Skip to content
Church.wiki
1 Corinthians

1 Corinthians 11

Shona Bible

Translation: SHONA

Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources

Start reading

1Ivai vatevedzeri vangu, seniwo ndiri waKristu.Select 1 Corinthians 11:1

2Zvino ndinokurumbidzai, hama, kuti munondirangarira pazvinhu zvese, muchibatirira patsika sezvandakakumikidza kwamuri.Select 1 Corinthians 11:2

3Asi ndinoda kuti muzive, kuti musoro wemurume umwe neumwe ndiKristu; uye musoro wemukadzi murume; uye musoro waKristu ndiMwari.Select 1 Corinthians 11:3

4Murume umwe neumwe anonyengetera kana anoporofita, musoro wakafukidzwa, unozvidza musoro wake.Select 1 Corinthians 11:4

5Asi mukadzi umwe neumwe anonyengetera kana anoporofita nemusoro usina kufukidzwa, anozvidza musoro wake; nokuti ndizvo zvimwezvo nekuveurwa.Select 1 Corinthians 11:5

6Nokuti kana mukadzi asingafukidzwi, ngaagerwewo; asi kana chiri chinyadzo kumukadzi kugerwa kana kuveurwa, ngaazvifukidze.Select 1 Corinthians 11:6

7Nokuti murume zvirokwazvo haafaniri kufukidza musoro, sezvaari mufananidzo nekubwinya kwaMwari; asi mukadzi kubwinya kwemurume.Select 1 Corinthians 11:7

8Nokuti murume haabvi kumukadzi, asi mukadzi anobva kumurume;Select 1 Corinthians 11:8

9nokuti nemurume haana kusikirwa mukadzi, asi mukadzi wakasikirwa murume;Select 1 Corinthians 11:9

10nekuda kweizvozvi mukadzi anofanira kuva nesimba pamusoro wake nekuda kwevatumwa.Select 1 Corinthians 11:10

11Asi murume haasi kunze kwemukadzi, kana mukadzi kunze kwemurume, muna Ishe.Select 1 Corinthians 11:11

12Nokuti mukadzi sezvaanobva kumurume, saizvozvo murumewo uripo nemukadzi, asi zvinhu zvese zvinobva kuna Mwari.Select 1 Corinthians 11:12

13Zvionerei imwi, zvakafanira here kuti mukadzi anyengetere kuna Mwari asina kufukidzwa?Select 1 Corinthians 11:13

14Kana kunyange chisikirwo pachacho hachikudzidzisii here, kuti kana murume ane vhudzi refu, chinyadzo kwaari?Select 1 Corinthians 11:14

15Asi kana mukadzi ane vhudzi refu, rukudzo kwaari. Nokuti vhudzi refu rakapiwa kwaari chive chifukidzo.Select 1 Corinthians 11:15

16Asi kana umwe achiratidza kuva negakava, isu hatina tsika yakadaro, kunyange makereke aMwari.Select 1 Corinthians 11:16

17Zvino mukuraira uku handikurumbidzii, nokuti munounganira kwete zvakapfuura kunaka, asi muzvakapfuura kuipa.Select 1 Corinthians 11:17

18Nokuti chekutanga kana muchiungana mukereke, ndinonzwa kuti kupatsanurana kuripo pakati penyu; muchidimbu ndinozvitenda.Select 1 Corinthians 11:18

19Nokuti kutsauka kunofanira kuva pakati penyu, kuti avo vakatendeka vaonekwe pakati penyu.Select 1 Corinthians 11:19

20Naizvozvo kana muchiungana pamwe, uku hakusi kudya chirairo chaIshe;Select 1 Corinthians 11:20

21nokuti pakudya umwe neumwe anotanga kutora chirairo chake pachake, uye umwe ane nzara, uye umwe wakararadza.Select 1 Corinthians 11:21

22Ko hamuna dzimba dzekudyira nekunwira here? Kana munozvidza kereke yaMwari, muchinyadzisa avo vasina chinhu? Ndichatii kwamuri? Ndingakurumbidzai here pane izvi? Handingakurumbidzii.Select 1 Corinthians 11:22

23Nokuti ini ndakagamuchira kuna Ishe, icho chandakagamuchidzawo kwamuri, kuti Ishe Jesu neusiku hwaakatengeswa wakatora chingwa,Select 1 Corinthians 11:23

24zvino wakati avonga akamedura, ndokuti: Torai, idyai, ichi muviri wangu unomedurirwa imwi; izvi itai kundirangarira.Select 1 Corinthians 11:24

25Saizvozvo mukombewo, shure kwekurayira, achiti: Mukombe uyu isungano itsva muropa rangu; izvi itai, nguva dzese kana muchinwa, mukundirangarira.Select 1 Corinthians 11:25

26Nokuti nguva dzese kana muchidya chingwa ichi, nekunwa mukombe uyu, munoparidza rufu rwaIshe kusvikira asvika.Select 1 Corinthians 11:26

27Naizvozvo ani nani anodya chingwa ichi, kana kunwa mukombe waIshe zvisakafanira, achava nemhosva yemuviri neropa raIshe.Select 1 Corinthians 11:27

28Zvino munhu ngaazviongorore, saizvozvowo ngaadye zvechingwa nekunwa zvemukombe.Select 1 Corinthians 11:28

29Nokuti anodya nekunwa zvisakafanira, anozvidyira nekunwira kutongwa, zvaasingatsauri muviri waIshe.Select 1 Corinthians 11:29

30Nemhaka iyi vazhinji kwamuri indonda nevarwere, nevazhinji varere.Select 1 Corinthians 11:30

31Nokuti dai taizvinzvera tomene, hatizaitongwa;Select 1 Corinthians 11:31

32asi kana tichitongwa, tinodzorwa naIshe, kuti tirege kunzi tine mhosva pamwe nenyika.Select 1 Corinthians 11:32

33Naizvozvo, hama dzangu, kana muchiungana kuti mudye, miriranai.Select 1 Corinthians 11:33

34Uye kana umwe ane nzara, ngaadye kumba; kuti murege kuunganira kunzi mune mhosva. Asi zvasara, ndichazvironga kana ndichisvika.Select 1 Corinthians 11:34

Next: 1 Corinthians 12Continue reading

Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

1 Corinthians

Selected verses

Select another verse to extend the range.

Highlight

My Bible

About this name

Listen

Uses an English voice provided by your browser.