Skip to content
Church.wiki
Luke

Luke 8

Shona Bible

Translation: SHONA

Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources

Start reading

1Zvino zvakaitika shure kweizvozvo, kuti iye wakagura nemuguta nemusha umwe neumwe, achidanidzira nekuparidza mashoko akanaka eushe hwaMwari; nevanegumi nevaviri vanaye,Select Luke 8:1

2nevamwe vakadzi vakange vaporeswa pamweya yakaipa neurwere, Maria anonzi Magidharini, maari makabuda madhimoni manomwe,Select Luke 8:2

3naJohwana mukadzi waKuza mutariri waHerodhe, naSusana, nevamwe vazhinji, vaimubatsira nenhumbi dzavo.Select Luke 8:3

4Zvino chaunga chikuru chakati chaungana, uye vaibva kuguta ripi neripi vachiuya kwaari, akataura nemufananidzo akati:Select Luke 8:4

5Mukushi wakabuda kunokusha mbeu yake; zvino pakukusha kwake, imwe yakawira kurutivi rwenzira, ndokutsikwa netsoka, shiri dzekudenga dzikaidya dzikaipedza.Select Luke 8:5

6Uye imwe ikawira paruware; zvino yakamera, ikawoma, nokuti yakashaiwa unyoro.Select Luke 8:6

7Neimwe ikawira pakati peminzwa, minzwa ikakura nayo, ikaivhunga.Select Luke 8:7

8Uye imwe yakawira muvhu rakanaka, ikamera, ikabereka zvibereko zvinezana. Wakati ataura zvinhu izvi, akadanidzira achiti: Ane nzeve dzekunzwa, ngaanzwe.Select Luke 8:8

9Vadzidzi vake ndokumubvunza vachiti: Mufananidzo uyu ungavei?Select Luke 8:9

10Ndokubva ati: Kwamuri kwakapiwa kuziva zvakavanzika zveushe hwaMwari; asi kune vamwe zviri mumifananidzo, kuti vachiona vasaona; uye vachinzwa vasanzwisisa.Select Luke 8:10

11Zvino mufananidzo ndiwoyu: Mbeu ishoko raMwari.Select Luke 8:11

12Avo vaparutivi rwenzira ndivo vanonzwa, ipapo dhiabhorosi anouya ndokubvisa shoko pamoyo wavo, kuti varege kutenda, vaponeswe.Select Luke 8:12

13Nevaparuware ndevaya, vanoti kana vanzwa, vanogamuchira shoko nemufaro; asi ava havana mudzi, vanotenda kwenguva, asi nenguva yemuedzo vanowa.Select Luke 8:13

14Neyakawira paminzwa, ndevaya kana vanzwa, zvino vanoenda ndokuvhungwa nekufunganya nefuma nemafaro eupenyu, vakasasvitsa zvibereko.Select Luke 8:14

15Asi iri muvhu rakanaka, ndevaya vanoti vanzwa shoko, vanorichengeta mumoyo wakarurama nowakanaka, vachibereka zvibereko nekutsungirira.Select Luke 8:15

16Hakuna munhu anoti kana atungidza mwenje, anoufukidzira nemudziyo, kana kuisa pasi pemubhedha; asi anouisa pachigadziko chemwenje, kuti avo vanopinda vaone chiedza.Select Luke 8:16

17Nokuti hakuna chakavanzika, chisingazovi pachena, kana chakavigwa, chisingazozikanwi nekubuda pachena.Select Luke 8:17

18Naizvozvo chenjerai, kuti munonzwa sei; nokuti ani nani anazvo, achapiwa; asi ani nani asina, achatorerwa kunyange icho chaanofunga kuti anacho.Select Luke 8:18

19Zvino kwakauya kwaari mai nevanin'ina vake, vakasagona kusvika kwaari nekuda kwechaunga.Select Luke 8:19

20Akaudzwa nevamwe vakati: Mai venyu nevanin'ina venyu vamire panze, vanoda kukuonai.Select Luke 8:20

21Asi wakapindura akati kwavari: Mai vangu nevanin'ina vangu ndeava vanonzwa shoko raMwari vachiriita.Select Luke 8:21

22Zvino zvakaitika nerimwe remazuva kuti wakapinda muchikepe iye nevadzidzi vake, akati kwavari: Ngatiyambukire kune rumwe rutivi rwegungwa; vakasimuka nechikepe.Select Luke 8:22

23Zvino vakati vachienda nechikepe, akarara hope; kukauya dutu guru remhepo padziva; vakazarirwa nemvura, vakava munjodzi.Select Luke 8:23

24Vakaswedera vakamumutsa, vachiti: Tenzi, tenzi, toparara! Ipapo akamuka, akatsiura mhepo nemafungu emvura; zvikaguma, kukava nekudzikama.Select Luke 8:24

25Ndokubva ati kwavari: Rutendo rwenyu rwuripi? Asi vachitya vakashamisika, vakataurirana vachiti: Ko ndeupi uyu, kuti anoraira kunyange nemhepo nemvura, zvichimuteerera?Select Luke 8:25

26Zvino vakaenda nechikepe kunyika yeVaGadharini, yakatarisana neGarirea.Select Luke 8:26

27Wakati achibudira panyika, akamuchingamidza umwe murume achibva muguta, wakange ane madhimoni kwenguva refu, uye asingapfeki nguvo, asingagari mumba, asi kumarinda.Select Luke 8:27

28Wakati achiona Jesu, akadanidzira ndokuwira pasi pamberi pake, akati nenzwi guru: Ndinei nemwi, Jesu, Mwanakomana waMwari Wekumusoro-soro? Ndinokukumbirisai, musanditambudza.Select Luke 8:28

29Nokuti wakange araira mweya wetsvina kuti ubude kumunhu; nokuti wakange wamubata nguva zhinji uye waichengetwa akasungwa nemaketani nemabote; asi akadambura zvisungo, achitinhirwa kumarenje nedhimoni.Select Luke 8:29

30Jesu ndokumubvunza achiti: Zita rako ndiani? Akati: Regiyoni; nokuti madhimoni mazhinji akange apinda maari.Select Luke 8:30

31Akamukumbirisa kuti arege kumaraira kuti aende kugomba risina chigadziko.Select Luke 8:31

32Zvino kwakange kuripo ipapo boka renguruve zhinji dzaifura mugomo; akamukumbirisa kuti amatendere kupinda madziri. Akamatendera.Select Luke 8:32

33Zvino madhimoni akabuda kumunhu, akapinda munguruve; boka ndokupitirikira kumawere richienda kudziva, rikabitirirwa.Select Luke 8:33

34Zvino vaidzifudza vachiona zvaitika, vakatiza, vakaenda kunotaura muguta nemumaruwa.Select Luke 8:34

35Zvino vakabuda kunoona zvaitika; vakasvika kuna Jesu, vakawana munhu, wakange abuda madhimoni maari agere patsoka dzaJesu, akapfeka uye akakwana mupfungwa; vakatya.Select Luke 8:35

36Vakange vazvionawo vakavaudza kuti akaponeswa sei aiva nemadhimoni.Select Luke 8:36

37Zvino chaunga chese chedunhu rakapoteredza VaGadharini chakakumbirisa kwaari kuti abve kwavari, nokuti vabatwa nekutya kukuru; akapinda muchikepe, akadzokera.Select Luke 8:37

38Asi murume wakange abuda madhimoni maari, wakakumbirisa kwaari kuti ave naye. Asi Jesu wakamurega achienda, achiti:Select Luke 8:38

39Dzokera kumba kwako, unotaura kuti zvikuru sei Mwari zvaaita kwauri. Akaenda, akaparidza muguta rese kuti zvikuru sei Jesu zvaakamuitira.Select Luke 8:39

40Zvino zvakaitika kuti pakudzoka kwaJesu, chaunga chakamugamuchira; nokuti vese vakange vakamurindira.Select Luke 8:40

41Zvino tarira, kwakasvika murume, zita rake rainzi Jairosi, iye wakange ari mukuru wesinagoge, ndokuwira patsoka dzaJesu, akamukumbirisa kuti apinde mumba make;Select Luke 8:41

42nokuti wakange ane mukunda wakaberekwa umwe wega wemakore anenge gumi nemaviri, uye iye wakange achitandadza. Zvino wakati achaenda, zvaunga zvikamumbandidzira.Select Luke 8:42

43Uye mukadzi, waiva nekubuda ropa kwemakore gumi nemaviri, wakange apedzera zvese zveupenyu hwake kuvarapi, asingagoni kurapwa kwete neumwe.Select Luke 8:43

44Akauya mushure make, akabata mupendero wenguvo yake; pakarepo kubuda kweropa kwake kukaguma.Select Luke 8:44

45Jesu ndokuti: Ndiani wandibata? Zvino vese vakati vachiramba, Petro nevaiva naye vakati: Tenzi, zvaunga zvinokumbandidzirai nekukutsikirirai zvino moti: Ndiani wandibata?Select Luke 8:45

46Asi Jesu wakati: Aripo wandibata; nokuti ini ndaziva kuti simba rabuda kwandiri.Select Luke 8:46

47Zvino mukadzi wakati achiona kuti haana kuvanzika, akauya achibvunda, akawira pasi pamberi pake, akarondedzera kwaari pamberi pevanhu vese kuti wakamubata nechikonzero chipi, uye kuti wakaporeswa pakarepo sei.Select Luke 8:47

48Zvino akati kwaari: Mukunda, tsunga moyo, rutendo rwako rwakuponesa; enda nerugare.Select Luke 8:48

49Wakati achataura, kwakauya umwe achibva kumba kwemukuru wesinagoge, achiti kwaari: Mukunda wenyu wafa; musatambudza Mudzidzisi.Select Luke 8:49

50Asi Jesu wakati achinzwa, akamupindura, achiti: Usatya, tenda chete, uye achaponeswa.Select Luke 8:50

51Zvino wakati apinda mumba, haana kutendera munhu kupinda, kunze kwaPetro, naJakobho, naJohwani, nababa vemusikana, namai.Select Luke 8:51

52Uye vese vakachema, vachimuririra. Asi wakati: Musachema, haana kufa, asi arere.Select Luke 8:52

53Vakamuseka nekumhura, vachiziva kuti wafa.Select Luke 8:53

54Asi wakavabudisira vese panze, akamubata ruoko, akadanidzira, achiti: Musikana, muka!Select Luke 8:54

55Mweya wake ukadzoka, akamuka pakarepo; akaraira kuti apiwe kudya.Select Luke 8:55

56Zvino vabereki vake vakavhiringidzika; asi wakavaraira kuti varege kuudza munhu zvakaitika.Select Luke 8:56

Next: Luke 9Continue reading

Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

Luke

Selected verses

Select another verse to extend the range.

Highlight

My Bible

About this name

Listen

Uses an English voice provided by your browser.