1 Timothy 1
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Pauro, muapositori waJesu Kristu nekuraira kwaMwari Muponesi wedu, nekwaIshe Jesu Kristu tariro yedu,Select 1 Timothy 1:1
2kuna Timotio mwana wangu chaiye parutendo: Nyasha, tsitsi, nerugare zvinobva kuna Mwari Baba vedu naJesu Kristu Ishe wedu.Select 1 Timothy 1:2
3Sezvandakakukurudzira kuti ramba ugere paEfeso, ndichienda kuMakedhonia, kuti uraire vamwe kuti varege kudzidzisa imwe dzidziso,Select 1 Timothy 1:3
4kana kuchenjerera ngano nenhoroondo dzemadzinza dzisingaperi, dzinomutsa gakava pane kuvaka kwaMwari kuri murutendo.Select 1 Timothy 1:4
5Asi chinangwa chemurairo rudo rwunobva pamoyo wakachena nehana yakanaka nerutendo rusinganyepedzeri;Select 1 Timothy 1:5
6pane izvozvi vamwe vakatsvedza vakatsaukira kukutaura kusina maturo,Select 1 Timothy 1:6
7vachida kuva vadzidzisi vemurairo, vasinganzwisisi kana zvavanoreva, kana maererano nezvavanosimbisa.Select 1 Timothy 1:7
8Asi tinoziva kuti murairo wakanaka, kana munhu achiushandisa zviri pamurairo,Select 1 Timothy 1:8
9achiziva izvi, kuti murairo hauna kuitirwa wakarurama, asi vasina murairo nevasingateereri, vasingadi Mwari nevatadzi, vasiri vatsvene nevasina hanya naMwari, mhondi dzemadzibaba nemhondi dzana amai, vanouraya vanhu,Select 1 Timothy 1:9
10mhombwe, ngochani, vanopamba vanhu, vanyepi, vaputsi vemhiko, uye kana chimwe chiriko chinopesana nedzidziso yakagwinya,Select 1 Timothy 1:10
11maererano neevhangeri yekubwinya kwaMwari wakaropafadzwa yandakabatiswa.Select 1 Timothy 1:11
12Uye ndinovonga wakandigonesa, Kristu Jesu Ishe wedu, kuti wakandiona ndakatendeka, akandiisa paushumiri,Select 1 Timothy 1:12
13ini ndaimbova munyombi nemushushi nemutuki; asi ndakawana tsitsi, nokuti ndakaita nekusaziva pakusatenda;Select 1 Timothy 1:13
14asi nyasha dzaIshe wedu dzakawedzeresa pamwe nerutendo nerudo rwuri muna Kristu Jesu.Select 1 Timothy 1:14
15Ishoko rakatendeka uye rinofanira kugamuchirwa chese, kuti Kristu Jesu wakauya munyika kuzoponesa vatadzi, vandiri ini mukuru wavo;Select 1 Timothy 1:15
16asi nekuda kweizvi ndakawana tsitsi, kuti mandiri ndinova mukuru, Jesu Kristu aratidze moyo murefu wese, uve muenzaniso kune vanozotenda kwaari, paupenyu husingaperi.Select 1 Timothy 1:16
17Zvino kuna Mambo wekusingaperi, asingafi, asingaonekwi, Mwari wega wakachenjera, ngakuve nekukudzwa nekubwinya kusvikira rinhi narinhi. Ameni.Select 1 Timothy 1:17
18Murairo uyu ndinokumikidza kwauri, mwana wangu Timotio, sezviporofita zvakatanga pamusoro pako, kuti nazvo urwe kurwa kwakanaka;Select 1 Timothy 1:18
19wakabata rutendo nehana yakanaka, vamwe vakati vairasa zvichienderana nerutendo vakaputsikirwa nechikepe,Select 1 Timothy 1:19
20vamwe vavo ndiHimenayosi naArekizandro, vandakakumikidza kuna Satani, kuti vadzidze kusanyomba.Select 1 Timothy 1:20
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation