2 Corinthians 3
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Tinotangazve kuzviratidza here? Kana tinotsvaka here, sevamwe, tsamba dzekuzviratidza kwamuri, kana dzekuratidza kunobva kwamuri?Select 2 Corinthians 3:1
2Imwi muri tsamba yedu, yakanyorwa mumoyo yedu, inozikanwa nekuverengwa nevanhu vese;Select 2 Corinthians 3:2
3muchiratidzwa kuti muri tsamba yaKristu inoshandiswa nesu, yakanyorwa kwete neingi, asi neMweya waMwari anorarama; kwete pamahwendefa emabwe, asi pamahwendefa enyama emoyo.Select 2 Corinthians 3:3
4Nechivimbo chakadai tinacho naKristu kuna Mwari;Select 2 Corinthians 3:4
5kwete kuti tinokwanisa isu pachedu kufunga chimwe chinhu sechinobva kwatiri, asi kukwanisa kwedu kunobva kuna Mwari;Select 2 Corinthians 3:5
6iye wakatigonesa kuva vashumiri vesungano itsva, kwete yechakanyorwa asi yeMweya; nokuti chakanyorwa chinouraya, asi Mweya unoraramisa.Select 2 Corinthians 3:6
7Asi kana ushumiri hwerufu, pazvinyorwa zvakavezwa pamabwe hwakasvikira mukubwinya, zvekuti vana vaIsraeri vakakoniwa kutarisisa chiso chaMozisi nekuda kwekubwinya kwechiso chake, kwaipedzwa,Select 2 Corinthians 3:7
8ko shumiro yeMweya haingazovi nekubwinya kukuru here?Select 2 Corinthians 3:8
9Nokuti kana shumiro yekupiwa mhosva iri kubwinya, shumiro yekururama ichakunda zvikuru sei mukubwinya.Select 2 Corinthians 3:9
10Nokuti kunyange icho chakabwinyiswa hachina kubwinyiswa pachinhu ichi nekuda kwekubwinya uku kwakanyanyisa.Select 2 Corinthians 3:10
11Nokuti kana icho chinopedzwa chaiva nekubwinya, zvikuru sei icho chinogara, pakubwinya.Select 2 Corinthians 3:11
12Naizvozvo tine tariro yakadai, tinoshandisa ushingi ukuru mukutaura;Select 2 Corinthians 3:12
13uye kwete saMozisi waiisa chifukidziro pachiso chake, kuti vana vaIsraeri varege kutarisisa kuguma kwezvinopedzwa.Select 2 Corinthians 3:13
14Asi fungwa dzavo dzakaomeswa, nokuti kusvikira zuva rino chifukidziro ichochi chichiripo chisina kubviswa pakuverengwa kwetesitamende yekare, chakapedzwa muna Kristu.Select 2 Corinthians 3:14
15Asi kusvikira zuva rino, kana kuchiverengwa Mozisi, chifukidziro chirere pamoyo wavo.Select 2 Corinthians 3:15
16Chero rinhi kana achidzokera kuna Ishe, chifukidziro chinobviswa.Select 2 Corinthians 3:16
17Zvino Ishe ndiye Mweya; uye pane Mweya waIshe pane rusununguko.Select 2 Corinthians 3:17
18Asi isu tese, nechiso chakashama tichiona sepachionioni kubwinya kwaIshe, tinoshandurirwa kumufananidzo iwoyo kubva pakubwinya kuenda pakubwinya, sezvinobva kuMweya waIshe.Select 2 Corinthians 3:18
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation