1 Corinthians 6
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Umwe wenyu anoti ane mhosva neumwe unotsunga kutongwa pamberi pevasakarurama uye pasiri pamberi pevatsvene here?Select 1 Corinthians 6:1
2Hamuzivi here kuti vatsvene vachatonga nyika? Zvino kana nyika ichizotongwa nemwi, hamuna kufanira kutonga mhosva diki-diki here?Select 1 Corinthians 6:2
3Hamuzivi here kuti tichatonga vatumwa? Zvikuru sei zveupenyu huno?Select 1 Corinthians 6:3
4Naizvozvo kana mune mhosva dzezvinhu zveupenyu huno, vagadzei avo vanozvidzwa pakereke vatonge.Select 1 Corinthians 6:4
5Ndinotaura kuti munyare. Naizvozvo hakuna munhu wakachenjera pakati penyu here, kana neumwe, angagona kutonga pakati pehama dzake?Select 1 Corinthians 6:5
6Asi hama inomhan'arira hama, uye izvi achizviita pamberi pevasingatendi.Select 1 Corinthians 6:6
7Zvino naizvozvo patova nekukundikana kwazvo pakati penyu, kuti munomhan'arirana. Munoregerei kutenda kutadzirwa pakudaro? Munoregerei kutenda kubiridzirwa pakudaro?Select 1 Corinthians 6:7
8Asi imwi munotadza nekubiridzira, uye izvi munozviita kuhama.Select 1 Corinthians 6:8
9Kana hamuzivi here kuti vasakarurama havazogari nhaka yeushe hwaMwari? Musatsauswa; hakuna mhombwe, kana vanamati vezvifananidzo, kana zvifeve, kana vakapata paungochani, kana vanorara nevamwe varume,Select 1 Corinthians 6:9
10kana mbavha, kana vachivi, kana vararadzi, kana vatuki, kana vapambi, vachagara nhaka yeushe hwaMwari.Select 1 Corinthians 6:10
11Uye vamwe venyu vakange vari izvozvi; asi makashambidzwa, asi makaitwa vatsvene, asi makanzi makarurama muzita raIshe Jesu, uye neMweya waMwari wedu.Select 1 Corinthians 6:11
12Zvinhu zvese zviri pamutemo kwandiri, asi hazvisi zvinhu zvese zvinobatsira; zvinhu zvese zviri pamutemo kwandiri, asi ini handizotongwi nechinhu.Select 1 Corinthians 6:12
13Kudya ndekwedumbu, nedumbu nderezvekudya; asi Mwari achaparadza zviri zviviri iro naizvo. Zvino muviri hausi weupombwe, asi waIshe, naIshe ndevemuviri.Select 1 Corinthians 6:13
14Uye Mwari wakamutsa Ishewo achatimutsa nesu nesimba rake.Select 1 Corinthians 6:14
15Hamuzivi here kuti miviri yenyu mitezo yaKristu? Zvino ndichatora mitezo yaKristu ndikaita mitezo yechifeve here? Ngazvisadaro!Select 1 Corinthians 6:15
16Kana hamuzivi kuti anobatanidzwa nechifeve wava muviri umwe nacho here? Nokuti ava vaviri, anoti, vachava nyama imwe.Select 1 Corinthians 6:16
17Asi anobatanidzwa naIshe wava mweya umwe naye.Select 1 Corinthians 6:17
18Tizai upombwe. Chivi chese munhu chaanoita chiri kunze kwemuviri; asi anoita upombwe anotadzira muviri wake amene.Select 1 Corinthians 6:18
19Kana hamuzivi here kuti muviri wenyu itembere yaMweya Mutsvene ari mamuri, wamunaye achibva kuna Mwari, uye imwi hamusi venyu?Select 1 Corinthians 6:19
20Nokuti makatengwa nemutengo; naizvozvo rumbidzai Mwari mumuviri wenyu, uye mumweya wenyu, zviri zvaMwari.Select 1 Corinthians 6:20
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation