri hunobva kuna Mwari, nekururama, nekuitwa vatsvene, nerudzikunuro;Select 1 Corinthians 1:30

31kuti sezvazvakanyorwa zvichinzi: Anozvikudza, ngaazvikudze muna Ishe.Select 1 Corinthians 1:31

Next: 1 Corinthians 2Continue reading

Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

1 Corinthians

Selected verses

Select another verse to extend the range.

Highlight

My Bible

About this name

Listen

Uses an English voice provided by your browser.