1 Corinthians 8
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Zvino maererano nezvakabairwa zvifananidzo, tinoziva kuti tese tine ruzivo. Ruzivo rwunotutumadza, asi rudo rwunovaka.Select 1 Corinthians 8:1
2Uye kana ani nani achifunga kuti anoziva chinhu, haasati aziva chinhu sezvaanofanira kuziva;Select 1 Corinthians 8:2
3asi kana ani achida Mwari, ndiye anozikanwa naye.Select 1 Corinthians 8:3
4Naizvozvo maererano nekudya zvinhu zvakabairwa zvifananidzo, tinoziva kuti chifananidzo hachisi chinhu panyika, uye kuti hakuna umwe Mwari kunze kweumwe.Select 1 Corinthians 8:4
5Nokuti kunyange varipo vanonzi vamwari, kana kudenga, kana panyika (sezvavaripo vamwari vazhinji, nemadzishe mazhinji),Select 1 Corinthians 8:5
6asi kwatiri kuna Mwari umwe, Baba, zvinhu zvese zvinouya naye, nesu tiri maari; naIshe umwe, Jesu Kristu, zvinhu zvese zviripo nekuda kwake, nesu tiripo naye.Select 1 Corinthians 8:6
7Asi ruzivo harwuko kwavari vese; nokuti vamwe vane hana yechifananidzo kusvikira ikozvino, vanodya sezvakabairwa chifananidzo; nehana yavo isina simba inoshatiswa.Select 1 Corinthians 8:7
8Zvino kudya hakutiswededzi kuna Mwari; kwete nokuti kana tichidya, tinowanzirwa; uye kwete kuti kana tisingadyi, tinoshaiwa.Select 1 Corinthians 8:8
9Zvino chenjerai, zvimwe kodzero yenyu iyi ive chigumbuso kune avo vasina simba.Select 1 Corinthians 8:9
10Nokuti kana umwe achikuona iwe ane ruzivo ugere pakudya mutembere yechifananidzo, hana yeasina simba haingatsungiswi kuti adye izvo zvakabairwa zvifananidzo here?Select 1 Corinthians 8:10
11Uye neruzivo rwako hama isina simba ichaparara here, Kristu yaakafira?Select 1 Corinthians 8:11
12Zvino kana muchitadzira hama saizvozvo, muchikuvadza hana yavo isina simba, munotadzira Kristu.Select 1 Corinthians 8:12
13Naizvozvo kana kudya kuchigumbusa hama yangu, handingatongodyi nyama kusvikira narinhi, kuti ndirege kugumbusa hama yangu.Select 1 Corinthians 8:13
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation