1 Corinthians 15
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Naizvozvo, hama, ndinokuzivisai evhangeri yandakakuparidzirai, yamagamuchirawo, neyamumire mairi;Select 1 Corinthians 15:1
2uye yamunoponeswawo nayo, kana muchibatisisa inzwi reevhangeri randakaparidza kwamuri, kunze kwekuti makatenda pasina.Select 1 Corinthians 15:2
3Nokuti ndakakumikidza kwamuri pakutanga izvo zvandakagamuchirawo, kuti Kristu wakafira zvivi zvedu, zvichienderana nemagwaro;Select 1 Corinthians 15:3
4uye kuti wakavigwa, uye kuti wakamutswa nezuva retatu, zvichienderana nemagwaro;Select 1 Corinthians 15:4
5uye kuti wakaonekwa kuna Kefasi, pashure kune vanegumi nevaviri;Select 1 Corinthians 15:5
6shure kweizvozvo wakaonekwa kuhama dzinopfuura mazana mashanu nguva imwe, vazhinji vavo vachiripo kusvikira ikozvino, asi vamwewo varara;Select 1 Corinthians 15:6
7shure kweizvozvo wakaonekwa kuna Jakobho; pashure kuvaapositori vese.Select 1 Corinthians 15:7
8Uye pakupedzisira kwevese akaonekwa neniwo, sekune wakazvarwa nguva isina kufanira.Select 1 Corinthians 15:8
9Nokuti ini ndiri mudikisa wevaapositori, handifaniri kunzi muapositori, nokuti ndakashusha kereke yaMwari.Select 1 Corinthians 15:9
10Asi nenyasha dzaMwari ndiri zvandiri, uye nyasha dzake dziri pandiri hadzina kuva pasina; asi ndakabata zvikuru kupfuura vese; zvakadaro handisi ini, asi nyasha dzaMwari dzineni.Select 1 Corinthians 15:10
11Naizvozvo, kana ndiri ini kana ivo, saizvozvo tinoparidza uye saizvozvo makatenda.Select 1 Corinthians 15:11
12Zvino kana Kristu achiparidzwa kuti wakamutswa kubva kuvakafa, vamwe pakati penyu vanoreva sei kuti hakuna kumuka kwevakafa?Select 1 Corinthians 15:12
13Asi dai pasina kumuka kwevakafa, naKristu haana kumutswa;Select 1 Corinthians 15:13
14uye kana Kristu asina kumutswa, naizvozvo kuparidza kwedu hakuna maturo, nerutendo rwenyuwo harwuna maturo.Select 1 Corinthians 15:14
15Nesuwo tinowanikwa tiri zvapupu zvaMwari zvenhema, nokuti takapupura zvaMwari kuti wakamutsa Kristu iye waasina kumutsa, kana kuri kuti vakafa havamutswi.Select 1 Corinthians 15:15
16Nokuti dai vakafa vasingamutswi, Kristu haanawo kumutswa;Select 1 Corinthians 15:16
17uye dai Kristu asina kumutswa, rutendo rwenyu haruna maturo; muchiri muzvivi zvenyu.Select 1 Corinthians 15:17
18Naizvozvo nevarere muna Kristu vaparara.Select 1 Corinthians 15:18
19Dai muupenyu huno tine tariro muna Kristu chete, tinonzwisa tsitsi kukunda vanhu vese.Select 1 Corinthians 15:19
20Asi ikozvinowo Kristu wakamutswa kubva kuvakafa, akava chibereko chekutanga chevarere.Select 1 Corinthians 15:20
21Nokuti sezvo nemunhu rufu rwakauya, kumuka kwevakafawo kwakauya nemunhu.Select 1 Corinthians 15:21
22Nokuti vese muna Adhamu sezvavanofa, saizvozvowo vese muna Kristu vachararamiswa.Select 1 Corinthians 15:22
23Asi umwe neumwe padzoro rake; Kristu chibereko chekutanga, tevere avo vari vaKristu pakuuya kwake,Select 1 Corinthians 15:23
24kozouya kuguma, paachazokumikidza umambo kuna Mwari, ivo Baba, paachaparadza kutonga kwese neushe hwese nesimba.Select 1 Corinthians 15:24
25Nokuti anofanira iye kutonga, kusvikira aisa vese vavengi pasi petsoka dzake.Select 1 Corinthians 15:25
26Muvengi wekupedzisira uchaparadzwa ndirwo rufu.Select 1 Corinthians 15:26
27Nokuti wakaisa zvinhu zvese pasi petsoka dzake. Asi kana achiti zvinhu zvese zvakaiswa pasi pake, zviri pachena kuti ari kunze wakaisa zvinhu zvese pasi pake.Select 1 Corinthians 15:27
28Zvino kana zvinhu zvese zvaiswa pasi pake, ipapo Mwanakomanawo amene achaiswa pasi paiye wakaisa zvese pasi pake, kuti Mwari ave zvese mune zvese.Select 1 Corinthians 15:28
29Ko, vanobhabhatidzirwa vakafa vachaita sei kana vakafa vasingatongomutswi? Vakagobhabhatidzirwa vakafa nemhaka yei?Select 1 Corinthians 15:29
30Nemhaka yei nesu tiri panjodzi awa rega-rega?Select 1 Corinthians 15:30
31Ndinofa zuva nezuva, ndinopika nokuzvikudza pamusoro penyu kwandinako muna Kristu Jesu Ishe wedu.Select 1 Corinthians 15:31
32Kana ndakarwa nenzira yevanhu nezvikara paEfeso, zvinondibatsirei, kana vakafa vasingamutswi? Ngatidye nekunwa, nokuti mangwana tinofa.Select 1 Corinthians 15:32
33Musanyengerwa; kushamwaridzana nevakaipa kunoodza tsika dzakanaka.Select 1 Corinthians 15:33
34Pengenukai nenzira yekururama uye musatadza, nokuti vamwe vane kusaziva Mwari; ndinotaura kuti muve nenyadzi.Select 1 Corinthians 15:34
35Asi umwe achati: Vakafa vanomutswa sei? Uye vanouya nemuviri wakaita sei?Select 1 Corinthians 15:35
36Dununu, icho chaunodzvara iwe hachiitwi chipenyu kunze kwekuti chafa;Select 1 Corinthians 15:36
37uye icho chaunodzvara, haudzvari muviri uchavapo, asi tsanga isina chinhu, kana yezviyo kana yezvimwe;Select 1 Corinthians 15:37
38asi Mwari anoipa muviri paanoda napo, nekumbeu imwe neimwe muviri wayo pachayo.Select 1 Corinthians 15:38
39Nyama yese haisi nyama imwe; asi imwe inyama yevanhu, imwewo inyama yemhuka, imwewo yehove, imwewo yeshiri.Select 1 Corinthians 15:39
40Kune miviriwo yekudenga, nemiviri yenyika; asi kubwinya kweyekudenga ndekumwe, asi kweyenyika ndekumwe.Select 1 Corinthians 15:40
41Kumwe kubwinya ndekwezuva, nekumwe kubwinya ndekwemwedzi, uye kumwe kubwinya ndekwenyeredzi, nokuti nyeredzi inosiyana neimwe nyeredzi pakubwinya.Select 1 Corinthians 15:41
42Kwakadarowo kumuka kwevakafa. Kunodzvarwa mukuora, kunomutswa mukusaora;Select 1 Corinthians 15:42
43kunodzvarwa mukuzvidzwa, kunomutswa mukubwinya; kunodzvarwa muutera, kunomutswa musimba.Select 1 Corinthians 15:43
44Kunodzvarwa kuri muviri wechisikirwo, kunomutswa kuri muviri wemweya. Kune muviri wechisikirwo, uye kune muviri wemweya.Select 1 Corinthians 15:44
45Zvakanyorwawo saizvozvo zvichinzi: Munhu wekutanga Adhamu wakaitwa munhu anorarama; Adhamu wekupedzisira mweya unoraramisa.Select 1 Corinthians 15:45
46Asi zvinotanga hazvisi zvemweya asi zvechisikirwo; tevere zvemweya.Select 1 Corinthians 15:46
47Munhu wekutanga wakabva panyika, ndewevhu; munhu wechipiri ndiIshe anobva kudenga.Select 1 Corinthians 15:47
48Sewevhu, vakadarowo avo vevhu; uye sewekudenga, vakadarowo vekudenga.Select 1 Corinthians 15:48
49Uye sezvatakatakura chimiro chewevhu, tichatakurawo chimiro chewekudenga.Select 1 Corinthians 15:49
50Zvino ndinoreva izvi, hama, kuti nyama neropa hazvingagoni kugara nhaka yeushe hwaMwari; nokuora hakungagari nhaka yekusaora.Select 1 Corinthians 15:50
51Tarirai, ndinokuudzai chakavanzika: Hatingavati tese, asi tichashandurwa tese;Select 1 Corinthians 15:51
52nenguva diki-diki, mukuhwaira kweziso, pahwamanda yekupedzisira; nokuti hwamanda icharira, uye vakafa vachamutswa mukusaora, nesu tichashandurwa.Select 1 Corinthians 15:52
53Nokuti ichi chinoora chinofanira kupfeka kusaora, neichi chinofa chipfeke kusafa.Select 1 Corinthians 15:53
54Zvino kana ichi chinoora chapfeka kusaora, neichi chinofa chapfeka kusafa, ipapo kuchaitika shoko rakanyorwa rinoti: Rufu rwakamedzwa mukukunda.Select 1 Corinthians 15:54
55Iwe rufu, rumborera rwako rwuripi? Iwe guva, kukunda kwako kuripi?Select 1 Corinthians 15:55
56Rumborera rwerufu chivi, nesimba rechivi murairo.Select 1 Corinthians 15:56
57Zvino ngaavongwe Mwari anotipa kukunda naIshe wedu Jesu Kristu.Select 1 Corinthians 15:57
58Naizvozvo, hama dzangu dzinodikanwa, simbai, musingazungunuswi, nguva dzese muchiwedzerwa pabasa raIshe muchiziva kuti kubata kwenyu hakusi pasina muna Ishe.Select 1 Corinthians 15:58
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation