Luke 10
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Shure kwezvinhu izvi, Ishe akagadza vamwe makumi manomwewo, akavatuma vaviri vaviri pamberi pechiso chake muguta rimwe nerimwe nenzvimbo imwe neimwe iye kwaakange achizoenda.Select Luke 10:1
2Naizvozvo wakati kwavari: Goho zvirokwazvo iguru, asi vashandi vashoma. Naizvozvo kumbirai Ishe wegoho kuti abudisire vashandi pagoho rake.Select Luke 10:2
3Endai; tarirai, ini ndinokutumai semakwayana pakati pemapumhi.Select Luke 10:3
4Musatakura chikwama, kana nhava, kana manyatera; uye musakwazisa munhu panzira.Select Luke 10:4
5Zvino paimba ipi neipi yamunopinda, tangai kuti: Rugare kuimba ino.Select Luke 10:5
6Uye kana mwanakomana werugare ari ipapo, rugare rwenyu ruchazorora pamusoro payo; kana zvisakadaro, ruchadzokera kwamuri.Select Luke 10:6
7Garai muimba iyo, muchidya nekunwa zvinobva kwavari; nokuti mushandi wakafanirwa nemubairo wake; musapota-pota nedzimba.Select Luke 10:7
8Muguta ripi neripi mamunopinda vakakugamuchirai, idyai zvinoiswa mberi kwenyu,Select Luke 10:8
9muporese varwere varimo, muchiti kwavari: Ushe hwaMwari hwaswedera kwamuri.Select Luke 10:9
10Asi muguta ripi neripi ramunopinda, vakasakugamuchirayi, budirai munzira dzaro, muti:Select Luke 10:10
11Kunyange guruva reguta renyu rakatinamatira, tinorikuhumurira kwamuri; asi muzive chinhu ichi, kuti ushe hwaMwari hwaswedera kwamuri.Select Luke 10:11
12Asi ndinoti kwamuri: Zvichava nani kuSodhoma nezuva iro, kupfuura guta iro.Select Luke 10:12
13Une nhamo, Korazini! Une nhamo, Bhetisaidha! Nokuti dai akaitwa muTire neSidhoni mabasa esimba akaitwa mamuri, vangadai vatendeuka kare, vakagara vakapfeka masaga nedota.Select Luke 10:13
14Asi zvichava nani kuTire neSidhoni pakutongwa, kupfuura imwi.Select Luke 10:14
15Newe Kapenaume, wakasimudzirwa kudenga, uchawisirwa pasi kuhadhesi*.Select Luke 10:15
16Anokunzwai imwi anondinzwa ini; neanokurambai imwi anondiramba ini; neanondiramba ini anomuramba wakandituma.Select Luke 10:16
17Vanemakumi manomwe vakadzoka nemufaro, vachiti: Ishe, nemadhimoni anozviisa pasi pedu muzita renyu.Select Luke 10:17
18Zvino akati kwavari: Ndakaona Satani semheni achiwa achibva kudenga.Select Luke 10:18
19Tarirai, ndinopa kwamuri simba rekutsika pamusoro penyoka nezvinyavada, nepamusoro pesimba rese remuvengi; hakuna chinhu chingatongokukuvadzai.Select Luke 10:19
20Asi musafara nechinhu ichi kuti mweya inozviisa pasi penyu; asi zvikuru mufare kuti mazita enyu akanyorwa kumatenga.Select Luke 10:20
21Neawa iro Jesu wakafara mumweya, akati: Ndinokuvongai, Baba, Ishe wekudenga nenyika, kuti makavanza zvinhu izvi kune vakachenjera nevanonzwisisa, mukazvizarurira vacheche; hongu, Baba, nokuti saizvozvo zvakava zvakanaka pamberi penyu.Select Luke 10:21
22Zvese zvakakumikidzwa kwandiri naBaba vangu; uye hakuna anoziva kuti Mwanakomana ndiani, kunze kwaBaba, uye kuti Baba ndiani, kunze kweMwanakomana, uye ani nani Mwanakomana waanoda kuzarurira.Select Luke 10:22
23Zvino akatendeukira kuvadzidzi vari vega akati: Akaropafadzwa meso anoona zvamunoona.Select Luke 10:23
24Nokuti ndinoti kwamuri: Vaporofita vazhinji nemadzimambo vaishuva kuona zvinhu zvamunoona imwi, asi havana kuzviona, nekunzwa zvinhu zvamunonzwa, asi havana kuzvinzwa.Select Luke 10:24
25Zvino tarira, imwe nyanzvi yemutemo yakasimuka, ichimuidza, ichiti: Mudzidzisi, ndingaitei kuti ndigare nhaka yeupenyu husingaperi?Select Luke 10:25
26Ndokuti kwaari: Pamurairo pakanyorwei? Unoverenga sei?Select Luke 10:26
27Uye achipindura, akati: Ude Ishe Mwari wako, nemoyo wako wese, uye nemweya wako wese, uye nesimba rako rese, uye nefungwa dzako dzese; neumwe wako sezvaunozvida iwe.Select Luke 10:27
28Akati kwaari: Wapindura zvakarurama; ita izvi, ugorarama.Select Luke 10:28
29Iye, achida kuzviruramisa, wakati kuna Jesu: Zvino ndiani umwe wangu?Select Luke 10:29
30Jesu akapindura akati: Umwe munhu wakaburuka kubva kuJerusarema achienda kuJeriko; akawira pakati pemakororo, akamukururawo akamupa mavanga akaenda, ndokusiya oda kufa.Select Luke 10:30
31Zvakangoitikawo kuti umwe mupristi wakange achiburuka nenzira iyo; akati achimuona, akapfuura neparutivi rwakapesa.Select Luke 10:31
32Saizvozvowo muRevhi asvika panzvimbo iyo, akamuona, akapfuura neparutivi rwakapesa.Select Luke 10:32
33Zvino umwe muSamaria, wakange achifamba wakasvika paaiva, akati achimuona akanzwa tsitsi,Select Luke 10:33
34akaswedera ndokupomba mavanga ake, achidira mafuta newaini; akamugadza pachipfuwo chake pachake, ndokumuisa kuimba yevafambi, ndokumuchengeta.Select Luke 10:34
35Zvino pamangwana oenda, wakabudisa madhenario* maviri akapa kumwene weimba, akati kwaari: Muchengete; uye zvese zvaunoshandisa kupfuura izvi, ini ndichakupazve, kana ndichidzoka.Select Luke 10:35
36Naizvozvo ndeupi wevatatu ava waunofunga kuti waiva umwe waiye wakawira pakati pemakororo?Select Luke 10:36
37Akati: Ndiye wakamuitira tsitsi. Ipapo Jesu akati kwaari: Enda, newe unoita saizvozvo.Select Luke 10:37
38Zvino zvakaitika pakufamba kwavo, kuti iye wakapinda mune umwe musha; umwe mukadzi wainzi Marita akamugamuchira mumba make.Select Luke 10:38
39Uye iye wakange ane munin'inawo wainzi Maria, wakagarawo pamakumbo aJesu, akanzwa shoko rake.Select Luke 10:39
40Asi Marita wakange akabatikana kwazvo nekushanda kukuru, akaswedera akati: Ishe, hamuna hanya here nokuti munin'ina wangu wandisiya ndega ndichishanda? Naizvozvo muudzei kuti andibatsire.Select Luke 10:40
41Jesu akapindura akati kwaari: Marita, Marita, unozvidya moyo nekutambudzika nezvinhu zvizhinji;Select Luke 10:41
42asi chinhu chimwe chinodikanwa; asi Maria wasanangura mugove wakanaka, waasingazotorerwi.Select Luke 10:42
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation