2 Corinthians 6
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Zvino tinobata pamwe naye, nesu tinokumbira zvikuru kuti musagamuchira nyasha dzaMwari pasina;Select 2 Corinthians 6:1
2nokuti anoti: Nenguva yakafanira ndakakunzwa, uye nepazuva reruponeso ndakakubatsira; tarira, ikozvino inguva yakafanira; tarira, ikozvino izuva reruponeso.Select 2 Corinthians 6:2
3Hatigumbusi kunyange pachinhu, kuti shumiro irege kumhurwa;Select 2 Corinthians 6:3
4asi pazvese tinozviratidza sevashumiri vaMwari, pakutsungirira kuzhinji, pamatambudziko, pakuomerwa, pakudzvinyirirwa,Select 2 Corinthians 6:4
5pakurohwa, pakusungwa, pamabongozozo, pamabasa anorema, pakusarara, pakutsanya,Select 2 Corinthians 6:5
6pakuchena, paruzivo, pamoyo murefu, paunyoro, paMweya Mutsvene, parudo rusinganyepedzeri,Select 2 Corinthians 6:6
7pashoko rechokwadi, pasimba raMwari, pazvombo zvekururama kurudyi nekuruboshwe,Select 2 Corinthians 6:7
8nekukudzwa uye kuzvidzwa, nekureverwa zvakaipa uye kureverwa zvakanaka; sevanyepedzeri, tiri vechokwadiwo;Select 2 Corinthians 6:8
9sevasingazikanwi, tichizikanwawo zvikuru; sevanofa, tarirawo, tinorarama; sevanorohwa, tisingaurawiwo;Select 2 Corinthians 6:9
10sevakasuruvadzwa, asi tichifara nguva dzese; sevarombo, asi tichifumisa vazhinji; sevasina chinhu, asi tine zvese.Select 2 Corinthians 6:10
11VeKorinde, muromo wedu wakashamira imwi, moyo wedu wakuriswa.Select 2 Corinthians 6:11
12Hamudzvinyidzirwi matiri, asi munodzvinyidzirwa muvura hwenyu.Select 2 Corinthians 6:12
13Zvino pakutsiva kwakadaro (ndinotaura sekune vana vangu), imwiwo kuriswai.Select 2 Corinthians 6:13
14Musasungwa zvisina kufanira pajoko pamwe nevasingatendi; nokuti kururama kungava nekudyidzana kwei nekusarurama? Chiedza chingadyidzana sei nerima?Select 2 Corinthians 6:14
15Uye Kristu ane kunzwana kwei naBeriari? Kana anotenda angava nemugove wei neasingatendi?Select 2 Corinthians 6:15
16Netembere yaMwari ine kutenderana kupi nezvifananidzo? Nokuti imwi muri tembere yaMwari mupenyu, Mwari sezvaakareva kuti: Ndichagara mavari, uye ndichafamba pakati pavo; ndichavawo Mwari wavo, uye ivo vachava vanhu vangu.Select 2 Corinthians 6:16
17Naizvozvo budai pakati pavo mutsaurwe, anoreva Ishe, uye musabata chakasviba; iniwo ndichakugamuchirai.Select 2 Corinthians 6:17
18Uye ndichava Baba kwamuri, nemwi muchava vanakomana nevanasikana kwandiri, anoreva Ishe Wemasimbaose.Select 2 Corinthians 6:18
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation