Luke 23
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Zvino chaunga chavo chese chakasimuka, chikamutungamidza kuna Pirato.Select Luke 23:1
2Zvino vakatanga kumupomera, vachiti: Tawana uyu achitsausa rudzi, nekudzivisa kupa mitero kuna Kesari, achiti iye pachake ndiKristu Mambo.Select Luke 23:2
3Zvino Pirato wakamubvunza achiti: Iwe uri Mambo weVaJudha here? Ndokumupindura, akati: Unoreva iwe.Select Luke 23:3
4Pirato ndokuti kuvapristi vakuru nezvaunga: Handiwani mhosva kumunhu uyu.Select Luke 23:4
5Asi vakasimbisa, vachiti: Unonyonganisa vanhu, achidzidzisa muJudhiya rese, kutanga paGarirea kusvikira pano.Select Luke 23:5
6Pirato wakati anzwa zveGarirea, akabvunza kana munhu uyu ari muGarirea.Select Luke 23:6
7Zvino paakangoziva kuti ndeweushe hwaHerodhe, wakamutumira kuna Herodhe, iye waivawo muJerusarema pamazuva iwayo.Select Luke 23:7
8Zvino Herodhe paakaona Jesu wakafara zvikurusa; nokuti waishuva kumuona kwenguva refu, nokuti wakange anzwa zvinhu zvizhinji pamusoro pake; uye wakatarisira kuona chimwe chiratidzo chichiitwa naye.Select Luke 23:8
9Ndokumubvunza nemashoko mazhinji; asi iye haana kumupindura chinhu.Select Luke 23:9
10Zvino vapristi vakuru nevanyori vakamira vakamupomera zvine simba.Select Luke 23:10
11NaHerodhe nemauto ake wakamuzvidza, nekuseka akamupfekedza nguvo refu inobwinya, akamudzosera kuna Pirato.Select Luke 23:11
12Nemusi iwoyo Pirato naHerodhe vakava shamwari neshamwari; nokuti paimbova neruvengo pakati pavo.Select Luke 23:12
13Zvino Pirato wakati adanira pamwe vapristi vakuru nevatungamiriri nevanhu,Select Luke 23:13
14akati kwavari: Mauisa munhu uyu kwandiri seanotsausa vanhu; zvino tarirai ini ndaongorora pamberi penyu, handina kuwana mhosva kumunhu uyu yezvinhu zvamunomupomera;Select Luke 23:14
15kwete, kunyange Herodhe; nokuti ndinokutumai kwaari; zvino tarirai, hapana chakafanira rufu chakaitwa naye.Select Luke 23:15
16Naizvozvo ndichamurova ndigomusunungura.Select Luke 23:16
17Nokuti zvaiva zvakafanira kuti avasunungurire umwe pamutambo.Select Luke 23:17
18Asi vese vakadanidzira pamwe vachiti: Kure neuyu, asi mutisunungurire Bharabhasi.Select Luke 23:18
19Iye wakange akandirwa mutirongo nemhaka yerimwe bongozozo rakange raitika muguta uye neumhondi.Select Luke 23:19
20Naizvozvo Pirato achida kusunungura Jesu, wakataurazve kwavari.Select Luke 23:20
21Asi vakadanidzira, vachiti: Roverera pamuchinjikwa, muroverere pamuchinjikwa!Select Luke 23:21
22Akati kwavari rwechitatu: Nemhaka yei, iye waita chakaipa chipi? Handina kuwana mhosva yerufu maari; naizvozvo ndichamurova ndigomusunungura.Select Luke 23:22
23Asi vakasimbisa nemanzwi makuru, vachikumbira kuti arovererwe pamuchinjikwa. Manzwi avo neevapristi vakuru akabudirira.Select Luke 23:23
24Zvino Pirato wakatema kuti chikumbiro chavo chiitike.Select Luke 23:24
25Akavasunungurira uyo wavakakumbira, wakange akandwa mutirongo nekuda kwebongozozo neumhondi; asi akakumikidza Jesu kuchido chavo.Select Luke 23:25
26Zvino vakati vachimutungamidza, vakabata umwe Simoni muKurini achibva kuruwa, vakamutakudza muchinjikwa, kuti atakure shure kwaJesu.Select Luke 23:26
27Zvino kwakatevera kwaari chaunga chikuru chevanhu, nevakadzi vairirawo nekumuchema.Select Luke 23:27
28Asi Jesu wakatendeukira kwavari akati: Vakunda veJerusarema, musachemera ini, asi muzvichemere imwi nevana venyu;Select Luke 23:28
29nokuti tarirai, mazuva anouya avachati nawo: Dzakaropafadzwa mhanje, nezvizvaro zvisina kubereka, nemazamu asina kunwisa.Select Luke 23:29
30Ipapo vachatanga kuti kumakomo: Wirai pamusoro pedu; nekuzvikomo: Tifukidzei.Select Luke 23:30
31Nokuti kana vachiita zvinhu izvi kumuti munyoro, chii chichaitika kune wakawoma?Select Luke 23:31
32Zvino kwakatungamidzwawo vamwe vaiti vezvakaipa vaviri, kuti vaurawe pamwe naye.Select Luke 23:32
33Zvino vakati vasvika panzvimbo inonzi Dehenya, ipapo vakamuroverera pamuchinjikwa, nevaiti vezvakaipa, umwe kuruoko rwerudyi, neumwe kuruboshwe.Select Luke 23:33
34Jesu ndokuti: Baba, vakanganwirei; nokuti havazivi chavanoita. Zvino vakagovana nguvo dzake, vakakanda mujenya.Select Luke 23:34
35Vanhu ndokumira vakatarira. Nevatongiwo pamwe navo vakamuseka, vachiti: Wakaponesa vamwe, ngaazviponese, kana iye ari Kristu, musanangurwa waMwari.Select Luke 23:35
36Nemautowo akamuseka, achimuvigira vhiniga,Select Luke 23:36
37uye vachiti: Kana iwe uri Mambo weVaJudha, zviponese.Select Luke 23:37
38Zvino kwakange kune rugwarowo rwakanyorwa pamusoro pake nemavara echiGiriki nechiRoma nechiHebheru, rwaiti: UYU NDIMAMBO WEVAJUDHA.Select Luke 23:38
39Uye umwe wevaiti vezvakaipa vakange vakaremberedzwa wakamutuka achiti: Kana iwe uri Kristu, zviponese iwe nesu.Select Luke 23:39
40Asi umwe wakapindura achimutsiura, achiti: Iwe hautyi Mwari kanhi, zvauri pakutongwa kumwe?Select Luke 23:40
41Isu zvirokwazvo zvakarurama, nokuti tinogamuchira zvakafanira zvatakaita; asi uyu haana kuita chinhu chisakafanira.Select Luke 23:41
42Zvino akati kuna Jesu: Ishe mundirangarire kana masvika muushe hwenyu.Select Luke 23:42
43Jesu ndokuti kwaari: Zvirokwazvo ndinoti kwauri: Nhasi uchava neni muParadhiso.Select Luke 23:43
44Zvino rakange rava awa rinenge rechitanhatu; kukavapo rima pamusoro penyika yese, kusvikira paawa repfumbamwe.Select Luke 23:44
45Nezuva rakadzikatirwa, uye vheiri retembere rakabvarurwa nepakati.Select Luke 23:45
46Zvino Jesu wakati adanidzira nenzwi guru achiti: Baba, mumaoko enyu ndinokumikidza mweya wangu; akati areva izvozvi, akapa mweya.Select Luke 23:46
47Zvino mukuru wezana wakati aona zvakaitika, akarumbidza Mwari, achiti: Zvirokwazvo munhu uyu wakange akarurama.Select Luke 23:47
48Nezvaunga zvese zvakange zvakaungana kuzoona izvozvi, zvakati zvichiona zvakaitika, zvikadzokera zvichizvirova zvifuva.Select Luke 23:48
49Nevazikanwi vake vese, nevakadzi vaimutevera vachibva Garirea, vakamira kure, vachiona zvinhu izvi.Select Luke 23:49
50Zvino tarira, murume wainzi Josefa, nhengo yedare, murume wakanaka uye wakarurama;Select Luke 23:50
51iye wakange asina kutenderana nezano nechiito chavo; waiva weArimatia, guta reVaJudha, naiyewo wakange achimirira ushe hwaMwari.Select Luke 23:51
52Iye wakaenda kuna Pirato akakukumbira mutumbi waJesu.Select Luke 23:52
53Zvino wakauburusa, akauputira nemucheka werineni, ndokuuradzika muguva rakange rakacherwa pabwe, makange musina kumboradzikwa munhu.Select Luke 23:53
54Zvino waiva musi wegadziriro, uye sabata roswedera.Select Luke 23:54
55Nevakadziwo, vakange vauya naye vachibva Garirea, vakatevera mumashure, vakaona guva, nokuti mutumbi wake waradzikwa sei.Select Luke 23:55
56Uye vakadzokera, vakagadzirira zvinonhuhwira nezvizoro. Zvino vakazorora nesabata zvichienderana nemurairo.Select Luke 23:56
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation