Luke 11
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Zvino zvakaitika achinyengetera pane imwe nzvimbo, apo amira, umwe wevadzidzi vake akati kwaari: Ishe, tidzidzisei kunyengetera, Johwani sezvaakadzidzisawo vadzidzi vake.Select Luke 11:1
2Ndokuti kwavari: Kana muchinyengetera, muti: Baba vedu vari kumatenga, zita renyu ngariitwe dzvene. Ushe hwenyu ngahuuye. Chido chenyu ngachiitwe, panyikawo sezvachinoitwa kudenga.Select Luke 11:2
3Mutipei zuva rimwe nerimwe kudya kwedu kwemazuva ese.Select Luke 11:3
4Uye mutikanganwire zvivi zvedu, nokuti isuwo tinokanganwira ani nani ane ngava kwatiri. Uye musatipinza pakuedzwa, asi mutisunungure pakuipa.Select Luke 11:4
5Akati kwavari: Ndeupi wenyu ane shamwari, uye anoenda kwaari pakati peusiku, akati kwaari: Shamwari, ndikwerete zvingwa zvitatu,Select Luke 11:5
6nokuti shamwari yangu yasvika kwandiri ichibva parwendo, asi handina chinhu chandingamuperekera;Select Luke 11:6
7uye uyo ari mukati akapindura akati: Usandinetsa; ikozvino mukova wapfigwa, nevana vangu vadiki vaneni pamubhedha; handigoni kumuka ndikakupa.Select Luke 11:7
8Ndinoti kwamuri: Kunyange akasamuka akamupa, nekuda kwekuva shamwari yake, asi nekuda kwekutsungirira kwake achamuka akamupa zvese zvaanoshaiwa.Select Luke 11:8
9Zvino ini ndinoti kwamuri: Kumbirai, muchapiwa; tsvakai, muchawana; gogodzai, muchazarurirwa.Select Luke 11:9
10Nokuti wese anokumbira anogamuchira; neanotsvaka anowana; neanogogodza anozarurirwa.Select Luke 11:10
11Kuti ndeupi wenyu ari baba, kana mwanakomana achikumbira chingwa, angazomupa ibwe? Kanawo hove, angazomupa nyoka panzvimbo yehove here?Select Luke 11:11
12Kanawo kuti akakumbira zai, angazomupa chinyavada here?Select Luke 11:12
13Naizvozvo kana imwi makaipa muchiziva kupa zvipo zvakanaka vana venyu, Baba vari kudenga vachapa zvikuru sei Mweya Mutsvene vanovakumbira.Select Luke 11:13
14Zvino wakange achibudisa dhimoni iro raiva chimumumu. Zvino zvakaitika kuti dhimoni rabuda, chimumumu chikataura; zvaunga zvikashamisika.Select Luke 11:14
15Asi vamwe vavo vakati: Anobudisa madhimoni naBheerizebhuri mukuru wemadhimoni.Select Luke 11:15
16Uye vamwe vachiidza, vakatsvaka kwaari chiratidzo chinobva kudenga.Select Luke 11:16
17Asi iye achiziva mifungo yavo wakati kwavari: Ushe hwese hunopesana huchizvipikisa hunoparadzwa; neimba inopikisana neimba inowa.Select Luke 11:17
18Kana Sataniwo achipesana achizvipikisa, ushe hwake hungazomira sei? Nokuti munoti, ndinobudisa madhimoni naBheerizebhuri.Select Luke 11:18
19Asi kana ini ndichibudisa madhimoni naBheerizebhuri, vanakomana venyu vanobudisa nani? Naizvozvo ivo vachava vatongi venyu.Select Luke 11:19
20Asi kana ndichibudisa madhimoni nemunwe waMwari, naizvozvo ushe hwaMwari hwasvika kwamuri.Select Luke 11:20
21Kana chikakarara chashonga zvombo chichirinda chivanze chacho, nhumbi dzacho dziri murugare;Select Luke 11:21
22asi kana wakasimba kuchipfuura akachirwisa, akachikunda, anotora nhumbi dzacho dzese dzekurwa dzachange chichivimba nadzo, ndokugovera zvaapamba zvacho.Select Luke 11:22
23Asina ini anopesana neni; neasingaunganidzi neni anoparadzira.Select Luke 11:23
24Kana mweya wetsvina wabuda mumunhu, unofamba uchigura nemunzvimbo dzakawoma, uchitsvaka zororo; asi uchishaiwa unoti: Ndichadzokera kuimba yangu kwandakabuda.Select Luke 11:24
25Zvino kana wasvika unowana yatsvairwa nekurongedzwa.Select Luke 11:25
26Ipapo unoenda ndokutora pamwe naye imwe mweya minomwe yakaipa kuupfuura, ndokupinda ndokugaramo; uye kuguma kwemunhu uyo kwakaipa kupfuura kutanga.Select Luke 11:26
27Zvino zvakaitika pakutaura kwake zvinhu izvozvi, umwe mukadzi pakati pechaunga akasimudza inzwi, akati kwaari: Rakaropafadzwa dumbu rakakutakurai, nemazamu amakayamwa.Select Luke 11:27
28Asi iye akati: Hongu, asi zvikuru vakaropafadzwa vanonzwa shoko raMwari vachirichengeta.Select Luke 11:28
29Zvino kwakati kwaungana zvaunga zvakatsikirirana, akatanga kuti: Zera iri rakaipa; rinotsvaka chiratidzo, asi hakuna chiratidzo chichapiwa kwariri, kunze kwechiratidzo chaJona muporofita.Select Luke 11:29
30Nokuti Jona sezvaakava chiratidzo kuVaNinivhi, saizvozvowo zvichaita Mwanakomana wemunhu kuzera iri.Select Luke 11:30
31Mambokadzi wechamhembe achasimuka pakutongwa pamwe nevarume vezera iri akavapa mhosva; nokuti wakabva pamigumo yenyika kuzonzwa uchenjeri hwaSoromoni, zvino tarirai, mukuru kuna Soromoni ari pano.Select Luke 11:31
32Varume veNinivhi vachasimuka pakutonga nezera iri, vakaripa mhosva, nokuti vakatendeuka pakuparidza kwaJona; zvino tarira, mukuru kuna Jona ari pano.Select Luke 11:32
33Hakuna munhu anoti kana atungidza mwenje anoisa pakavanda, kana pasi pedengu, asi pachigadziko chemwenje, kuti avo vanopinda vaone chiedza.Select Luke 11:33
34Mwenje wemuviri iziso; naizvozvo kana ziso rako riri benyu, muviri wakowo wese uzere nechiedza; asi kana rakaipa, muviri wakowo une rima.Select Luke 11:34
35Naizvozvo chenjera kuti chiedza chiri mukati mako chisava rima.Select Luke 11:35
36Naizvozvo kana muviri wako wese uzere nechiedza, pasina rumwe rutivi rwune rima, uchazara nechiedza wese, sepaya mwenje uchikuvhenekera nekupenya.Select Luke 11:36
37Wakati achitaura, umwe muFarisi akamukumbira kuti adye naye; akapinda, akagara pakudya.Select Luke 11:37
38Zvino muFarisi wakati achiona, akashamisika kuti wakange asina kutanga ashamba asati adya chisvusvuro.Select Luke 11:38
39Ishe ndokuti kwaari: Ikozvino imwi VaFarisi munonatsa kunze kwemukombe nekwendiro, asi mukati menyu muzere neupambi neuipi.Select Luke 11:39
40Imwi mapenzi, heya wakaita kunze, haana kuita mukatiwo?Select Luke 11:40
41Asi ipai sechipo kuvarombo izvo zvinhu zvemukati; zvino tarirai, zvese zvichava zvakachena kwamuri.Select Luke 11:41
42Asi mune nhamo VaFarisi! Nokuti munopa chegumi cheminte* neruyi* nemiriwo yese, uye muchidarika mutongo nerudo rwaMwari; maifanira kuita izvi, nekusarega zvimwe.Select Luke 11:42
43Mune nhamo VaFarisi! Nokuti munoda zvigaro zvepamusoro mumasinagoge, nekwaziso pamisika.Select Luke 11:43
44Mune nhamo, vanyori neVaFarisi, vanyepedzeri! Nokuti makafanana nemarinda asingaonekwi, uye vanhu vanofamba pamusoro pawo vasingazivi.Select Luke 11:44
45Zvino umwe wenyanzvi dzemutemo wakapindura akati kwaari: Mudzidzisi, kana muchitaura izvi munotuka isuwo.Select Luke 11:45
46Asi akati: Mune nhamowo imwi nyanzvi dzemutemo! Nokuti munoremedza vanhu nemitoro inorema kutakurwa, asi imwi momene hamubati mitoro iyi neumwe weminwe yenyu.Select Luke 11:46
47Mune nhamo! Nokuti munovaka marinda evaporofita, uye madzibaba enyu akavauraya.Select Luke 11:47
48Naizvozvo munopupura kuti munotenderana nemabasa emadzibaba enyu; nokuti ivo vakavauraya zvirokwazvo, imwiwo munovaka marinda avo.Select Luke 11:48
49Naizvozvo uchenjeri hwaMwari hunotiwo: Ndichavatumira vaporofita nevaapositori, vamwe vavo vachauraya nekushusha;Select Luke 11:49
50kuti ropa revaporofita vese rakateurwa kubva pakuvambwa kwenyika ritsvakwe pazera iri,Select Luke 11:50
51kubva paropa raAberi kusvikira paropa raZakaria wakaparara pakati pearitari neimba yaMwari; hongu, ndinoti kwamuri: Richatsvakwa pazera iri.Select Luke 11:51
52Mune nhamo, nyanzvi dzemutemo! Nokuti makabvisa kiyi yeruzivo; hamuna kupinda momene, nevaipinda makavadzivirira.Select Luke 11:52
53Wakati achitaura zvinhu izvi kwavari, vanyori neVaFarisi vakatanga kuita daka naye zvikurusa, nekumubvunzisisa pamusoro pezvizhinji,Select Luke 11:53
54vachimuteya, nekutsvaka kubata chinhu chinobuda mumuromo make, vagomupa mhosva.Select Luke 11:54
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation