Skip to content
Church.wiki
Colossians

Colossians 2

Shona Bible

Translation: SHONA

Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources

Start reading

1Nokuti ndinoda kuti muzive kuti kurwa kukuru zvakadini kwandinako pamusoro penyu, nevari paRaodhikia, nevese vasina kuona chiso changu panyama,Select Colossians 2:1

2kuti moyo yavo inyaradzwe, vasonanidzwe murudo, nemufuma yese yekuvimbiswa kwakakwana kwekunzwisisa, paruzivo rwechakavanzika chaMwari naBaba, nechaKristu,Select Colossians 2:2

3maari fuma yese yeuchenjeri neyeruzivo yakavigwa.Select Colossians 2:3

4Ndinoreva izvi, kuti kusava nemunhu anokunyengerai nemashoko anonyengera.Select Colossians 2:4

5Nokuti kunyange ndisipo panyama, zvakadaro ndinemwi pamweya, ndichifara nekuvona kurongeka kwenyu, nekusimba kwerutendo rwenyu muna Kristu.Select Colossians 2:5

6Naizvozvo sezvamakagamuchira Kristu Jesu Ishe, fambai maari,Select Colossians 2:6

7makadzika midzi nekuvakwa maari, nekusimbiswa murutendo, sezvamakadzidziswa, muchiwedzera makuri nekuvonga.Select Colossians 2:7

8Chenjerai, zvimwe umwe munhu angakupambai neuchenjeri, nekunyengera kusina maturo, setsika dzevanhu, sedzidziso dzekuvamba dzenyika, uye kwete sekuna Kristu.Select Colossians 2:8

9Nokuti kuzara kwese kweuMwari kunogara maari pamuviri.Select Colossians 2:9

10Uye makazadziswa maari, iye musoro weutungamiriri hwese nesimba;Select Colossians 2:10

11wamakadzingiswawo maari nedzingiso isina kuitwa nemaoko, pakubvisa muviri wezvivi zvenyama, pakudzingisa kwaKristu;Select Colossians 2:11

12makavigwa pamwe naye pabhabhatidzo, pamakamutswawo pamwe naye nerutendo rwekuita kwaMwari, wakamumutsa kubva kuvakafa.Select Colossians 2:12

13Nemwi makafa mukudarika nekusadzingiswa kwenyama yenyu, wakakuitai vapenyu pamwe naye, akukanganwirai kudarika kwese,Select Colossians 2:13

14akadzima rugwaro rwezviga rwaipikisana nesu, rwaipesana nesu, akarubvisa pakati, aruroverera pamuchinjikwa;Select Colossians 2:14

15akurura vatungamiriri nemasimba, akavabudisa pachena, akatungamira kuvakunda mauri.Select Colossians 2:15

16Naizvozvo kusava nemunhu anokutongai pakudya kana pachinwiwa, kana panhau yemutambo kana yekugara kwemwedzi kana yemasabata;Select Colossians 2:16

17zvinova mumvuri wezvinhu zvichauya, asi muviri ndewa Kristu.Select Colossians 2:17

18Kusava nemunhu anokutorerai mubairo wenyu nemano, achifarira kuzvininipisa nekunamata vatumwa, achipindira pazvinhu zvaasina kuona, achizvikudza pasina nefungwa dzake dzenyama,Select Colossians 2:18

19uye asingabatisisi Musoro, uyo maari muviri wese nezvisungo nemarunda unoriritirwa, nekurukirwa pamwe, uchikura nekukura kwaMwari.Select Colossians 2:19

20Naizvozvo kana makafa pamwe naKristu kune dzidziso dzekuvamba dzenyika, munosungikanirei nemirairo semugere munyika,Select Colossians 2:20

21(usabata, usaravira, usagunzva,Select Colossians 2:21

22izvo zvese zvichaparara nekushandiswa) semirairo nedzidziso dzevanhu?Select Colossians 2:22

23Zvine chimiro cheuchenjeri pakuzvidira kunamata, nekuzvininipisa, nekutambudza muviri; hazvitongobatsiri kukunda kugutsa nyama.Select Colossians 2:23

Next: Colossians 3Continue reading

Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

Colossians

Selected verses

Select another verse to extend the range.

Highlight

My Bible

About this name

Listen

Uses an English voice provided by your browser.