2 Corinthians 4
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Naizvozvo zvatine shumiro iyi, sezvatakagamuchira tsitsi, hatineti;Select 2 Corinthians 4:1
2asi takarasa zvinhu zvakavanzika zvechinyadzo, tisingafambi neunyengeri, kana kuminamisa shoko raMwari; asi nekuratidza chokwadi, tichizvipupurira kuhana yese yevanhu pamberi paMwari.Select 2 Corinthians 4:2
3Zvinowo kana evhangeri yedu yakafukidzwa, yakafukidzwa kune avo vanoparara;Select 2 Corinthians 4:3
4kwavari mwari wenyika ino wakapofumadza fungwa dzevasingatendi, kuti chiedza cheevhangeri yekubwinya yaKristu ari mufananidzo waMwari chisavhenekera kwavari.Select 2 Corinthians 4:4
5Nokuti hatizviparidzi, asi Kristu Jesu Ishe; uye isu tiri varanda venyu nekuda kwaJesu.Select 2 Corinthians 4:5
6Nokuti Mwari wakati chiedza chivhenekere kubva parima ndiye wakavhenekera mumoyo yedu, kuti atipe chiedza cheruzivo rwekubwinya kwaMwari pachiso chaJesu Kristu.Select 2 Corinthians 4:6
7Asi tine fuma iyi mumidziyo yevhu, kuti ukuru-ukuru hwesimba huve hwaMwari, uye husabva kwatiri;Select 2 Corinthians 4:7
8tinodzvanyidzirwa pamativi ese, asi hatimanikidzwi; tinovhiringidzika, asi hatipererwi;Select 2 Corinthians 4:8
9tinoshushwa, asi kwete kusiiwa; tinowisirwa pasi, asi kwete kuparadzwa;Select 2 Corinthians 4:9
10tichipota takatakura nguva dzese kufa kwaIshe Jesu mumuviri, kuti upenyuwo hwaJesu huratidzwe mumuviri wedu.Select 2 Corinthians 4:10
11Nokuti isu tinorarama tinogara tichipiwa kurufu nekuda kwaJesu, kuti upenyuwo hwaJesu huratidzwe munyama yedu inofa.Select 2 Corinthians 4:11
12Saizvozvo rufu rwunobata matiri, asi upenyu mamuri.Select 2 Corinthians 4:12
13Zvino tine mweya iwoyu werutendo, sezvazvakanyorwa zvichinzi: Ndakatenda, naizvozvo ndakataura; isuwo tinotenda, naizvozvowo tinotaura;Select 2 Corinthians 4:13
14tichiziva kuti iye wakamutsa Ishe Jesu, achatimutsawo isu naJesu, agotikumikidza pamwe nemwi.Select 2 Corinthians 4:14
15Nokuti zvinhu zvese zvinoitwa nekuda kwenyu, kuti nyasha dzakapamhidzirwa nekuda kwekuvonga kwevazhinji, dziwedzerwe dzive rukudzo rwaMwari.Select 2 Corinthians 4:15
16Naizvozvo hatineti, asi kana munhu wedu wekunze achiparadzwa, zvakadaro wemukati anovandudzwa zuva nezuva.Select 2 Corinthians 4:16
17Nokuti dambudziko redu rakareruka riripo kwechinguva chidiki, rinotiitira uremu hwekubwinya kukurusa kusingaperi;Select 2 Corinthians 4:17
18tisingatariri zvinoonekwa, asi zvisingaonekwi; nokuti zvinoonekwa ndezvenguva, asi zvisingaonekwi ndezvekusingaperi.Select 2 Corinthians 4:18
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation