1 Corinthians 16
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Zvino maererano nezvakaunganidzirwa vatsvene, sezvandakaraira makereke eGaratia, imwiwo itai saizvozvo.Select 1 Corinthians 16:1
2Nemusi wekutanga wega-wega wevhiki, umwe neumwe wenyu ngaazvichengetere parutivi pakubudirira kwaakaita, kuti zvino kurege kuva nekuunganidza kana ndichisvika.Select 1 Corinthians 16:2
3Uye pandinosvikira, chero vamunotenda, netsamba, ivo ndichavatuma, vagondoisa zvipo zvenyu kuJerusarema.Select 1 Corinthians 16:3
4Kana zvakafanira kuti ini ndiendewo, vachaenda neni.Select 1 Corinthians 16:4
5Zvino ndichauya kwamuri, kana ndagura neMakedhonia; nokuti ndinogura neMakedhonia;Select 1 Corinthians 16:5
6uye zvimwe ndichagara nemwi, kanawo kupedza chando, kuti imwi mugondiperekedza pese pandinoenda.Select 1 Corinthians 16:6
7Nokuti handishuvi kukuonai ikozvino ndichipfuura; asi ndinovimba kugara imwe nguva nemwi, kana Ishe achitendera.Select 1 Corinthians 16:7
8Asi ndichagara paEfeso kusvikira paPendekosita*.Select 1 Corinthians 16:8
9Nokuti ndazarurirwa mukova mukuru uye unesimba; nevanopikisa vazhinji varipo.Select 1 Corinthians 16:9
10Zvino kana Timotio achisvika, onai kuti anemwi asingatyi; nokuti anobata basa raIshe seniwo.Select 1 Corinthians 16:10
11Naizvozvo ngakurege kuva neanomuzvidza. Asi mumuperekedze murugare, kuti auye kwandiri; nokuti ndakamutarisira pamwe nehama.Select 1 Corinthians 16:11
12Zvino maererano naAporo hama, ndakamukumbira zvikuru kuti auye kwamuri pamwe nehama; asi zvirokwazvo chishuwo chake chakange chisiri chekuuya ikozvino, asi achauya kana awana nguva yakafanira.Select 1 Corinthians 16:12
13Rindai, mumire makasimba murutendo, itai sevarume, musimbe.Select 1 Corinthians 16:13
14Zvinhu zvenyu zvese ngazviitwe nerudo.Select 1 Corinthians 16:14
15Ndinokukumbirisai hama, munoziva imba yaStefana, kuti ndicho chibereko chekutanga cheAkaya, uye vakazvipira kushandira vatsvene;Select 1 Corinthians 16:15
16kuti nemwi muzviise pasi pevakadaro, nekune vese vanobata pamwe nesu, uye vachishingaira.Select 1 Corinthians 16:16
17Ndinofarawo nekuuya kwaStefana naForichunato naAkaiako, nokuti ivo vakazadzisa kutaira kwenyu.Select 1 Corinthians 16:17
18Nokuti vakavandudza mweya wangu newenyu. Naizvozvo rangarirai vakadaro.Select 1 Corinthians 16:18
19Makereke epaAsia anokukwazisai. Akwira naPrisira vanokukwazisai zvikuru muna Ishe, pamwe nekereke iri mumba mavo.Select 1 Corinthians 16:19
20Hama dzese dzinokukwazisai. Kwazisanai nekutsvoda kutsvene.Select 1 Corinthians 16:20
21Kwaziso neruoko rwangu rwaPauro.Select 1 Corinthians 16:21
22Kana munhu asingadi Ishe Jesu Kristu, ngaave chakatukwa. Uyai Ishe!Select 1 Corinthians 16:22
23Nyasha dzaIshe Jesu Kristu ngadzive nemwi.Select 1 Corinthians 16:23
24Rudo rwangu ngaruve nemwi mese muna Kristu Jesu. Ameni.Select 1 Corinthians 16:24
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation