Luke 22
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Zvino mabiko ezvingwa zvisina mbiriso akaswedera, anonzi pasika.Select Luke 22:1
2Vapristi vakuru nevanyori ndokutsvaka kuti vangamuuraya sei; nokuti vaitya vanhu.Select Luke 22:2
3Zvino wakapinda Satani kuna Judhasi anotumidzwa Isikariyoti, waiverengwa pavanegumi nevaviri.Select Luke 22:3
4Akaenda, akanotaura nevapristi vakuru nevatungamiriri, kuti angamutengesa sei kwavari.Select Luke 22:4
5Zvino vakafara, vakatenderana kumupa mari.Select Luke 22:5
6Zvino wakatenda, akatsvaka mukana wakafanira wekumutengesa kwavari pasina chaunga.Select Luke 22:6
7Zvino zuva rezvingwa zvisina mbiriso rakasvika, paifanira kubaiwa pasika.Select Luke 22:7
8Zvino wakatuma Petro naJohwani, achiti: Endai munotigadzirira pasika, kuti tidye.Select Luke 22:8
9Zvino vakati kwaari: Ndekupi kwamunoda kuti tigadzirire?Select Luke 22:9
10Zvino wakati kwavari: Tarirai, kana mapinda muguta, munhu achasangana nemwi akatakura chirongo chemvura; mumutevere mumba maanopinda.Select Luke 22:10
11Uye muti kumwene weimba: Mudzidzisi anoti kwauri: Imba yevaeni iripi, mandingadyira pasika nevadzidzi vangu?Select Luke 22:11
12Uye iye achakuratidzai imba huru yekumusoro yakarongedzwa; gadzirirai ipapo.Select Luke 22:12
13Zvino vakaenda vakanowana sezvaakange avaudza; ndokugadzirira pasika.Select Luke 22:13
14Zvino awa rakati rasvika, akagara pakudya, nevaapositori gumi nevaviri vanaye.Select Luke 22:14
15Ndokuti kwavari: Nechishuwo ndakashuva kudya pasika iyi nemwi ndisati ndatambudzika;Select Luke 22:15
16nokuti ndinoti kwamuri: Handichazodyizve pairi, kusvikira yazadziswa muushe hwaMwari.Select Luke 22:16
17Zvino wakatora mukombe, avonga akati: Torai ichi, mugogovana.Select Luke 22:17
18Nokuti ndinoti kwamuri: Handichatongonwi zvechibereko chemuzambiringa, kusvikira ushe hwaMwari hwasvika.Select Luke 22:18
19Zvino wakatora chingwa, akavonga, akamedura, ndokuvapa, achiti: Uyu muviri wangu, unopiwa pachinzvimbo chenyu; izvi itai kundirangarira.Select Luke 22:19
20Saizvozvowo mukombe shure kwekurayira, achiti: Mukombe uyu isungano itsva muropa rangu, rinoteurirwa imwi.Select Luke 22:20
21Asi tarirai, ruoko rweanonditengesa rwuneni patafura.Select Luke 22:21
22Zvino zvirokwazvo Mwanakomana wemunhu anoenda sezvazvakatemwa; asi ane nhamo munhu uyo waanotengeswa naye!Select Luke 22:22
23Zvino ivo vakatanga kubvunzana kuti ko ndiani pavari achaita chinhu ichi.Select Luke 22:23
24Zvino gakava rakavapowo pakati pavo kuti ndiani kwavari anoverengwa semukurusa.Select Luke 22:24
25Zvino wakati kwavari: Madzimambo evechirudzi anotonga zvakaoma pamusoro pavo, nevatongi vavo vanonzi vabatsiri.Select Luke 22:25
26Asi imwi zvisadaro; asi mukurusa kwamuri ngaave semudiki, nemutungamiriri seanoshandira.Select Luke 22:26
27Nokuti ndiani mukuru, uyo agere pakudya kana anoshandira? Haasi iye agere pakudya here? Asi ini ndiri pakati penyu seanoshandira.Select Luke 22:27
28Nemwi ndimwi makagara neni pamiedzo yangu;Select Luke 22:28
29zvino ini ndinogadza kwamuri ushe, saBaba vangu vakagadza kwandiri;Select Luke 22:29
30kuti mudye nekunwa patafura yangu muushe hwangu, nekugara pazvigaro zveushe, muchitonga marudzi gumi nemaviri aIsraeri.Select Luke 22:30
31Ishe ndokuti: Simoni, Simoni, tarira, Satani wakukumbirai kuti akuzungurei segorosi;Select Luke 22:31
32asi ini ndakunyengeterera, kuti rutendo rwako rwurege kupera; newe kana watendeuka, usimbise hama dzako.Select Luke 22:32
33Asi wakati kwaari: Ishe, ndakagadzirira kuenda nemwi zvese mutirongo nemurufu.Select Luke 22:33
34Asi iye wakati: Ndinokuudza, Petro, jongwe haringatongoriri nhasi, usati waramba katatu kuti unondiziva.Select Luke 22:34
35Zvino wakati kwavari: Pandakakutumai musina chikwama nehombodo neshangu, makashaiwa chinhu here? Vakati: Hapana.Select Luke 22:35
36Zvino akati kwavari: Asi ikozvino, ane chikwama ngaatore, saizvozvowo nehombodo; neasina, ngaatengese nguvo yake, atenge munondo.Select Luke 22:36
37Nokuti ndinoti kwamuri: Izvi zvakanyorwa zvichakafanira kuzadziswa mandiri, zvinoti: Wakaverengwa pamwe nevadariki; nokuti zvinhu izviwo zviri maererano neni zvine mugumo.Select Luke 22:37
38Zvino vakati: Ishe, tarirai, heyi minondo miviri. Akati kwavari: Zvaringana.Select Luke 22:38
39Zvino wakabuda akaenda sezvaaisiita kugomo reMiorivhi; nevadzidziwo vake vakamutevera.Select Luke 22:39
40Zvino wakati asvika panzvimbo, akati kwavari: Nyengeterai kuti murege kupinda pamuedzo.Select Luke 22:40
41Zvino iye wakasuduruka kwavari, chingava chinhambwe chingaposherwa ibwe; ndokufugama akanyengetera,Select Luke 22:41
42achiti: Baba, kana muchida, bvisai mukombe uyu kwandiri; asi chisava chido changu, asi chenyu ngachiitwe.Select Luke 22:42
43Zvino kwakaonekwa mutumwa kwaari wakabva kudenga achimusimbisa.Select Luke 22:43
44Zvino, ari pakurwadziwa kukuru, wakanyanya kunyengetera. Zvino ziya rake rikaita semazidomwe eropa achiwira pasi.Select Luke 22:44
45Zvino wakati asimuka pamunyengetero, akauya kuvadzidzi vake, akavawana varara neshungu.Select Luke 22:45
46Ndokuti kwavari: Mararirei? Mukai munyengetere, kuti murege kupinda pamuedzo.Select Luke 22:46
47Zvino wakati achataura, tarira, chaunga, naiye wainzi Judhasi, umwe wevanegumi nevaviri, akavatungamirira, ndokuswedera kuna Jesu, kuti amutsvode.Select Luke 22:47
48Asi Jesu wakati kwaari: Judhasi, unotengesa Mwanakomana wemunhu netsvodo here?Select Luke 22:48
49Zvino avo vaiva vakamukomba pavakaona zvaizoitika vakati kwaari: Ishe, tichatema nemunondo here?Select Luke 22:49
50Zvino umwe wavo wakatema muranda wemupristi mukuru, akagura nzeve yake yerudyi.Select Luke 22:50
51Asi Jesu wakapindura akati: Regai zvisvike ipapa. Ndokubata nzeve yake, akamuporesa.Select Luke 22:51
52Zvino Jesu wakati kuvapristi vakuru nevatungamiriri vetembere nevakuru vakange vauya kwaari: Mabuda semakanangana negororo neminondo netsvimbo here?Select Luke 22:52
53Ndaiva nemwi mutembere zuva nezuva mukasatandavadzira ruoko kwandiri; asi zvino iawa renyu, nesimba rerima.Select Luke 22:53
54Zvino vakamutora, vakamutungamidza, vakapinda naye mumba memupristi mukuru. Petro ndokutevera ari kure.Select Luke 22:54
55Zvino vakati vavesa moto pakati pechivanze, ndokugara pasi pamwe, Petro akagara pakati pavo.Select Luke 22:55
56Zvino umwe murandakadzi wakamuona agere pamoto, ndokumutarisisa, akati: Uyuwo wakange anaye.Select Luke 22:56
57Asi iye wakamurambira, achiti: Mukadzi, handimuzivi.Select Luke 22:57
58Uye shure kwechinguvana, umwe wakamuona akati: Iwewo uri umwe wavo. Petro ndokuti: Iwe munhu, handisi.Select Luke 22:58
59Zvino nguva inenge awa rimwe yakati yapfuura, umwezve wakasimbisa ane chokwadi, achiti: Zvirokwazvo uyuwo wakange anaye; nokuti muGarireawo.Select Luke 22:59
60Zvino Petro wakati: Iwe munhu, handizivi zvaunoreva. Pakarepo achataura jongwe rakarira.Select Luke 22:60
61Ishe ndokutendeuka akatarira Petro. Petro ndokurangarira shoko raIshe, kuti akamuudza sei, achiti: Jongwe risati rarira, uchandiramba katatu.Select Luke 22:61
62Zvino Petro wakabuda panze akachema zvinorwadza.Select Luke 22:62
63Zvino varume vakange vakabata Jesu, vakamuseka, vakamurova.Select Luke 22:63
64Uye vakati vamuvhara kumeso, vakamurova chiso, ndokumubvunza vachiti: Porofita! Ndiani wakurova?Select Luke 22:64
65Nezvimwe zvinhu zvizhinji vakareva kwaari, vachituka.Select Luke 22:65
66Zvino kwakati kuchingoedza, dare revatariri vevanhu nevapristi vakuru nevanyori vakaungana, vakamuisa kudare ravo remakurukota vachiti:Select Luke 22:66
67Kana iwe uri Kristu, tiudze. Zvino akati kwavari: Kana ndikakuudzai, hamutongotendi;Select Luke 22:67
68uyewo kana ndikabvunza, hamumbondipinduri, kana kundisunungura.Select Luke 22:68
69Kubva ikozvino Mwanakomana wemunhu achagara kuruoko rwerudyi rwesimba rwaMwari.Select Luke 22:69
70Vese ndokuti: Naizvozvo iwe uri Mwanakomana waMwari kanhi? Iye ndokuti kwavari: Imwi mareva kuti ndini.Select Luke 22:70
71Zvino vakati: Tichadirei uchapupu? Nokuti tomene tanzwa pamuromo wake.Select Luke 22:71
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation