Skip to content
Church.wiki
Luke

Luke 13

Shona Bible

Translation: SHONA

Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources

Start reading

1Zvino panguva iyo kwakange kune vamwe vakamuudza zveVaGarirea, ropa ravo Pirato raakange avhenganisa nezvibairo zvavo.Select Luke 13:1

2Zvino Jesu achipindura wakati kwavari: Munofunga kuti VaGarirea ava vaiva vatadzi kupfuura VaGarirea vese here, nokuti vakatambudzika zvinhu zvakadai?Select Luke 13:2

3Ndinoti kwamuri: Kwete, asi kana musingatendeuki, mese muchaparara saizvozvo.Select Luke 13:3

4Kana vaya gumi nevasere, shongwe payakawira pamusoro pavo muSiroami ikavauraya, munofunga kuti ivo vakange vane ngava kukunda vanhu vese vaigara muJerusarema here?Select Luke 13:4

5Ndinoti kwamuri: Kwete, asi kana musingatendeuki, mese muchaparara saizvozvo.Select Luke 13:5

6Zvino wakataura mufananidzo uyu akati: Umwe wakange ane muonde wakange wakasimwa mumunda wake wemizambiringa; akasvika achitsvaka chibereko kwauri, asi wakashaiwa.Select Luke 13:6

7Zvino wakati kumurimi wemunda wemizambiringa: Tarira, makore matatu ndichiuya ndichitsvaka chibereko pamuonde uyu, ndikashaiwa; uteme, unourayirei kunyange ivhu?Select Luke 13:7

8Iye achipindura wakati kwaari: Ishe, muregei gore rinowo, kusvikira nditimbe ndichiupoteredza, nekuuisa mupfudze;Select Luke 13:8

9zvino kana ukabereka chibereko, zvakanaka; asi kana zvikasadaro, shure kweizvozvo mungazoutema.Select Luke 13:9

10Zvino waiva achidzidzisa mune rimwe remasinagoge nesabata;Select Luke 13:10

11zvino tarira, kwaiva kune mukadzi waiva nemweya weundonda makore gumi nemasere, wakange akakombama musana, asingagoni kutasamuka zvizere.Select Luke 13:11

12Zvino Jesu wakati achimuona, akamudanira kwaari, akati kwaari: Mukadzi, wasunungurwa paundonda hwako.Select Luke 13:12

13Ndokuisa maoko pamusoro pake; pakarepo akatasanudzwa, akarumbidza Mwari.Select Luke 13:13

14Asi mutungamiriri wesinagoge wakapindura akatsamwa nokuti Jesu wakaporesa nesabata, akati kuchaunga: Pane mazuva matanhatu anofanira kubatwa nawo; naizvozvo uyai naiwayo muporeswe, asi kwete nemusi wesabata.Select Luke 13:14

15Naizvozvo Ishe wakamupindura, akati: Munyepedzeri, umwe neumwe wenyu haangasununguri nzombe yake kana mbongoro pachidyiro nesabata akaitungamidza kunoinwisa here?Select Luke 13:15

16Zvino uyu, ari mukunda waAbhurahama, Satani waakange akasunga, tarira, makore gumi nemasere, hazvina kufanira kuti asunungurwe pachisungo ichi nezuva resabata here?Select Luke 13:16

17Zvino achireva zvinhu izvi, vapikisi vake vese vakanyadziswa; asi chaunga chese chakafara nezvinhu zvese zvinorumbidzwa zvakaitwa naye.Select Luke 13:17

18Zvino akati: Ushe hwaMwari hwakaita sei? Uye ndichahufananidza nei?Select Luke 13:18

19Hwakaita setsanga yemasitadha, munhu yaakatora akakanda mubindu rake; ikakura, ikaita muti mukuru, neshiri dzekudenga dzikavaka matendere pamatavi awo.Select Luke 13:19

20Akatizve: Ndichahufananidza nei ushe hwaMwari?Select Luke 13:20

21Hwakaita sembiriso, mukadzi yaakatora akaiisa muzviyero zvitatu zveupfu, kusvikira hwese hwaviriswa.Select Luke 13:21

22Zvino wakafamba achipfuura mumaguta nemisha achidzidzisa, ari munzira kuenda kuJerusarema.Select Luke 13:22

23Umwe ndokuti kwaari: Ishe, vachaponeswa vashoma here? Akati kwavari:Select Luke 13:23

24Rwisai kupinda nesuwo rakamanikana; nokuti vazhinji, ndinoti kwamuri, vachatsvaka kupinda, asi havangagoni.Select Luke 13:24

25Shure kwekunge mwene weimba asimuka avhara mukova, zvino mukatanga kumira kunze nekugogodza pamukova, muchiti: Ishe, Ishe, tizarurirei; iye agopindura achiti kwamuri: Handikuziviyi kwamunobva.Select Luke 13:25

26Ipapo muchatanga kuti: Takadya nekunwa pamberi penyu, uye makadzidzisa panzira dzekwedu.Select Luke 13:26

27Asi achati: Ndinoti kwamuri: Handikuziviyi kwamunobva; ibvai kwandiri imwi mese vaiti vezvakaipa.Select Luke 13:27

28Apo pachava nekuchema nekugeda-geda kwemeno, kana moona Abhurahama naIsaka naJakobho nevaporofita vese muushe hwaMwari, asi imwi marasirwa kunze.Select Luke 13:28

29Uye vachabva kumabvazuva nemavirira, uye kubva kumaodzanyemba nechamhembe, vachagara pakudya muushe hwaMwari.Select Luke 13:29

30Zvino tarirai, varipo vekupedzisira vachava vekutanga, uye varipo vekutanga vachava vekupedzisira.Select Luke 13:30

31Nezuva iroro kwakasvika vamwe VaFarisi, vachiti kwaari: Budai mubve pano, nokuti Herodhe anoda kukuurayai.Select Luke 13:31

32Akati kwavari: Endai, munoudza gava iro, muti: Tarira, ndinobudisa madhimoni nekuita kuporesa nhasi namangwana, neretatu ndinopedzeredza.Select Luke 13:32

33Asi zvakafanira kuti ndifambe nhasi namangwana nerinotevera, nokuti hazvigoneki kuti muporofita apararire kunze kweJerusarema.Select Luke 13:33

34Jerusarema, Jerusarema, iwe anouraya vaporofita, nekutaka nemabwe avo vanotumwa kwauri! Ndakange ndichida kazhinji sei kuunganidza vana vako semhambo hukwana dzayo pasi pemapapiro, asi hamuna kuda.Select Luke 13:34

35Tarirai, imba yenyu yasiiwa kwamuri riri dongo; asi zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hamuchatongondioni, kusvikira zvasvika kuti muti: Ngaarumbidzwe iye anouya nezita raIshe!Select Luke 13:35

Next: Luke 14Continue reading

Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

Luke

Selected verses

Select another verse to extend the range.

Highlight

My Bible

About this name

Listen

Uses an English voice provided by your browser.