1 Timothy 2
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Naizvozvo kutanga pazvese ndinokurudzira kuti mikumbiro, minyengetero, kureverera nekupa kuvonga zviitirwe vanhu vese;Select 1 Timothy 2:1
2pamadzimambo nevese vari panzvimbo dzakakwirira kuti tirarame upenyu hwerugare nerunyararo pakunamata Mwari kwese nerukudzo;Select 1 Timothy 2:2
3nokuti izvi zvakanaka uye zvinogamuchirwa pamberi paMwari Muponesi wedu,Select 1 Timothy 2:3
4uyo anoda kuti vanhu vese vaponeswe uye vasvike pakuziva chokwadi.Select 1 Timothy 2:4
5Nokuti kuna Mwari umwe, nemurevereri umwe pakati paMwari nevanhu, ndiye munhu Kristu Jesu,Select 1 Timothy 2:5
6wakazvipa iye kuva rudzikunuro rwevese, chive chapupu panguva dzakafanira,Select 1 Timothy 2:6
7icho chandagadzirwa ini kuva muparidzi nemuapositori (ndinoreva chokwadi muna Kristu, handitauri nhema), mudzidzisi wevahedheni parutendo nechokwadi.Select 1 Timothy 2:7
8Naizvozvo ndinoshuva kuti varume vanyengetere panzvimbo dzese, vachisimudza maoko matsvene, pasina kutsamwa nekupikisana.Select 1 Timothy 2:8
9Saizvozvowo vakadzi vazvishongedze nezvipfeko zvakafanira, vane kunyara nekuzvidzora, kwete nevhudzi rakarukwa, kana goridhe, kana maparera*, kana nguvo dzinodhura,Select 1 Timothy 2:9
10asi, zvakafanira vakadzi vanoti vanoshumira Mwari, nemabasa akanaka.Select 1 Timothy 2:10
11Mukadzi ngaadzidze mukunyarara nekuzvininipisa kwese.Select 1 Timothy 2:11
12Asi handitenderi mukadzi kuti adzidzise, kana kuti ave nesimba pamusoro pemurume, asi ave mukunyarara.Select 1 Timothy 2:12
13Nokuti Adhamu wakatanga kuumbwa, tevere Evha;Select 1 Timothy 2:13
14naAdhamu haana kunyengerwa, asi mukadzi anyengerwa wakava mukudarika,Select 1 Timothy 2:14
15asi achaponeswa kubudikidza nekubereka vana, kana vachirambira murutendo nerudo neutsvene pamwe nekuzvidzora.Select 1 Timothy 2:15
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation