Luke 2
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Zvino zvakaitika nemazuva iwayo, chisungo chakabuda kubva kuna Kesari Agasto, kuti nyika yese inyorwe.Select Luke 2:1
2Kunyorwa uku kwaiva kwekutanga kwakaitwa Kuriniosi ari mutungamiriri weSiriya.Select Luke 2:2
3Vese ndokuenda kunonyorwa, umwe neumwe kuguta rekwake.Select Luke 2:3
4NaJosefawo akakwira achibva Garirea muguta Nazareta, akaenda Judhiya kuguta raDhavhidhi, rinonzi Bhetirehemu, nokuti waiva weimba nedzinza raDhavhidhi,Select Luke 2:4
5kunonyorwa naMaria mukadzi wakange atsidzira kuwanikwa naye, ava nemimba.Select Luke 2:5
6Zvakaitika kuti vachipo, mazuva ekusununguka kwake akazadzisika;Select Luke 2:6
7ndokuzvara mwanakomana wake wedangwe, akamuputira nemicheka, akamuvanzarika muchidyiro, nokuti makange musina nzvimbo yavo muimba yevaeni.Select Luke 2:7
8Zvino kwakange kune vafudzi munyika iyoyo vaigara kuuragu vachichengetedza nguva dzekurinda boka ravo usiku.Select Luke 2:8
9Zvino tarira, mutumwa waIshe akamira pedo navo, nekubwinya kwaIshe kukapenya kwakavakomba; vakatya nekutya kukuru.Select Luke 2:9
10Zvino mutumwa akati kwavari: Musatya; nokuti tarirai, ndinokuparidzirai mashoko akanaka emufaro mukuru, uchava kuvanhu vese;Select Luke 2:10
11nokuti mazvarirwa nhasi Muponesi, anova Kristu Ishe, muguta raDhavhidhi.Select Luke 2:11
12Zvino ichi chiratidzo kwamuri: Muchawana mucheche akaputirwa nemicheka, arere muchidyiro.Select Luke 2:12
13Uye pakarepo kukavapo pamwe nemutumwa chaunga chehondo yekudenga vachirumbidza Mwari, vachiti:Select Luke 2:13
14Rumbidzo kuna Mwari kumusoro-soro, nerugare panyika; chishuwo chakanaka kuvanhu.Select Luke 2:14
15Zvino kwakaitika kuti vatumwa vabva kwavari vaenda kudenga, vanhu vafudzi vakataurirana, vachiti: Ngatiende ikozvino Bhetirehemu, tinoona chinhu ichi chakaitika, Ishe chaatizivisa.Select Luke 2:15
16Zvino vakakurumidza kusvika, vakawana vese Maria naJosefa, nemucheche arere muchidyiro.Select Luke 2:16
17Vakati vaona, vakazivisa kwese shoko ravakange vaudzwa maererano nemucheche uyu.Select Luke 2:17
18Zvino vese vakanzwa vakashamisika nezvinhu zvakange zvataurwa kwavari nevafudzi.Select Luke 2:18
19Asi Maria wakachengeta zvinhu izvi zvese, achifungisisa mumoyo make.Select Luke 2:19
20Zvino vafudzi vakadzokera, vachikudza nekurumbidza Mwari pamusoro pezvinhu zvese zvavakange vanzwa nekuona, sezvakange zvataurwa kwavari.Select Luke 2:20
21Mazuva masere akati apera kuti mucheche adzingiswe, zita rake ndokunzi Jesu, raakange atumidzwa nemutumwa asati agamuchirwa mudumbu.Select Luke 2:21
22Zvino mazuva ekunatswa kwake nemurairo waMozisi akati apera, vakauya naye kuJerusarema, kuti vamukumikidze kuna Ishe,Select Luke 2:22
23(sezvazvakanyorwa pamurairo waIshe kuti: Chirume chese chinozarura chizvaro, chichanzi chitsvene kuna Ishe),Select Luke 2:23
24uye vabaire chibairo sezvazvakarehwa pamurairo waIshe, njiva mbiri, kana vana vaviri vehangaiwa.Select Luke 2:24
25Zvino tarira, kwakange kune munhu muJerusarema, zita rake raiva Simioni, ndiyewo munhu waiva akarurama akazvipira kushumira Mwari, akamirira kunyaradzwa kwaIsraeri, neMweya Mutsvene wakange uri pamusoro pake.Select Luke 2:25
26Zvino zvakange zvaratidzwa kwaari neMweya Mutsvene, kuti haangaoni rufu asati aona Kristu waIshe.Select Luke 2:26
27Wakapinda mutembere neMweya; zvino vabereki vakati vachiuisa mucheche Jesu mukati, kuti vaite pamusoro pake netsika yemurairo,Select Luke 2:27
28iye akamutora mumaoko ake, akarumbidza Mwari, achiti:Select Luke 2:28
29Tenzi, ikozvino regai muranda wenyu aende nerugare, seshoko renyu;Select Luke 2:29
30nokuti meso angu aona ruponeso rwenyu,Select Luke 2:30
31rwamakagadzirira pamberi pezviso zvevanhu vese;Select Luke 2:31
32chiedza chekuzarurira vahedheni, nekubwinya kwerudzi rwenyu Israeri.Select Luke 2:32
33Josefa namai vake vakashamisika nezvinhu zvakarehwa pamusoro pake.Select Luke 2:33
34Zvino Simioni akavaropafadza, akati kuna Maria mai vake: Tarira, uyu wakaisirwa kuwa nekumuka kwevazhinji muna Israeri, nekuva chiratidzo chichapikiswa;Select Luke 2:34
35uye newe, munondo uchagura nemumweya wako pachako; kuti ndangariro dzemoyo mizhinji dzifukurwe.Select Luke 2:35
36Zvino kwakange kuna Ana muporofitakadzi, mukunda waFanueri, wedzinza raAsheri; wakange akwegura kwazvo, wakararama nemurume makore manomwe kubvira paumhandara hwake.Select Luke 2:36
37Uye ari chirikadzi yemakore angava makumi masere nemana, wakange asingabvi mutembere, achishumira nemitsanyo neminyengetero usiku nemasikati.Select Luke 2:37
38Naiye wakati achisvika nenguva iyoyo akatenda Mwari, akataura pamusoro pake kuna vese vakange vachitarisira kusunungurwa muJerusarema.Select Luke 2:38
39Zvino vakati vapedza zvinhu zvese zvaienderana nemurairo waIshe, vakadzokera Garirea kuguta ravo Nazareta.Select Luke 2:39
40Mucheche akakura, akasimba mumweya, akazara nenjere; nenyasha dzaMwari dzakange dziri pamusoro pake.Select Luke 2:40
41Zvino vabereki vake vaienda kuJerusarema makore ese pamutambo wepasika.Select Luke 2:41
42Zvino wakati ava nemakore gumi nemaviri, vakakwira kuJerusarema zvichienderana netsika yemutambo,Select Luke 2:42
43vakati vapedza mazuva, pakudzoka kwavo, mwana Jesu akasara kuJerusarema, asi Josefa namai vake vasingazvizivi,Select Luke 2:43
44asi vaimufungira kuva mune vamwe vevakange vachifamba navo, vakafamba mufambo wezuva, vakazomutsvaka pakati pehama nekuvazikanwi.Select Luke 2:44
45Asi vakati vasingamuwani, vakadzokera kuJerusarema vachimutsvaka.Select Luke 2:45
46Zvino zvakaitika shure kwemazuva matatu, vakamuwana mutembere, agere pakati pevadzidzisi, achivateerera, achivabvunza.Select Luke 2:46
47Vese vakange vachimunzwa vakashamiswa nekunzwisisa nemhinduro dzake.Select Luke 2:47
48Zvino vakati vamuona vakakatyamara; mai vake vakati kwaari: Mwana, waitirei zvakadai kwatiri? Tarira, baba vako neni tanga tichikutsvaka tichirwadziwa.Select Luke 2:48
49Akati kwavari: Mainditsvakirei? Manga musingazivi kuti ndinofanira kuva pazvinhu zvaBaba vangu here?Select Luke 2:49
50Asi ivo havana kunzwisisa shoko raakataura kwavari.Select Luke 2:50
51Zvino akaburuka navo, akasvika Nazareta; akazviisa pasi pavo. Asi mai vake vakachengeta mashoko awa ese mumoyo mavo.Select Luke 2:51
52Jesu akawedzera panjere nekukura, nepakudiwa naMwari nevanhu.Select Luke 2:52
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation