Luke 7
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Zvino wakati apedza mashoko ake ese munzeve dzevanhu, akapinda muKapenaume.Select Luke 7:1
2Zvino muranda weumwe mukuru wezana, waiva akakosha kwaari, wakange achirwara, achitandadza.Select Luke 7:2
3Zvino wakati anzwa zvaJesu, akatuma kwaari vakuru veVaJudha, achikumbira kuti auye aporese muranda wake.Select Luke 7:3
4Zvino ivo vakati vachisvika kuna Jesu, vakamukumbirisa zvikuru, vachiti: Wakafanira kuti mumuitire izvozvi;Select Luke 7:4
5nokuti anoda rudzi rwedu, uye ndiye wakativakira sinagoge.Select Luke 7:5
6Zvino Jesu akaenda navo. Zvino apo akange asisiri kure neimba, mukuru wezana akatuma shamwari kwaari, achiti kwaari: Ishe, musazvitambudza; nokuti handina kufanira kuti mupinde pasi pedenga reimba yangu;Select Luke 7:6
7naizvozvo handina kutongofunga ini pachangu ndakafanira kuuya kwamuri; asi taurai neshoko, muranda wangu achaporeswa.Select Luke 7:7
8Nokuti iniwo ndiri munhu wakaiswa pasi pesimba, ndine mauto pasi pangu; ndinoti kune uyu: Enda, anoenda; uye kune umwe: Uya, anouya; nekumuranda wangu: Ita ichi, achiita.Select Luke 7:8
9Jesu wakati anzwa zvinhu izvi, akashamisika naye, akatendeuka, akati kuchaunga chaimutevera: Ndinoti kwamuri: Handina kuwana rutendo rukuru rwakadai kunyange pakati paIsraeri.Select Luke 7:9
10Zvino avo vakange vatumwa vodzokera kumba vakawana muranda airwara ava mutano.Select Luke 7:10
11Zvino zvakaitika zuva raitevera, kuti wakaenda kuguta rainzi Naini; zvino vazhinji vevadzidzi vake nechaunga chikuru vakaenda naye.Select Luke 7:11
12Zvino, wakati achiswedera pasuwo reguta, zvino tarira, mushakabvu achibudiswa kunze, mwanakomana umwe wega wamai vake, uye ivo vaiva chirikadzi; nechaunga chikuru cheguta chakange chinaye.Select Luke 7:12
13Zvino Ishe wakati amuona, akamunzwira tsitsi, akati kwaari: Usachema.Select Luke 7:13
14Zvino akaswedera akabata hwanyanza; zvino vatakuri vakamira; akati: Jaya, ndinoti kwauri: Muka!Select Luke 7:14
15Mushakabvu akamuka ndokugara, akatanga kutaura; akamupa kuna mai vake.Select Luke 7:15
16Kutya ndokubata vese; vakarumbidza Mwari, vachiti: Muporofita mukuru wamuka pakati pedu; nekuti: Mwari washanyira vanhu vake.Select Luke 7:16
17Zvino iri shoko maererano naye rikabudira muJudhiya rese nenharaunda yese yakapoteredza.Select Luke 7:17
18Vadzidzi vaJohwani ndokumupira zvezvinhu izvozvi zvese.Select Luke 7:18
19Johwani akadanira kwaari vamwe vaviri vevadzidzi vake, akavatuma kuna Jesu achiti: Imwi ndimwi anouya here, kana tichakataririra umwe?Select Luke 7:19
20Zvino varume vakati vasvika kwaari, vakati: Johwani Mubhabhatidzi watituma kwamuri achiti: Imwi ndimwi anouya here, kana titaririre umwe?Select Luke 7:20
21Zvino munguva iyoyo akaporesa vazhinji pazvifo neurwere, nepamweya yakaipa; nekumapofu mazhinji akapa kuona.Select Luke 7:21
22Zvino Jesu achipindura akati kwavari: Endai munoudza Johwani zvamakaona nezvamakanzwa; zvekuti, mapofu anoonazve, vanokamhina vanofamba, vane maperembudzi vanonatsva, matsi dzinonzwa, vakafa vanomutswa, varombo vanoparidzirwa evhangeri.Select Luke 7:22
23Uye wakaropafadzwa ani nani asingagumbuswi neni.Select Luke 7:23
24Zvino vatumwa vaJohwani vakati vabva, wakatanga kutaura kuzvaunga pamusoro paJohwani, achiti: Makabudira kurenje kunoonei? Rutsanga rwunozununguswa nemhepo here?Select Luke 7:24
25Asi makange mabuda kunoonei? Munhu wakapfeka nguvo dzakapfava here? Tarirai, vari munguvo dzinobwinya, vachirarama zvakanaka, vari mudzimba dzemadzimambo.Select Luke 7:25
26Asi makange mabuda kunoonei? Muporofita here? Hongu, ndinoti kwamuri: Kunyange anopfuura zvikuru muporofita.Select Luke 7:26
27Uyu ndiye wakanyorwa pamusoro pake, zvichinzi: Tarira, ini ndinotuma mutumwa wangu pamberi pechiso chako, achagadzira nzira yako pamberi pako.Select Luke 7:27
28Nokuti ndinoti kwamuri: Pakati pevakaberekwa nevakadzi, hakuna muporofita mukuru kuna Johwani Mubhabhatidzi; asi mudikisa muushe hwaMwari mukuru kwaari.Select Luke 7:28
29Zvino vanhu vese nevateresi vakati vachizvinzwa vakati Mwari wakarurama, zvavakange vabhabhatidzwa nerubhabhatidzo rwaJohwani.Select Luke 7:29
30Asi VaFarisi nenyanzvi dzemutemo vakaramba zano raMwari vachizvipikisa, vakasabhabhatidzwa naye.Select Luke 7:30
31Asi Ishe akati: Zvino vanhu vezera iri ndichavafananidza nei? Vakafanana nei?Select Luke 7:31
32Vakafanana nevana vadiki vagere pamisika vachidanidzirana vachiti: Takakuridzirai nyere asi hamuna kutamba, takakuririrai asi hamuna kuchema.Select Luke 7:32
33Nokuti Johwani Mubhabhatidzi akauya asingadyi chingwa kana kunwa waini, zvino moti: Ane dhimoni;Select Luke 7:33
34Mwanakomana wemunhu wauya achidya, achinwa, zvino moti: Tarirai munhu wemakaro nemunwi wewaini, shamwari yevateresi nevatadzi.Select Luke 7:34
35Asi uchenjeri hunonzi hwakarurama nevana vahwo vese.Select Luke 7:35
36Zvino umwe weVaFarisi wakamukumbira kuti adye naye; akapinda mumba memuFarisi, akagara pakudya.Select Luke 7:36
37Zvino tarira, mukadzi muguta iro, waiva mutadzi, wakati aziva kuti agere pakudya mumba memuFarisi, akauya nechinu chearibhasiteri* chechizoro.Select Luke 7:37
38Akamira patsoka dzake mushure make achichema, akatanga kunyorovesa tsoka dzake nemisodzi, akapukuta nevhudzi remusoro wake, ndokutsvoda tsoka dzake ndokudzizodza nechizoro.Select Luke 7:38
39Zvino muFarisi wakange amudana wakati achizviona, akataura mukati make, achiti: Uyu dai aiva muporofita, angadai aiziva kuti ndiani, uye ndewakadini mukadzi anomubata, nokuti mutadzi.Select Luke 7:39
40Jesu ndokupindura akati kwaari: Simoni, ndine chekutaura kwauri. Iye ndokuti: Mudzidzisi, revai.Select Luke 7:40
41Kwakange kune vakwereti vaviri kune umwe mukweretesi; umwe wakange ane chikwereti chamadhenario* mazana mashanu, uye umwe makumi mashanu.Select Luke 7:41
42Vakati vasina chekuripisa, akavakanganwira vari vaviri. Naizvozvo ndeupi wavo, taura, achamuda kupfuura umwe?Select Luke 7:42
43Simoni akapindura akati: Ndinofunga ndouyo waakakanganwira kupfuura umwe. Akati kwaari: Watonga zvakarurama.Select Luke 7:43
44Zvino akatendeukira kumukadzi, akati kuna Simoni: Unoona mukadzi uyu here? Ndapinda mumba mako, mvura yetsoka dzangu hauna kundipa; asi uyu wanyorevesa tsoka dzangu nemisodzi, akapusika nevhudzi remusoro wake.Select Luke 7:44
45Hauna kunditsvoda, asi iye chinguri chandapinda, haana kumira kutsvoda tsoka dzangu.Select Luke 7:45
46Nemafuta musoro wangu hauna kuuzodza; asi iye wazodza tsoka dzangu nechizoro.Select Luke 7:46
47Naizvozvo, ndinoti kwauri: Zvivi zvake zvizhinji zvakanganwirwa, nokuti wada zvikuru; asi anokanganwirwa zvishoma, anoda zvishoma.Select Luke 7:47
48Zvino akati kwaari: Zvivi zvako zvakanganwirwa.Select Luke 7:48
49Zvino avo vakange vagere pakudya naye vakatanga kureva mukati mavo, vachiti: Ndiani uyu anokanganwirawo zvivi?Select Luke 7:49
50Akati kumukadzi: Rutendo rwako rwakuponesa; enda nerugare.Select Luke 7:50
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation