2 Thessalonians 3
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Pakupedzisira, hama, tinyengetererei, kuti shoko raIshe rimhanye nekukudzwa kunyange sezvakaitika nekwamuri,Select 2 Thessalonians 3:1
2uye kuti tisunungurwe kuvanhu vasingafungi nevakaipa; nokuti rutendo harwusi rwevese.Select 2 Thessalonians 3:2
3Asi Ishe wakatendeka, achakusimbisai nekukuchengetai kubva kune wakaipa.Select 2 Thessalonians 3:3
4Uye tine chivimbo muna Ishe maererano nemwi, kuti munoitawo zvinhu zvatinokurairai uye muchazviita.Select 2 Thessalonians 3:4
5Asi Ishe ngaatungamirire moyo yenyu murudo rwaMwari, nemumoyo murefu waKristu.Select 2 Thessalonians 3:5
6Zvino tinokurairai, hama, muzita raIshe wedu Jesu Kristu, kuti muzviraure pahama imwe neimwe inofamba zvisakafanira, uye kwete zvinoenderana netsika yamakagamuchira kwatiri.Select 2 Thessalonians 3:6
7Nokuti imwi momene munoziva kuti munofanira kutitevera sei, nokuti hatina kufamba zvisakafanira pakati penyu,Select 2 Thessalonians 3:7
8uye hatina kudya chingwa chemunhu pachena, asi pakushingaira nekutambudzika nekushanda siku nesikati, kuti tisava mutoro kune umwe wenyu;Select 2 Thessalonians 3:8
9kwete nokuti hatina kodzero, asi kuti tizvipe kwamuri semuenzaniso wekutitevera.Select 2 Thessalonians 3:9
10Nokuti kunyange pataiva nemwi, takakurairai izvi, kuti: Kana umwe asingadi kushanda, ngaaregewo kudya.Select 2 Thessalonians 3:10
11Nokuti tinonzwa kuti vamwe pakati penyu vanofamba-famba zvisakafanira, vasingatongobati, asi vachiita zvisina maturo.Select 2 Thessalonians 3:11
12Zvino vakadaro tinoraira nekukurudzira naIshe wedu Jesu Kristu, kuti vashande nekunyarara vadye kudya kwavo pachavo.Select 2 Thessalonians 3:12
13Asi imwi, hama, musaneta kuita zvakanaka.Select 2 Thessalonians 3:13
14Asi kana umwe asingateereri shoko redu netsamba, mutarisise uyo, uye musafambidzana naye, kuti anyare;Select 2 Thessalonians 3:14
15uye musamutora semuvengi, asi mumuraire sehama.Select 2 Thessalonians 3:15
16Zvino Ishe werugare amene ngaakupei rugare nguva dzese nemitoo yese. Ishe ngaave nemwi mese.Select 2 Thessalonians 3:16
17Kwaziso neruoko rwangu rwaPauro, ndiwo mucherechedzo patsamba imwe neimwe; ndinonyora saizvozvo.Select 2 Thessalonians 3:17
18Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi mese. Ameni.Select 2 Thessalonians 3:18
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation