1 Corinthians 13
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Kana ndikataura nendimi dzevanhu nedzevatumwa, asi ndisina rudo, ndava dare rinorira kana ndarira inoungudza.Select 1 Corinthians 13:1
2Uye kana ndine chiporofita, uye ndichinzwisisa zvakavanzika zvese neruzivo rwese, uye kana ndine rutendo rwese, zvekuti ndibvise makomo, asi ndisina rudo, handisi chinhu.Select 1 Corinthians 13:2
3Uye kana ndagovera varombo zvinhu zvangu zvese, uye kana ndikagamuchidza muviri wangu kuti ndipiswe, asi ndisina rudo, hazvindibatsiri chinhu.Select 1 Corinthians 13:3
4Rudo rwune moyo murefu, rwune unyoro; rudo harwuna godo; rudo harwuzvikudzi, harwututumadzwi,Select 1 Corinthians 13:4
5harwuzvibati zvisakafanira, harwuzvitsvakiri zvarwo, harwudenhwi, harwurangariri zvakaipa;Select 1 Corinthians 13:5
6harwufari nekusarurama, asi rwunofara muchokwadi;Select 1 Corinthians 13:6
7rwunofukidza zvese, rwunotenda zvese, rwunotarisira zvese, rwunotsungirira pazvese.Select 1 Corinthians 13:7
8Rudo harwutongoperi. Zvino kana zviri zviporofita, zvichashaiswa basa; kana dziri ndimi, dzichaguma; kana rwuri ruzivo, rwuchashaiswa basa.Select 1 Corinthians 13:8
9Nokuti tinoziva muchidimbu, uye tinoporofita muchidimbu;Select 1 Corinthians 13:9
10asi kana zvakazara zvasvika, ipapo zviri muchidimbu zvichashayiswa maturo.Select 1 Corinthians 13:10
11Pandakange ndiri mucheche, ndaitaura semucheche, ndainzwisisa semucheche, ndaifunga semucheche; asi pandakava murume, ndakashaisa maturo zveucheche.Select 1 Corinthians 13:11
12Nokuti ikozvino tinoona nepachionioni madzedzerera; asi nenguva iyo tichaona zviso nezviso; ikozvino ndinoziva muchidimbu, asi ipapo ndichaziva sezvandakazikanwawo ini.Select 1 Corinthians 13:12
13Ikozvinowo rutendo, tariro, rudo, zvitatu izvi ndizvo zvinogara; asi chikuru chezvizvi rudo.Select 1 Corinthians 13:13
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation