Skip to content
Church.wiki
Luke

Luke 9

Shona Bible

Translation: SHONA

Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources

Start reading

1Zvino wakadanira pamwe vadzidzi vake gumi nevaviri, akavapa simba nechikuriri pamusoro pemadhimoni ese, nekuporesa zvirwere.Select Luke 9:1

2Akavatuma kuparidza ushe hwaMwari nekuporesa varwere.Select Luke 9:2

3Zvino akati kwavari: Musatakura chinhu cherwendo, kana mudonzvo, kana nhava, kana chingwa, kana mari; uye musava nenguvo refu mbiri umwe neumwe.Select Luke 9:3

4Uye imba ipi neipi yamunopinda mairi, garaimo, mugobvamo.Select Luke 9:4

5Uye ani nani asingakugamuchirii, kana mobuda paguta iro, zuzai kunyange guruva patsoka dzenyu, huve uchapupu hunopikisana navo.Select Luke 9:5

6Zvino vakabva vakaenda vachigura nemumisha yese, vachiparidza evhangeri, nekuporesa pese-pese.Select Luke 9:6

7Zvino Herodhe, umwe wevatongi vana, wakanzwa zvese zvakaitwa naye; akakanganisika, nokuti zvairehwa nevamwe kuti Johwani wakange amuka kubva kuvakafa;Select Luke 9:7

8nevamwe kuti Eria waonekwa; nevamwe kuti umwe muporofita wevekare wamuka.Select Luke 9:8

9Asi Herodhe wakati: Johwani ndakagura musoro ini; asi ndiani uyu, ini wandinonzwa zvinhu zvakadai pamusoro pake? Akatsvaka kumuona.Select Luke 9:9

10Zvino vaapositori vakati vadzoka, vakamurondedzera zvese zvavakange vaita. Akavatora, akaenda navo vari vega kunzvimbo yerenje reguta rinonzi Bhetisaidha.Select Luke 9:10

11Zvino zvaunga zvakati zvazviziva, zvikamutevera; akavagamuchira, akataura kwavari zveushe hwaMwari, akaporesa vakange vachida kuporeswa.Select Luke 9:11

12Zuva raiva rotanga kuvira; vanegumi nevaviri vakaswedera vakati kwaari: Regai chaunga chiende, kuti vaende kumisha nekuruwa rwakapoteredza, vagare, vawane kudya; nokuti pano patiri panzvimbo yerenje.Select Luke 9:12

13Asi wakati kwavari: Vapei imwi ivo kuti vadye. Vakati: Hatina zvinopfuura zvingwa zvishanu, nehove mbiri, kunze kwekuti isu taenda kunotengera vanhu ava vese kudya.Select Luke 9:13

14Nokuti vaiva varume vanenge zvuru zvishanu. Akati kuvadzidzi vake: Vagarisei pasi mumapoka, rimwe nerimwe makumi mashanu.Select Luke 9:14

15Vakaita saizvozvo, vakavagarisa vese pasi.Select Luke 9:15

16Zvino akatora zvingwa zvishanu nehove mbiri, akatarira kumusoro kudenga, akazviropafadza, akazvimedura, ndokupa vadzidzi kuti vagadzike pamberi pechaunga.Select Luke 9:16

17Vakadya, vakaguta vese; kukanongwa zvimedu zvakasara kwavari, matengu gumi nemaviri.Select Luke 9:17

18Zvino zvakaitika ari ega achinyengetera, vadzidzi vakange vanaye; akavabvunza, achiti: Zvaunga zvinoti ndini ani?Select Luke 9:18

19Ivo vakapindura vakati: Johwani Mubhabhatidzi; asi vamwe: Eria; nevamwe vakati: Umwe muporofita wevekare wamuka.Select Luke 9:19

20Akati kwavari: Ko imwi munoti ndini ani? Petro akapindura akati: Kristu waMwari.Select Luke 9:20

21Akavayambirisa, akaraira kuti varege kuudza munhu izvi;Select Luke 9:21

22achiti: Mwanakomana wemunhu anofanira kutambudzika zvikuru, nekurambwa nevakuru nevapristi vakuru nevanyori, nekuurawa, nekumutswa zuva retatu.Select Luke 9:22

23Zvino wakati kune vese: Kana munhu achida kuuya shure kwangu, ngaazvirambe, atakure muchinjikwa wake zuva rimwe nerimwe, anditevere.Select Luke 9:23

24Nokuti ani nani anoda kuponesa upenyu hwake, acharasikirwa nahwo; asi ani nani anorasikirwa neupenyu hwake nekuda kwangu, iye achahuponesa.Select Luke 9:24

25Nokuti munhu angabatsirwa nei, kana akawana nyika yese, asi iye pachake azvitadzire kana kurasikirwa?Select Luke 9:25

26Nokuti ani nani anonyara pamusoro pangu nepamashoko angu, Mwanakomana wemunhu achanyara pamusoro pake paanouya mukubwinya kwake nekwaBaba nekwevatumwa vatsvene.Select Luke 9:26

27Asi ndinokuudzai zvechokwadi: Varipo vamwe vevamire pano vasingazoraviri rufu, kusvikira vaona ushe hwaMwari.Select Luke 9:27

28Zvino zvakaitika mazuva anenge masere mushure memashoko awa, kuti wakatora Petro naJohwani naJakobho, akakwira mugomo kunonyengetera.Select Luke 9:28

29Zvino zvakaitika mukunyengetera kwake, chimiro chechiso chake chikashanduka, uye nguvo yake ikachena, ikapenya.Select Luke 9:29

30Zvino tarira, varume vaviri vakataura naye, vaiva Mozisi naEria.Select Luke 9:30

31Vakaonekwa mukubwinya, vakataura zvekubva kwake kwaakange achinopedzisa paJerusarema.Select Luke 9:31

32Asi Petro nevaiva naye vakange varemerwa nehope; asi vakati vapepuka, vakaona kubwinya kwake, nevarume vaviri vaiva vamire naye.Select Luke 9:32

33Zvino zvakaitika pakubva kwavo paari, Petro akati kuna Jesu: Tenzi, zvakanaka kuti tive pano; zvino ngatiite matende matatu, rimwe renyu, nerimwe raMozisi, nerimwe raEria, asingazivi zvaanoreva.Select Luke 9:33

34Wakati achitaura izvi, kwakauya gore rikavadzikatira; vakatya pakupinda kwavo mugore.Select Luke 9:34

35Zvino kwakabuda inzwi mugore, richiti: Uyu Mwanakomana wangu anodikanwa; inzwai iye.Select Luke 9:35

36Zvino inzwi rakati raitika, Jesu akawanikwa ari ega. Asi ivo vakanyarara, vakasaudza munhu mumazuva iwayo chimwe chezvinhu zvavakange vaona.Select Luke 9:36

37Zvino zvakaitika kuti nezuva raitevera, vaburuka mugomo, chaunga chikuru chikamuchingamidza.Select Luke 9:37

38Zvino tarira, murume muchaunga wakadanidzira, achiti: Mudzidzisi, ndinokukumbirisai, tarirai mwanakomana wangu nokuti ndiye wakaberekwa umwe wega wangu;Select Luke 9:38

39zvino tarirai, mweya unomubata, pakarepo woridza mhere, uye unomugwinhisa achipupuma furo, unorema kubva paari, asi uchimusvuura.Select Luke 9:39

40Zvino ndakakumbirisa vadzidzi venyu kuti vaubudise, asi vakasagona.Select Luke 9:40

41Jesu achipindura akati: Haiwa zera risina rutendo rakatsauka, ndichava nemwi kusvikira rinhi, ndichikuitirai moyo murefu? Uisa mwanakomana wako pano.Select Luke 9:41

42Zvino wakati achaswedera, dhimoni rikamudambura, rikamugwinhisa zvikuru; asi Jesu akatsiura mweya wetsvina, akaporesa mwana, akamudzosera kuna baba vake.Select Luke 9:42

43Vese ndokushamiswa zvikuru neukuru hwaMwari. Zvino vese vachakashamisika nezvese Jesu zvaakaita, akati kuvadzidzi vake:Select Luke 9:43

44Imwi isai mashoko awa munzeve dzenyu: Nokuti Mwanakomana wemunhu achakumikidzwa mumaoko evanhu.Select Luke 9:44

45Asi havana kuziva chirevo ichi, uye chakange chakavanzika kwavari, kuti vasachinzwisisa; vakatya kumubvunza pamusoro pechirevo ichi.Select Luke 9:45

46Zvino kwakamuka nharo pakati pavo, kuti ndiani angava mukurusa kwavari.Select Luke 9:46

47Asi Jesu wakati achiona kufunga kwemoyo wavo, akatora mucheche, akamuisa parutivi rwake,Select Luke 9:47

48akati kwavari: Ani nani anogamuchira mucheche uyu muzita rangu, anogamuchira ini, uye ani nani anogamuchira ini anogamuchira wakandituma; nokuti mudikisa pakati penyu mese, ndiye achava mukuru.Select Luke 9:48

49Johwani akapindura akati: Tenzi, taona umwe achibudisa madhimoni muzita renyu, tikamudzivisa, nokuti haateverani nesu.Select Luke 9:49

50Asi Jesu akati kwaari: Musamudzivisa, nokuti uyo asingatipikisi, ndewedu.Select Luke 9:50

51Zvino zvakaitika pakupera kwemazuva ekukwidzwa kwake, kuti iye akarinzira chiso chake kuenda kuJerusarema,Select Luke 9:51

52akatuma vatumwa pamberi pechiso chake; vakaenda, vakapinda mumusha weVaSamaria, kunomugadzirira.Select Luke 9:52

53Asi havana kumugamuchira, nokuti chiso chake chaienda kuJerusarema.Select Luke 9:53

54Zvino vadzidzi vake, Jakobho naJohwani, vakati vachizviona vakati: Ishe, munoda kuti tiraire moto uburuke kubva kudenga, uvapedze, Eria sezvaakaitawo here?Select Luke 9:54

55Asi wakatendeuka akavatsiura akati: Hamuzivi kuti imwi muri vemweya wakadii.Select Luke 9:55

56Nokuti Mwanakomana wemunhu haana kuuya kuzoparadza upenyu hwevanhu asi kuhuponesa. Ndokuenda kune umwe musha.Select Luke 9:56

57Zvino zvakaitika vachifamba munzira, umwe wakati kwaari: Ishe, ndichakuteverai kupi zvako kwamunoenda.Select Luke 9:57

58Jesu akati kwaari: Makava ane mwena, neshiri dzedenga matendere; asi Mwanakomana wemunhu haana paanotsamhidza musoro.Select Luke 9:58

59Akati kune umwe: Nditevere. Asi iye akati: Ishe, nditenderei ndiende kunoviga baba vangu pakutanga.Select Luke 9:59

60Asi Jesu wakati kwaari: Rega vakafa vavige vakafa vavo; asi iwe enda unoparidza ushe hwaMwari.Select Luke 9:60

61Umwezve akati: Ndichakuteverai Ishe, asi nditenderei kutanga kuti ndinovawoneka ivo vari mumba mangu.Select Luke 9:61

62Asi Jesu akati kwaari: Hakuna ungati kana aisa ruoko rwake pagejo, akacheukira kuzvinhu zviri shure, wakafanira ushe hwaMwari.Select Luke 9:62

Next: Luke 10Continue reading

Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

Luke

Selected verses

Select another verse to extend the range.

Highlight

My Bible

About this name

Listen

Uses an English voice provided by your browser.