Skip to content
Church.wiki
2 Corinthians

2 Corinthians 10

Shona Bible

Translation: SHONA

Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources

Start reading

1Zvino ini Pauro ndomene ndinokukumbirisai neunyoro, uye moyochena waKristu, wakaninipiswa pakati penyu kana ndiripo, asi kana ndisipo ndine ushingi kwamuri;Select 2 Corinthians 10:1

2ndinokumbirisawo, kuti kana ndiripo, ndirege kuva neushingi nekuzvipira uku kwandinoverengerwa kuti ndine ushingi hwekumirisana nevamwe vanotifungira sevanofamba panyama.Select 2 Corinthians 10:2

3Nokuti kunyange tichifamba panyama, hatirwi maererano nenyama;Select 2 Corinthians 10:3

4nokuti zvombo zvehondo yedu hazvisi zvenyama, asi zvakasimba kubudikidza naMwari pakuputsa nhare,Select 2 Corinthians 10:4

5tichiwisa mirangariro nechese chakakwirira chinozvikwiridza chichipesana neruzivo rwaMwari, nekuisa muutapwa murangariro wese pakuteerera Kristu;Select 2 Corinthians 10:5

6takazvigadzira kutsiva kusateerera kwese, kana kuteerera kwenyu kwazadzisika.Select 2 Corinthians 10:6

7Munotarira zvinhu pamaonekero azvo ekunze here? Kana munhu achizvivimba kuti iye ndewaKristu, ngaazvirangarirezve, kuti iye sezvaari waKristu, saizvozvo nesu tiri vaKristu.Select 2 Corinthians 10:7

8Nokuti kana nezvinhu zvizhinjisa ndisazvirumbidzazve maererano nesimba redu, Ishe raakatipa pakuvaka, uye kwete rekuparadza kwedu, handinganyadziswi;Select 2 Corinthians 10:8

9kuti ndirege kuonekwa sendinokutyityidzirai netsamba.Select 2 Corinthians 10:9

10Nokuti vanoti: Tsamba dzake dzinorema uye dzine simba; asi kuvapo kwemuviri kune utera nekutaura kwake kunozvidzika.Select 2 Corinthians 10:10

11Wakadaro ngaarangarire ichi, kuti sezvatakadaro pashoko kubudikidza netsamba kana tisipo, nesu takadaro pakuita kana tiripo.Select 2 Corinthians 10:11

12Nokuti hatina ushingi hwekuzviverengera kana kuzvifananidza nevamwe vevanozvirumbidza; asi ivo vanozvienzanisa vega, nekuzvifananidza pachavo, havanzwisisi.Select 2 Corinthians 10:12

13Asi isu hatingazvikudzi zvinopfuura chipimo, asi zvinoenderana nechipimo chemuganhu Mwari waakatitemera, chipimo chekusvika nekwamuri.Select 2 Corinthians 10:13

14Nokuti hatizvitandavadzi kupfuurikidza setisingasvikiri kwamuri, nokuti nekwamuriwo takasvika muevhangeri yaKristu;Select 2 Corinthians 10:14

15tisingazvikudzi kupfuurikidza chipimo pamabasa evamwe; asi tine tariro, kuti kana rutendo rwenyu rwuchiwanzwa, isu tichakuriswa pakati penyu zvinoenderana nemuganhu wedu nekupfuurisa,Select 2 Corinthians 10:15

16kuparidza evhangeri pamatunhu ari mhiri kwenyu, kwete kuzvirumbidza pamuganhu weumwe pazvinhu zvakagadzirwa.Select 2 Corinthians 10:16

17Asi anozvirumbidza, ngaazvirumbidze muna Ishe.Select 2 Corinthians 10:17

18Nokuti haasi anozvirumbidza uyo anogamuchirwa, asi Ishe waanorumbidza.Select 2 Corinthians 10:18

Next: 2 Corinthians 11Continue reading

Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

2 Corinthians

Selected verses

Select another verse to extend the range.

Highlight

My Bible

About this name

Listen

Uses an English voice provided by your browser.