2 Thessalonians 2
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Zvino tinokukumbirisai, hama, maererano nekuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu, nekuunganira kwedu kwaari,Select 2 Thessalonians 2:1
2kuti murege kukurumidza kuzununguswa mufungwa, kana kuvhunduswa, kana nemweya, kana neshoko, kana netsamba seinonyorwa nesu, sezvinonzi zuva raKristu ratosvika.Select 2 Thessalonians 2:2
3Ngakurege kuva nemunhu anokunyengerai nemutoo upi neupi; nokuti harisviki kunze kwekuti kuwa kwatanga kusvika, uye munhu wechivi aratidzwe, mwanakomana wekuparadzwa,Select 2 Thessalonians 2:3
4anopikisa nekuzvikudza pamusoro pezvese zvinonzi Mwari, kana zvinonamatwa, kusvikira agara mutembere yaMwari saMwari, achizviratidza kuti ndiMwari.Select 2 Thessalonians 2:4
5Hamurangariri here kuti ndichiri nemwi ndakakuudzai zvinhu izvi?Select 2 Thessalonians 2:5
6Asi ikozvino munoziva chinodzivirira kuti aratidzwe munguva yake pachake.Select 2 Thessalonians 2:6
7Nokuti chakavanzika chekusava nemurairo chotoshanda; chete aripo anodzivirira ikozvino, kusvikira achibviswa pakati.Select 2 Thessalonians 2:7
8Ipapowo asina murairo acharatidzwa, Ishe waachapedza nemweya wemuromo wake, uye waachaparadza nekuonekwa kwekuuya kwake;Select 2 Thessalonians 2:8
9iye kuuya kwake kwakaita sekuita kwaSatani nesimba rese nezviratidzo nezvinoshamisa zvenhema,Select 2 Thessalonians 2:9
10nepakunyengera kwese kwekusarurama mune vanoparara, nokuti havana kugamuchira rudo rwechokwadi kuti vaponeswe.Select 2 Thessalonians 2:10
11Uye nekuda kwaizvozvi Mwari achavatumira simba rekutsauka, kuti vatende nhema;Select 2 Thessalonians 2:11
12kuti vese varaswe vasina kutenda chokwadi, asi vakafara mukusarurama.Select 2 Thessalonians 2:12
13Asi isu tinofanira kuvonga Mwari nguva dzese pamusoro penyu, hama vadikanwi vaIshe, kuti Mwari kubva pakutanga wakakusarudzirai ruponeso pakuitwa vatsvene kweMweya nerutendo rwechokwadi;Select 2 Thessalonians 2:13
14zvaakakudanirai neevhangeri yedu, pakuwana kubwinya kwaIshe wedu Jesu Kristu.Select 2 Thessalonians 2:14
15Naizvozvo zvino, hama, mirai makasimba, mubatirire tsika dzamakadzidziswa, kana neshoko kana netsamba yedu.Select 2 Thessalonians 2:15
16Zvino Ishe wedu Jesu Kristu amene, naMwari, kunyange Baba vedu vakatida, vakapa nyaradzo isingaperi netariro yakanaka munyasha,Select 2 Thessalonians 2:16
17anyaradze moyo yenyu, nekukusimbisai pashoko rega-rega rakanaka nebasa.Select 2 Thessalonians 2:17
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation