Skip to content
Church.wiki
Luke

Luke 4

Shona Bible

Translation: SHONA

Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources

Start reading

1Zvino Jesu azere neMweya Mutsvene wakadzoka achibva paJoridhani, akatungamirirwa neMweya kurenje,Select Luke 4:1

2achiidzwa nadhiabhorosi mazuva makumi mana. Uye wakange asingadyi chinhu nemazuva iwayo; zvino akati apera pakupedzisira akazonzwa nzara.Select Luke 4:2

3Zvino dhiabhorosi akati kwaari: Kana uri Mwanakomana waMwari, udza ibwe iri kuti rive chingwa.Select Luke 4:3

4Jesu akamupindura, achiti: Kwakanyorwa kuti: Munhu haangararami nechingwa chete, asi neshoko rimwe nerimwe raMwari.Select Luke 4:4

5Dhiabhorosi ndokumutungamidza pagomo refu, akamuratidza ushe hwese hwenyika nenguva diki-diki.Select Luke 4:5

6Dhiabhorosi ndokuti kwaari: Simba iri rese ndichakupa nekukudzwa kwahwo, nokuti ndakaripiwa ini, uye ndinoripa ani nani wandinoda.Select Luke 4:6

7Naizvozvo iwe kana ukandinamata pamberi pangu, zvese zvichava zvako.Select Luke 4:7

8Jesu akapindura akati kwaari: Ibva shure kwangu, Satani; nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Uchanamata Ishe, Mwari wako, uye umushumire iye ega.Select Luke 4:8

9Akamutungamirira kuJerusarema, akamuisa pachiruvu chetembere, akati kwaari: Kana uri Mwanakomana waMwari, zviwisire pasi uchibva pano;Select Luke 4:9

10nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Acharaira vatumwa vake pamusoro pako, kuti vakuchengete;Select Luke 4:10

11uye: Pamaoko vachakugamha, zvimwe ungagumbusa rutsoka rwako pabwe.Select Luke 4:11

12Jesu achipindura, akati kwaari: Kwakanzi: Usaidza Ishe Mwari wako.Select Luke 4:12

13Dhiabhorosi akati apedza muedzo wese, akabva kwaari kusvikira pane imwe nguva.Select Luke 4:13

14Zvino Jesu wakadzokera kuGarirea nesimba reMweya; mukurumbira maererano naye ukabudira kudunhu rese rakapoteredza.Select Luke 4:14

15Iye ndokudzidzisa mumasinagoge avo, achikudzwa nevese.Select Luke 4:15

16Akasvika paNazareta, paakange arerwa; netsika yake wakapinda musinagoge nemusi wesabata, akasimuka kuti averenge.Select Luke 4:16

17Akapiwa rugwaro rwemuporofita Isaya. Zvino wakati azarura rugwaro, akawana nzvimbo pakange pakanyorwa kuti:Select Luke 4:17

18Mweya waIshe uri pamusoro pangu, naizvozvo wakandizodza, kuti ndiparidzire evhangeri kuvarombo; wakandituma kuti ndiporese vakaputsika pamoyo, kuparidza kusunungurwa kuna vakatapwa, nekuona kumapofu, ndisunungure vakatsikirirwa,Select Luke 4:18

19kudanidzira gore rakanaka raIshe.Select Luke 4:19

20Akapeta rugwaro, akadzosera kumuranda, akagara pasi; meso avese vaiva musinagoge akamutarisisa.Select Luke 4:20

21Zvino akatanga kuti kwavari: Nhasi rugwaro urwu rwazadziswa munzeve dzenyu.Select Luke 4:21

22Vese vakamupupurira, vakashamisika nemashoko enyasha akabuda mumuromo make, vakati: Uyu haasi mwanakomana waJosefa here?Select Luke 4:22

23Akati kwavari: Zvirokwazvo muchataura kwandiri dimikira iri: Murapi, zvirape iwe; zvese zvatakanzwa zvakaitwa paKapenaume, zviitewo muno munyika yekwako.Select Luke 4:23

24Iye ndokuti: Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Hakuna muporofita anogamuchirwa munyika yekwake.Select Luke 4:24

25Asi chokwadi ndinoti kwamuri: Chirikadzi zhinji dzaivako kuna Israeri pamazuva aEria, apo denga rakavharwa kwemakore matatu nemwedzi mitanhatu, zvekuti kwakava nenzara huru panyika yese;Select Luke 4:25

26asi Eria haana kutumwa kune umwe wavo, kunze kwekuSarepita yeSidhoni, kumukadzi chirikadzi.Select Luke 4:26

27Uye vane maperembudzi vazhinji vaivako kuna Israeri panguva yemuporofita Erisha; asi hakuna umwe wavo wakanatswa, kunze kwaNaamani muSiriya.Select Luke 4:27

28Ipapo vese vakange vari musinagoge vakazara nehasha, vachinzwa zvinhu izvi.Select Luke 4:28

29Ndokusimuka, vakamusundidzira kunze kweguta, vakauya naye kusvika pamawere pegomo, pakange pakavakwa guta ravo, kuti vamuposhere pasi.Select Luke 4:29

30Asi iye wakapfuura nepakati pavo akaenda.Select Luke 4:30

31Wakabva aburukira Kapenaume, guta reGarirea; uye aivadzidzisa nemasabata.Select Luke 4:31

32Vakashamisika nedzidziso yake, nokuti shoko rake rakange rine simba.Select Luke 4:32

33Zvino musinagoge makange mune munhu aiva ane mweya wedhimoni retsvina; ukadanidzira nenzwi guru,Select Luke 4:33

34ukati: Regai! Tinei nemwi Jesu muNazareta? Mauya kuzotiparadza here? Ndinokuzivai kuti ndimwi ani: Mutsvene waMwari.Select Luke 4:34

35Zvino Jesu akautsiura, achiti: Nyarara, ubude kwaari! Dhimoni rakati ramuwisira pakati, rikabuda kwaari, risina kumukuvadza.Select Luke 4:35

36Kushamisika kukavasvikira vese, vakataurirana pachavo, vachiti: Ishoko ripi iri? Nokuti nesimba nechikuriri anoraira mweya yetsvina, ikabuda.Select Luke 4:36

37Mukurumbira maererano naye ukabuda kunzvimbo dzese dzedunhu rakapoteredza.Select Luke 4:37

38Zvino wakasimuka akabuda musinagoge, akapinda mumba maSimoni; zvino mai vemukadzi waSimoni vakange vakabatwa nefivhiri huru; vakamukumbirira kwaari.Select Luke 4:38

39Zvino akakotamira pamusoro pavo, akatsiura fivhiri, ikavarega; uye pakarepo vakasimuka vakavashandira.Select Luke 4:39

40Zvino zuva rakati rovira, vese vaiva nevarwere vezvirwere zvakasiyana-siyana vakavauisa kwaari; akaisa maoko pamusoro peumwe neumwe wavo akavaporesa.Select Luke 4:40

41Nemadhimoni akabuda kuvazhinji, achidanidzira achiti: Imwi muri Kristu Mwanakomana waMwari. Akaatsiura akasaatendera kutaura, nokuti akange achiziva kuti ndiKristu.Select Luke 4:41

42Zvino kwakati kwaedza, akabuda, akaenda kunzvimbo yerenje, zvaunga zvikamutsvaka, zvikauya kwaari, zvikamudzivirira kuti arege kubva kwazviri.Select Luke 4:42

43Asi wakati kwavari: Ndinofanira kuparidzira evhangeri yeushe hwaMwari kumamwe magutawo; nokuti ndizvo zvandakatumirwa.Select Luke 4:43

44Akasiparidza mumasinagoge eGarirea.Select Luke 4:44

Next: Luke 5Continue reading

Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

Luke

Selected verses

Select another verse to extend the range.

Highlight

My Bible

About this name

Listen

Uses an English voice provided by your browser.