Colossians 3
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Naizvozvo kana makamutswa pamwe naKristu, tsvakai zvekumusoro, uko kuna Kristu agere kuruoko rwerudyi rwaMwari.Select Colossians 3:1
2Rangarirai zviri kumusoro, kwete zviri panyika.Select Colossians 3:2
3Nokuti makafa, uye upenyu hwenyu hwakavigwa pamwe naKristu muna Mwari.Select Colossians 3:3
4Kana Kristu upenyu hwedu achionekwa, ipapo imwiwo muchaonekwa pamwe naye mukubwinya.Select Colossians 3:4
5Naizvozvo urayai mitezo yenyu iri panyika, upombwe, tsvina, kushumba kwakaipa, kuda zvakaipa, uye kuchiva, kunova kunamata zvifananidzo.Select Colossians 3:5
6Nekuda kwezvinhu izvi, hasha dzaMwari dzinouya pavana vekusateerera;Select Colossians 3:6
7imwiwo maimbofamba mazviri, pamairarama mazviri.Select Colossians 3:7
8Asi ikozvino imwiwo bvisai zvese izvi, kutsamwa, hasha, uipi, kunyomba, nekutaura zvinonyadzisa kubva mumuromo wenyu;Select Colossians 3:8
9regai kureverana nhema, zvamakabvisa munhu wekare nemabasa ake,Select Colossians 3:9
10mukapfeka mutsva, anovandudzwa paruzivo semufananidzo wewakamusika;Select Colossians 3:10
11apo pasina muGiriki uye muJudha, kudzingiswa uye kusadzingiswa, mutorwa, muSikitia, musungwa, wakasununguka; asi Kristu ndiye zvese, uye ari mune zvese.Select Colossians 3:11
12Naizvozvo pfekai sevasanangurwa vaMwari, vatsvene nevanodikanwa, moyo yetsitsi, moyo munyoro, kuzvininipisa, unyoro, nemoyo murefu;Select Colossians 3:12
13muchiitirana moyo murefu, nekukanganwirana kana umwe ane mhosva neumwe; Kristu sezvaakakukanganwiraiwo, saizvozvowo imwi;Select Colossians 3:13
14zvino pamusoro pezvinhu zvese izvi pfekai rudo, ndicho chisungo chekupedzeredza.Select Colossians 3:14
15Nerugare rwaMwari ngarwutonge mumoyo yenyu, ndirwo rwamakadanirwawo mumuviri mumwe; uye ivai vanovonga.Select Colossians 3:15
16Shoko raKristu ngarigare mamuri neufumi muuchenjeri hwese; muchidzidzisana nekurairana mumapisarema, nenziyo, nenziyo dzemweya, muimbire Ishe nenyasha mumoyo wenyu;Select Colossians 3:16
17uye zvese chero chipi chamunoita pashoko kana pachiito, itai zvese muzita raIshe Jesu, muchivonga Mwari naBaba kubudikidza naye.Select Colossians 3:17
18Vakadzi zviisei pasi pevarume venyu pachenyu, sezvo zvakafanira muna Ishe.Select Colossians 3:18
19Varume, idai vakadzi venyu, uye regai kuvavavira.Select Colossians 3:19
20Vana, teererai vabereki pazvinhu zvese, nokuti izvi zvinofadza Ishe.Select Colossians 3:20
21Madzibaba, musatsamwisa vana venyu, kuti varege kuora moyo.Select Colossians 3:21
22Varanda, teererai pazvinhu zvese vari vatenzi venyu panyama; kwete nekushandira maziso sevafadzi vevanhu, asi nemoyo wakarurama, muchitya Mwari;Select Colossians 3:22
23uye zvese kunyange chipi chamunoita, itai nemoyo, sekuna Ishe, uye kwete kuvanhu;Select Colossians 3:23
24muchiziva kuti kuna Ishe muchagamuchira mubairo wenhaka; nokuti munoshandira Ishe Kristu.Select Colossians 3:24
25Asi anoita zvisakarurama achagamuchira zvisakarurama zvaakaita; uye hakuna kusarurwa kwavanhu.Select Colossians 3:25
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation