Skip to content
Church.wiki
Luke

Luke 20

Shona Bible

Translation: SHONA

Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources

Start reading

1Zvino zvakaitika parimwe remazuva iwayo, achidzidzisa vanhu mutembere nekuparidza evhangeri, vapristi vakuru nevanyori vakasvika nevakuru,Select Luke 20:1

2ndokutaura kwaari vachiti: Tiudzei, munoita zvinhu izvi nesimba ripi, kana ndiani iye wakakupai simba iri?Select Luke 20:2

3Zvino wakapindura akati kwavari: Ini ndichakubvunzaiwo shoko rimwe; uye mundiudze:Select Luke 20:3

4Rubhabhatidzo rwaJohwani rwakabva kudenga, kana kuvanhu?Select Luke 20:4

5Zvino vakarangana, vachiti: Kana tikati: Kudenga; achati: Naizvozvo makaregerei kumutenda?Select Luke 20:5

6Asi kana tikati: Kuvanhu; vanhu vese vachatitaka nemabwe; nokuti vaiva nechokwadi kuti Johwani waiva muporofita.Select Luke 20:6

7Vakapindura, vachiti havazivi kwarwakabva.Select Luke 20:7

8Jesu ndokuti kwavari: Neni handikuudzii kuti ndinoita zvinhu izvi nesimba ripi.Select Luke 20:8

9Zvino wakatanga kuudza vanhu mufananidzo uyu: Umwe munhu wakasima munda wemizambiringa, akauhaisa kuvarimi, akaenda parwendo nguva refu;Select Luke 20:9

10zvino nenguva yakafanira wakatuma muranda kuvarimi, kuti vamupe zvechibereko chemunda wemizambiringa; asi varimi vakamurova, vakamuendesa asina chinhu.Select Luke 20:10

11Zvino wakatumazve umwe muranda; naiye vakamurovawo vakamunyadzisa, vakamuendesa asina chinhu.Select Luke 20:11

12Zvino wakatumazve wechitatu; uyuwo ndokumukuvadza, vakamukandira kunze.Select Luke 20:12

13Zvino mwene wemunda wemizambiringa wakati: Ndichaitei? Ndichatuma mwanakomana wangu anodikanwa, zvimwe vakaona iye vachamukudza.Select Luke 20:13

14Asi varimi vakati vachimuona vakarangana, vachiti: Uyu ndiye mugari wenhaka; uyai, ngatimuuraye, kuti nhaka igova yedu.Select Luke 20:14

15Vakamukandira kunze kwemunda wemizambiringa, vakamuuraya. Naizvozvo mwene wemunda wemizambiringa achavaitirei?Select Luke 20:15

16Achauya, ndokuparadza varimi ivava, agopa munda wemizambiringa vamwe. Zvino vachinzwa, vakati: Zvisadaro!Select Luke 20:16

17Asi wakavatarisa, akati: Naizvozvo chii ichi chakanyorwa, chinoti: Ibwe vavaki ravakaramba, ndiro rava musoro wekona?Select Luke 20:17

18Wese anowira pamusoro pebwe iro, achavhuniwa-vhuniwa; asi ani nani warinowira pamusoro richamukuya.Select Luke 20:18

19Zvino vapristi vakuru nevanyori neawa iroro vakatsvaka kuisa maoko paari, asi vakatya vanhu; nokuti vakaziva kuti wakareva mufananidzo uyu akanangana navo.Select Luke 20:19

20Vakamucherekedza, vakatumira vashori vakanyepedzera kuva vakarurama, kuti vamubate pakutaura, kuti vamukumikidze kuushe nesimba remutungamiriri.Select Luke 20:20

21Zvino vakamubvunza, vachiti: Mudzidzisi, tinoziva kuti munotaura nekudzidzisa zvakarurama, uye hamugamuchiri chiso, asi munodzidzisa nzira yaMwari muchokwadi.Select Luke 20:21

22Zviri pamutemo here kwatiri kupa mutero kuna Kesari, kana kwete?Select Luke 20:22

23Asi wakaziva unyengeri hwavo, akati kwavari: Munondiidzirei?Select Luke 20:23

24Ndiratidzei dhenario*; rine mufananidzo nerunyoro rwaani? Vakapindura vakati: ZvaKesari.Select Luke 20:24

25Ndokuti kwavari: Naizvozvo dzorerai kuna Kesari zvinhu zvaKesari, nekuna Mwari zvinhu zvaMwari.Select Luke 20:25

26Vakakoniwa kumubata neshoko rake pamberi pevanhu; vakashamisika nemhinduro yake; vakanyarara.Select Luke 20:26

27Zvino kwakaswedera vamwe veVaSadhusi, vanoramba kuti kune kumuka, ndokumubvunza,Select Luke 20:27

28vachiti: Mudzidzisi, Mozisi wakatinyorera kuti: Kana mukoma wemunhu akafa ane mukadzi, asi iye akafa asina vana, munin'ina wake atore mukadzi, amutsire mukoma wake mbeu.Select Luke 20:28

29Naizvozvo kwakange kune vanakomana vemunhu umwe vanomwe; wekutanga ndokutora mukadzi, akafa asina mwana;Select Luke 20:29

30newechipiri akatora mukadzi uyo, neuyu akafa asina mwana;Select Luke 20:30

31newechitatu akamutora. Zvikadarowo nevanomwe, uye vakasasiya vana, vakafa.Select Luke 20:31

32Pakupedzisira kwavo vese mukadzi wakafawo.Select Luke 20:32

33Naizvozvo pakumuka, achava mukadzi waani kwavari? Nokuti vanomwe vakava naye semukadzi.Select Luke 20:33

34Zvino Jesu wakapindura akati kwavari: Vana venyika ino vanowana, vanowaniswa;Select Luke 20:34

35asi avo vachanzi vakafanira kuwana nyika iyo nekumuka kubva kuvakafa havawani kana kuwaniswa;Select Luke 20:35

36nokuti havagoni kufazve; nokuti vakaita sevatumwa, uye vanakomana vaMwari, vari vanakomana vekumuka.Select Luke 20:36

37Asi kuti vakafa vanomutswa, kunyange Mozisi wakaratidza pagwenzi reminzwa, paakaidza Ishe Mwari waAbhurahama, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho.Select Luke 20:37

38Nokuti haasi Mwari wevakafa, asi wevapenyu; nokuti vese vanoraramira iye.Select Luke 20:38

39Zvino vamwe vevanyori vakapindura vakati: Mudzidzisi, mataura zvakanaka.Select Luke 20:39

40Uye havana kuzoshinga kumubvunzazve chinhu.Select Luke 20:40

41Zvino wakati kwavari: Vanoreva sei kuti Kristu Mwanakomana waDavhidhi?Select Luke 20:41

42Nokuti Dhavhidhi pachake wakareva mubhuku reMapisarema achiti: Ishe wakati kuna Ishe wangu: Gara kuruoko rwangu rwerudyi,Select Luke 20:42

43kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako.Select Luke 20:43

44Naizvozvo Dhavhidhi anomuidza Ishe, ko Mwanakomana wake sei?Select Luke 20:44

45Zvino vanhu vese vachakateerera, wakati kuvadzidzi vake:Select Luke 20:45

46Chenjerai vanyori, vanoda kufamba nenguvo refu, uye vanoda kwaziso pamisika, nezvigaro zvepamusorosa mumasinagoge, nezvigaro zvemberi pazvirairo;Select Luke 20:46

47vanodya dzimba dzechirikadzi, vanonyepedzera nekuita minyengetero mirefu; ivavo vachagamuchira mutongo mukuru.Select Luke 20:47

Next: Luke 21Continue reading

Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

Luke

Selected verses

Select another verse to extend the range.

Highlight

My Bible

About this name

Listen

Uses an English voice provided by your browser.