2 Corinthians 13
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Nenguva iyi yechitatu ndinouya kwamuri; mumuromo wezvapupu zviviri uye zvitatu shoko rega-rega ritsigirwe.Select 2 Corinthians 13:1
2Ndakambokuudzai uye ndinogara ndakuudzai, sendakange ndiripo rwechipiri, uye ikozvino ndisipo ndinonyorera avo vakagara vatadza, nekuvamwe vese, kuti kana ndikauyazve, handichavaregereri.Select 2 Corinthians 13:2
3Sezvo muchitsvaka uchapupu hwaKristu anotaura mandiri, asina utera kwamuri, asi ane simba mamuri.Select 2 Corinthians 13:3
4Nokuti kunyange akarovererwa pamuchinjikwa neutera, zvakadaro anorarama nesimba raMwari. Nokuti isuwo tine utera maari asi tichararama pamwe naye nesimba raMwari kwamuri.Select 2 Corinthians 13:4
5Zviongororei kana muri parutendo; zviidzei. Kana hamuzivi here imwi, kuti Jesu Kristu ari mamuri sei? Kunze kwekuti zvirokwazvo muri vakaraswa.Select 2 Corinthians 13:5
6Asi ndinovimba kuti muchaziva kuti isu hatisi vakaraswa.Select 2 Corinthians 13:6
7Zvino ndinonyengetera kuna Mwari, kuti musaita chinhu chakaipa; kwete kuti isu tiratidzike takatendeka, asi kuti imwi muite zvakarurama, kunyange isu tive sevakaraswa.Select 2 Corinthians 13:7
8Nokuti hatigoni kuita chinhu chinopesana nechokwadi, asi chechokwadi.Select 2 Corinthians 13:8
9Nokuti tinofara kana isu tine utera, imwiwo makasimba; uye izviwo tinozvinyengeterera, kuperera kwenyu.Select 2 Corinthians 13:9
10Saka ndinonyora zvinhu izvi ndisipo, zvimwe kana ndiripo ndingashandisa hasha, zvichienderana nesimba Ishe raakandipa pakuvaka, uye kwete pakuputsa.Select 2 Corinthians 13:10
11Pakupedzisira, hama, farai, muperedzerwe, munyaradzwe, muve vemoyo umwe, garai murugare; uye Mwari werudo nerugare achava nemwi.Select 2 Corinthians 13:11
12Kwazisanai nekutsvoda kutsvene.Select 2 Corinthians 13:12
13Vatsvene vese vanokukwazisai.Select 2 Corinthians 13:13
14Nyasha dzaIshe Jesu Kristu, nerudo rwaMwari, nekudyidzana kweMweya Mutsvene, ngazvive nemwi mese. Ameni.Select 2 Corinthians 13:14
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation