1 Timothy 4
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Zvino Mweya anoreva zvakajeka, kuti panguva dzekupedzisira vamwe vachatsauka parutendo, vachiteerera mweya inonyengera nedzidziso dzemadhimoni,Select 1 Timothy 4:1
2paunyepedzeri hwevanoreva nhema, vakapiswa pahana dzavo pachavo nedare rinopisa,Select 1 Timothy 4:2
3vachidzivisa kuwanana nekuraira kurega kudya Mwari kwaakasika kuti kugamuchirwe nekuvonga nevanotenda uye vanoziva chokwadi.Select 1 Timothy 4:3
4Nokuti chese chisikwa chaMwari chakanaka, uye hakuna chingafanira kuraswa kana chichigamuchirwa nekuvonga;Select 1 Timothy 4:4
5nokuti chinoitwa chitsvene neshoko raMwari nemunyengetero.Select 1 Timothy 4:5
6Kana uchiraira hama zvinhu izvi, uchava mushumiri wakanaka waJesu Kristu, wakafundwa nemashoko erutendo needzidziso yakanaka, yaunonyatsotevera.Select 1 Timothy 4:6
7Asi urambe ngano dzakaipa nedzechembere. Uzvirovedze pakunamata Mwari;Select 1 Timothy 4:7
8nokuti kurovedza muviri kunobatsira zvishoma; asi kunamata Mwari kunobatsira pazvinhu zvese, zvahune chivimbiso cheupenyu hwazvino nehwunouya.Select 1 Timothy 4:8
9Shoko iri rakatendeka uye rinofanirwa nekugamuchirwa kwese.Select 1 Timothy 4:9
10Nokuti naizvozvo nesu tinoshanda nesimba, nekushorwa, nokuti tinovimba naMwari mupenyu, anova Muponesi wevanhu vese, zvikuru weavo vanotenda.Select 1 Timothy 4:10
11Raira zvinhu izvi udzidzise.Select 1 Timothy 4:11
12Kusava nemunhu anozvidza udiki hwako, asi uve muenzaniso wevanotenda pashoko, pamufambiro, parudo, pamweya, parutendo, nepautsvene.Select 1 Timothy 4:12
13Kusvikira ndasvika, ngwarira pakuverenga, pakuraira, nepadzidziso.Select 1 Timothy 4:13
14Usashaya hanya nechipo chiri mauri, chawakapiwa kubudikidza nechiporofita pamwe nekuiswa maoko eutariri.Select 1 Timothy 4:14
15Funganya pamusoro pezvinhu izvi, uve pazvinhu izvi, kuti kupfuurira mberi kwako kuonekwe kune vese.Select 1 Timothy 4:15
16Uzvichenjerere iwe nedzidziso. Urambire pazviri, nokuti mukuita izvi, uchazviponesa iwe pamwe nevanokunzwa.Select 1 Timothy 4:16
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation