Skip to content
Church.wiki
Colossians

Colossians 1

Shona Bible

Translation: SHONA

Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources

Start reading

1Pauro muapositori waJesu Kristu nechido chaMwari, naTimotio hama,Select Colossians 1:1

2kuvatsvene nehama dzakatendeka muna Kristu dziri paKorose: Nyasha kwamuri nerugare rwunobva kuna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu.Select Colossians 1:2

3Tinovonga Mwari naBaba vaIshe wedu Jesu Kristu, tichikunyengetererai nguva dzese,Select Colossians 1:3

4sezvo takanzwa zverutendo rwenyu muna Kristu Jesu, uye zverudo kuvatsvene vese,Select Colossians 1:4

5nekuda kwetariro yakaisirwa imwi kumatenga, yamakagara manzwa pashoko rechokwadi cheevhangeri,Select Colossians 1:5

6yasvika kwamuri sepanyika yesewo; ichibereka chibereko, sezvainoitawo kwamuri, kubvira pazuva ramakanzwa nekuziva nyasha dzaMwari muchokwadi;Select Colossians 1:6

7sezvamakadzidzawo kuna Epafrasi, muranda anodikanwa pamwe nesu, anova mushumiri wakatendeka waKristu nekuda kwenyu,Select Colossians 1:7

8wakatiudzawo zverudo rwenyu muMweya.Select Colossians 1:8

9Nekuda kweizvi isuwo, kubvira pazuva ratakanzwa, hatimiri kukunyengetererai, nekukumbira kuti muzadzwe neruzivo rwechido chake pauchenjeri hwese nekunzwisisa kwemweya,Select Colossians 1:9

10kuti mufambe zvinofanira Ishe pane zvese zvinofadza, muchibereka zvibereko pabasa rese rakanaka, muchikura paruzivo rwaMwari;Select Colossians 1:10

11muchisimbiswa nesimba rese, zvichienderana nesimba rekubwinya kwake, pamoyo murefu wese nekutsungirira pamwe nemufaro;Select Colossians 1:11

12muchivonga kuna Baba, vakatiita kuti tifanire kugoverana kwenhaka yevatsvene muchiedza,Select Colossians 1:12

13vakatinunura pasimba rerima, vakatishandurira muushe hweMwanakomana werudo rwavo,Select Colossians 1:13

14watine dzikunuro maari neropa rake, ndiko kukanganwirwa kwezvivi.Select Colossians 1:14

15Anova mufananidzo waMwari asingaonekwi, dangwe rechisikwa chega-chega.Select Colossians 1:15

16Nokuti maari zvinhu zvese zvakasikwa, zviri kumatenga nezviri panyika, zvinoonekwa nezvisingaonekwi, kana zviri zvigaro zveushe, kana umambo, kana ukuru, kana masimba; zvinhu zvese zvakasikwa naye, zvikasikirwa iye.Select Colossians 1:16

17Ndiyewo anotangira zvinhu zvese, uye zvinhu zvese zvakabatanidzwa maari.Select Colossians 1:17

18Uye iye musoro wemuviri, wekereke; anova kutanga, dangwe kubva kune vakafa; kuti pazvese iye ave wekutanga;Select Colossians 1:18

19nokuti zvakafadza Baba, kuti kuzara kwese kugare maari,Select Colossians 1:19

20uye ayananisa naye zvinhu zvese kwaari, aita rugare neropa remuchinjikwa wake kubudikidza naiye, kunyange zviri panyika kunyange zviri kumatenga.Select Colossians 1:20

21Nemwi maimbova vaeni nevavengi mufungwa nemabasa akaipa, asi ikozvinowo wayanana nemwiSelect Colossians 1:21

22mumuviri wenyama yake kubudikidza nerufu, akukumikidzei muri vatsvene uye musina mhosva uye musingamhuriki pamberi pake;Select Colossians 1:22

23zvino kana muchirambira parutendo makateyiwa uye makasimbiswa, uye hamubviswi patariro yeevhangeri yamakanzwa, yakaparidzirwa chisikwa chega-chega chiri pasi pedenga; iyo yandakaitwa mushumiri wayo ini Pauro.Select Colossians 1:23

24Zvino ikozvino ndinofara pamatambudziko angu nekuda kwenyu, nekuzadzisa zvakasara pamatambudziko aKristu munyama yangu nekuda kwemuviri wake, unova kereke;Select Colossians 1:24

25ini yandakaitwa mushumiri wayo zvichienderana nekubatiswa kwaMwari chandakapiwa pamusoro penyu, kuzadzisa shoko raMwari,Select Colossians 1:25

26chakavanzika chakange chakavanzwa kubvira kare uye kubva kumazera, asi ikozvino chinoratidzwa kuvatsvene vake,Select Colossians 1:26

27kune ivo Mwari vaakada kuzivisa kuti fuma yekubwinya kwechakavanzika ichi pakati pevahedheni chii, chinova Kristu mamuri, tariro yekubwinya;Select Colossians 1:27

28watinoparidza isu, tichiyambira munhu umwe neumwe, nekudzidzisa munhu umwe neumwe munjere dzese, kuti tikumikidze munhu umwe neumwe akakwana muna Kristu Jesu;Select Colossians 1:28

29ndizvo zvandinoshingairirawo, ndichirwa zvinoenderana nekubata kwake kunobata mandiri nesimba.Select Colossians 1:29

Next: Colossians 2Continue reading

Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

Colossians

Selected verses

Select another verse to extend the range.

Highlight

My Bible

About this name

Listen

Uses an English voice provided by your browser.