Luke 12
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Zvichakadaro makumi ezvuru zvechaunga akati aungana, zvekuti vaitsikana, akatanga kutaura kuvadzidzi vake pakutanga achiti: Imwi chenjerai mbiriso yeVaFarisi, inova unyepedzeri.Select Luke 12:1
2Uye hakuna chinhu chakafukidzwa, chisingazopenengurwi, nechakavigwa, chisingazozikanwi.Select Luke 12:2
3Naizvozvo zvese zvamakataura murima zvichanzwikwa muchiedza; neizvo zvamakataura munzeve mudzimba dzemukati zvichaparidzwa pamusoro pematenga edzimba.Select Luke 12:3
4Uye ndinoti kwamuri shamwari dzangu: Musatya vanouraya muviri, asi shure kweizvozvo vasingazogoni kuita chimwe chinhu.Select Luke 12:4
5Asi ndichakuratidzai wamunofanira kutya: Ityai iye anoti shure kwekuuraya ane simba rekukanda mugehena; hongu, ndinoti kwamuri: Ityai iye.Select Luke 12:5
6Ko tushiri tushanu hatutengeswi nemakobiri maviri here? Hakuna kamwe kadzo kanokanganikwa pamberi paMwari.Select Luke 12:6
7Asi kunyange nevhudzi remusoro wenyu rakaverengwa rese. Musatya naizvozvo, munopfuura tushiri tuzhinji.Select Luke 12:7
8Ndinotiwo kwamuri: Umwe neumwe anondibvuma pamberi pevanhu, Mwanakomana wemunhu achamubvumawo pamberi pevatumwa vaMwari;Select Luke 12:8
9asi anondiramba pamberi pevanhu, acharambwa pamberi pevatumwa vaMwari.Select Luke 12:9
10Uye umwe neumwe anoreva shoko achipikisa Mwanakomana wemunhu, achakanganwirwa; asi uyo anonyomba Mweya Mutsvene haazokanganwirwi.Select Luke 12:10
11Kana vachikuisai kumasinagoge nevatongi nevane simba, musafunganya kuti muchapindura sei kana chii, kana muchataurei;Select Luke 12:11
12nokuti Mweya Mutsvene achakudzidzisai neawa iro zvamunofanira kutaura.Select Luke 12:12
13Zvino umwe wechaunga wakati kwaari: Mudzidzisi, udzai mwanakomana wamai vangu agovane nhaka neni.Select Luke 12:13
14Asi wakati kwaari: Iwe munhu, ndiani wakandigadza kuva mutongi kana mugoveri pamusoro penyu?Select Luke 12:14
15Akati kwavari: Ngwarirai muchenjerere ruchiva, nokuti upenyu hwemunhu hahusi mukuwanda kwezvinhu zvaanazvo.Select Luke 12:15
16Akataura mufananidzo kwavari, achiti: Munda weumwe munhu mufumi wakabereka kwazvo;Select Luke 12:16
17akafunga mukati make, achiti: Ndichaitei? Nokuti handina nzvimbo pandingaunganidzira zvibereko zvangu.Select Luke 12:17
18Ndokuti: Ndichaita izvi: Ndichaputsa matura angu, ndivake makuru, ndiunganidzire zvirimwa zvangu zvese ipapo, nenhumbi dzangu,Select Luke 12:18
19ndigoti kumweya wangu: Mweya, une zvinhu zvakawanda zvakanaka, zvakachengeterwa makore mazhinji; zorora, idya, inwa, fara.Select Luke 12:19
20Asi Mwari akati kwaari: Dununu, usiku huno mweya wako uchadikanwa kubva kwauri; ko izvo zvawagadzirira, zvichava zvaani?Select Luke 12:20
21Zvakadaro kune anozviunganidzira fuma, asi asina kufuma kuna Mwari.Select Luke 12:21
22Zvino wakati kuvadzidzi vake: Naizvozvo ndinoti kwamuri: Musafunganya pamusoro peupenyu hwenyu, kuti muchadyei; kana muviri, kuti muchapfekei.Select Luke 12:22
23Upenyu hunopfuura kudya, nemuviri zvipfeko.Select Luke 12:23
24Fungai makunguvo, kuti haadzvari, kana kukohwa, haana tsapi kana dura; asi Mwari anoafunda. Imwi munokunda zvikuru sei shiri?Select Luke 12:24
25Ndiani kwamuri nekufunganya angagona kuwedzera mbimbi imwe paurefu hwake?Select Luke 12:25
26Naizvozvo kana musingagoni kuita chinhu chidikisa, munofunganyirei pamusoro pezvimwe?Select Luke 12:26
27Fungai midovatova, kuti inokura sei; haishingairi, hairuki; asi ndinoti kwamuri: NaSoromoni mukubwinya kwake kwese, haana kupfekedzwa seumwe wayo.Select Luke 12:27
28Zvino kana Mwari achipfekedza saizvozvo uswa huri panyika nhasi, mangwana hwokandirwa muchoto, uchakupfekedzai nekupfuurisa sei, imwi verutendo rudiki?Select Luke 12:28
29Zvino imwi musatsvaka zvamuchadya kana zvamuchamwa; uye musazvidya moyo.Select Luke 12:29
30Nokuti zvinhu izvi zvese marudzi enyika anozvitsvaka; asi Baba venyu vanoziva kuti munoshaiwa izvozvi.Select Luke 12:30
31Asi tsvakai ushe hwaMwari, naizvozvi zvese zvichawedzerwa kwamuri.Select Luke 12:31
32Musatya boka diki; nokuti Baba venyu vanofara kukupai ushe.Select Luke 12:32
33Tengesai izvo zvamunazvo mupe varombo zvipo. Muzviitire zvikwama zvisingashakari, fuma kumatenga isingaperi, pasina mbavha ingasvika kana zvifusi zvingaodza.Select Luke 12:33
34Nokuti pane fuma yenyu, ndipo pachavawo nemoyo wenyu.Select Luke 12:34
35Zviuno zvenyu ngazvigare zvakasungwa, nemwenje ichipfuta.Select Luke 12:35
36Nemwi muve sevanhu vakarindira ishe wavo, pakudzoka kwake kumuchato, kuti kana achisvika akagogodza, vangamuzarurira pakarepo.Select Luke 12:36
37Vakaropafadzwa varanda avo, vanoti kana ishe achisvika anovawana vakarindira; zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Achazvisunga, akavagarisa pakudya, akaswedera akavashandira.Select Luke 12:37
38Kana akasvika nenguva yekurindira yechipiri, kana kusvika nenguva yekurindira yechitatu, akawana vakadaro, vakaropafadzwa varanda ivavo.Select Luke 12:38
39Asi muzive izvi, kuti dai mwene weimba aiziva nderipi awa mbavha rainouya, angadai akarinda, akasatendera imba yake kuti ipazwe.Select Luke 12:39
40Naizvozvo imwiwo ivai makazvigadzirira; nokuti neawa ramusingafungiri Mwanakomana wemunhu anouya.Select Luke 12:40
41Petro ndokuti kwaari: Ishe, munoutaura mufananidzo uyu kwatiri, kana kune vesewo?Select Luke 12:41
42Ishe ndokuti: Ko ndiani zvino mutariri wakatendeka uye wakachenjera, ishe waachagadza pamusoro pevaranda vake, kuti ape mugove wekudya nenguva yakafanira?Select Luke 12:42
43Wakaropafadzwa muranda uyo, unoti kana ishe wake achisvika, amuwane achiita saizvozvo.Select Luke 12:43
44Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Achamugadza pamusoro pezvese zvaanazvo.Select Luke 12:44
45Asi kana muranda uyo akati mumoyo make: Ishe wangu wanonoka kuuya; akatanga kurova varandarume nevarandakadzi, nekudya, nekunwa, nekuraradza;Select Luke 12:45
46ishe wemuranda uyo achasvika pazuva raasingatarisiri, uye paawa raasingazivi, akamugura nepakati, akagura mugove wake pamwe nevasakatendeka.Select Luke 12:46
47Muranda uyo waiziva chido chaishe wake, akasagadzirira, kana kuita zvinoenderana nechido chake, acharohwa neshamhu zhinji.Select Luke 12:47
48Asi wakange asingazivi, akaita zvakafanira kurohwa, acharohwa neshamhu shoma. Uye wese wakapiwa zvizhinji, zvizhinji zvichatsvakwa kwaari; neanobatiswa zvizhinji, vachareva zvinopfuurisa kwaari.Select Luke 12:48
49Ndakauya kuzokanda moto panyika, zvino ndichadei kana watobatidzwa?Select Luke 12:49
50Asi ndine rubhabhatidzo rwandichabhabhatidzwa narwo, zvino ndinomanikidzwa sei kusvikira rwuchipedziswa.Select Luke 12:50
51Munofunga kuti ndakauya kuzopa rugare panyika here? Kwete, ndinoti kwamuri, asi kutozopesanisa.Select Luke 12:51
52Nokuti kubva zvino vashanu muimba imwe vachapesana, vatatu vachipikisana nevaviri, uye vaviri vachipikisana nevatatu,Select Luke 12:52
53vachapesana, baba vachipikisana nemwanakomana, nemwanakomana achipikisana nababa; mai vachipikisana nemukunda, nemukunda achipikisana namai; vamwene vachipikisana nemuroora wavo, nemuroora achipikisana navamwene vake.Select Luke 12:53
54Akatiwo kuzvaunga: Kana muchiona gore richisimuka kubva kumavirira, pakarepo munoti: Mvura inouya; zvodaro.Select Luke 12:54
55Uye kana muchiona mhepo yechamhembe ichivhuvhuta munoti: Kuchapisa; zvoitika.Select Luke 12:55
56Vanyepedzeri! Munoziva kuongorora zvimiro zvekudenga nezvenyika, asi hamuongorori sei nguva ino?Select Luke 12:56
57Ko asi munoregerei nemwi kuzvitongera momene zvakarurama?Select Luke 12:57
58Nokuti kana uchienda kumutungamiriri nemudzivisi wako, ita zvakanaka kuti usunungurwe kubva kwaari muri munzira; kuti arege kukukwevera kumutongi, mutongi akukumikidze kumupurisa, mupurisa akukande mutirongo.Select Luke 12:58
59Ndinoti kwauri: Haungatongobudimo, kusvikira waripa kunyange kamari kekupedzisira.Select Luke 12:59
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation