Skip to content
Church.wiki
1 Corinthians

1 Corinthians 4

Shona Bible

Translation: SHONA

Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources

Start reading

1Munhu ngaatirangarire sezvizvi, sevabati vaKristu, nevachengeti vezvakavanzika zvaMwari.Select 1 Corinthians 4:1

2Uyezve, zvinotsvakwa pavachengeti, kuti ani nani awanikwe akatendeka.Select 1 Corinthians 4:2

3Asi kwandiri chinhu chidiki-diki kuti nditongeswe nemwi, kana nekutonga kwevanhu; asi neni handizvitongesi.Select 1 Corinthians 4:3

4Nokuti handirangariri chinhu kwandiri, zvakadaro handinzi ndakarurama neizvozvo; asi anonditonga ndiIshe.Select 1 Corinthians 4:4

5Naizvozvo regai kutonga chinhu nguva isati yasvika, kusvikira Ishe auya, iye achabudisawo pachena zvinhu zvakavanzika zverima, uye acharatidza mazano emoyo; uye ipapo munhu umwe neumwe acharumbidzwa naMwari.Select 1 Corinthians 4:5

6Zvino zvinhu izvi, hama, ndinozvifananidzira neni naAporo nekuda kwenyu, kuti mudzidze kwatiri kuti musafunga kupfuura zvakanyorwa, kuti umwe arege kuzvikudza neumwe muchipikisa umwe.Select 1 Corinthians 4:6

7Nokuti ndiani wakaita kuti usiyane nevamwe? Uye chii chaunacho chausina kugamuchira? Uye kanawo wakagamuchira, unozvikudzirei seusina kugamuchira?Select 1 Corinthians 4:7

8Matoguta, matofuma, matonga kunze kwedu; ndinodawo kuti mutonge, kuti isuwo titonge pamwe nemwi.Select 1 Corinthians 4:8

9Nokuti ndinofunga kuti Mwari wakatigadza isu vaapositori vekupedzisira, sevakatemerwa rufu; nokuti takaitwa chiokerwa kunyika, nekuvatumwa, nekuvanhu.Select 1 Corinthians 4:9

10Isu tiri mapenzi nekuda kwaKristu, asi imwi makachenjera muna Kristu; isu tine utera, asi imwi makasimba; imwi munokudzwa, asi isu tinozvidzwa.Select 1 Corinthians 4:10

11Kusvikira nguva ino tine nzarawo, uye tine nyota, uye takashama, uye tinorohwa netsiva, uye tiri vambeyi,Select 1 Corinthians 4:11

12uye tinoshingaira tichishanda nemaoko edu pachedu; tinoti tichitukwa tinoropafadza, tinoti tichishushwa tinotsunga moyo;Select 1 Corinthians 4:12

13kana tichinyeyewa tinonyengerera; tinoitwa setsvina yenyika, marara ezvinhu zvese, kusvikira ikozvino.Select 1 Corinthians 4:13

14Handinyoreri zvinhu izvi kuti ndikunyadzisei, asi savana vangu vanodikanwa ndinokunyeverai.Select 1 Corinthians 4:14

15Nokuti kunyange mune varairidzi zvuru gumi muna Kristu, zvakadaro hamuna madzibaba mazhinji; nokuti muna Kristu Jesu ini ndakakuberekai kubudikidza neevhangeri.Select 1 Corinthians 4:15

16Naizvozvo ndinokukumbirisai: Ivai vatevedzeri vangu.Select 1 Corinthians 4:16

17Nemhaka iyi ndatuma Timotio kwamuri, anova mwana wangu anodikanwa, uye wakatendeka muna Ishe, achakuyeuchidzai nzira dzangu dziri muna Kristu, sezvandinodzidzisa kwese pakereke imwe neimwe.Select 1 Corinthians 4:17

18Zvino vamwe vakazvikudza sezvinonzi handiuyi kwamuri.Select 1 Corinthians 4:18

19Asi ndichauya kwamuri nekukurumidza, kana Ishe achida, uye ndichaziva, kwete shoko revanozvikudza, asi simba.Select 1 Corinthians 4:19

20Nokuti ushe hwaMwari hahuzi pashoko, asi pasimba.Select 1 Corinthians 4:20

21Munodei? Ndiuye kwamuri netsvimbo here, kana murudo nemweya weunyoro?Select 1 Corinthians 4:21

Next: 1 Corinthians 5Continue reading

Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

1 Corinthians

Selected verses

Select another verse to extend the range.

Highlight

My Bible

About this name

Listen

Uses an English voice provided by your browser.