Skip to content
Church.wiki
2 Timothy

2 Timothy 2

Shona Bible

Translation: SHONA

Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources

Start reading

1Naizvozvo iwe, mwana wangu, simba munyasha dziri muna Kristu Jesu.Select 2 Timothy 2:1

2Nezvinhu zvawakanzwa kwandiri pakati pezvapupu zvizhinji, uzvikumikidze izvozvo kuvanhu vakatendeka vachagonawo kudzidzisa vamwe.Select 2 Timothy 2:2

3Naizvozvo iwe utambudzike zvakaoma, semurwi wakanaka waJesu Kristu.Select 2 Timothy 2:3

4Hakuna munhu anobata semurwi anozvipinganidza nezviitiko zveupenyu, kuti afadze uyo wakamupinza basa.Select 2 Timothy 2:4

5Uye kana munhuwo achikwikwidza, haashongedzwi korona kana asina kukwikwidza zviri pamurairo.Select 2 Timothy 2:5

6Murimi anobata zvakasimba anofanira kutanga kugamuchira zvibereko.Select 2 Timothy 2:6

7Fungisisa zvandinoreva; uye Ishe ngaakupe kunzwisisa pazvinhu zvese.Select 2 Timothy 2:7

8Rangarira Jesu Kristu wakamutswa kubva kuvakafa, wembeu yaDhavhidhi, zvichienderana neevhangeri yangu;Select 2 Timothy 2:8

9yandinotambudzika mairi zvakaipa, kusvikira pazvisungo, semuiti wezvakaipa; asi shoko raMwari harina kusungwa.Select 2 Timothy 2:9

10Saka ndinotsungirira zvinhu zvese nekuda kwevakasanangurwa, kuti naivo vawane ruponeso rwuri muna Kristu Jesu, pamwe nekubwinya kusingaperi.Select 2 Timothy 2:10

11Shoko iri rakatendeka; nokuti kana takafa pamwe naye, tichararamawo pamwe naye.Select 2 Timothy 2:11

12Kana tikatsungirira, tichatongawo pamwe naye; kana tikamuramba, naiye achatiramba.Select 2 Timothy 2:12

13Kana tisingatendeki, iye anoramba akatendeka; iye haagoni kuzviramba.Select 2 Timothy 2:13

14Uvarangaridze zvinhu izvi, uchirairisa pamberi paIshe kusapikisa pamashoko kusingabatsiri chinhu asi kutsausa vanonzwa.Select 2 Timothy 2:14

15Shingaira kuti uzviratidze kuna Mwari uri wakatendeka, mushandi asingafaniri kunyadziswa, anonyatsoruramisa shoko rechokwadi.Select 2 Timothy 2:15

16Asi nzvenga kutaura kwetsvina kusina maturo; nokuti vacharamba vachingonyanya pakusatya Mwari,Select 2 Timothy 2:16

17neshoko ravo richanyenga segomarara; pakati pavo pana Himenayosi naFiretosi;Select 2 Timothy 2:17

18ivo vakatsauka pachokwadi, vachiti kumuka kwatovapo, vachipidigura rutendo rwevamwe.Select 2 Timothy 2:18

19Kunyange zvakadaro nheyo yaMwari inomira yakasimba, ine mucherechedzo uyu: Ishe anoziva vari vake, uye kuti: Umwe neumwe anoreva zita raKristu ngaabve pakusarurama.Select 2 Timothy 2:19

20Asi muimba huru hamuna midziyo yegoridhe neyesirivheri chete, asiwo yematanda neyevhu, uye imwe ndeyekukudzwa asi imwe ndeyekusakudzwa.Select 2 Timothy 2:20

21Naizvozvo kana munhu achizvinatsa pazvinhu izvi, achava mudziyo wekukudzwa, wakaitwa mutsvene, wakakwanira basa raTenzi, wakagadzirirwa basa rese rakanaka.Select 2 Timothy 2:21

22Tizawo kuchiva kweudiki, asi uteverere kururama, rutendo, rudo, rugare, pamwe nevanodana kuna Ishe zvichibva pamoyo wakachena.Select 2 Timothy 2:22

23Asi mibvunzo yeupenzi neyekusadzidza urambe, uchiziva kuti zvinomutsa kurwa.Select 2 Timothy 2:23

24Zvino muranda waIshe haafaniri kurwa, asi ave munyoro kune vese, anoziva kudzidzisa, ane moyo murefu,Select 2 Timothy 2:24

25anoraira neunyoro avo vanozvipikisa, kuti zvimwe Mwari avape kutendeukira kuruzivo rwechokwadi,Select 2 Timothy 2:25

26uye vapengenuke kubva pamusungo wadhiabhorosi, wavakange vakabatwa naye pakuda kwake.Select 2 Timothy 2:26

Next: 2 Timothy 3Continue reading

Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

2 Timothy

Selected verses

Select another verse to extend the range.

Highlight

My Bible

About this name

Listen

Uses an English voice provided by your browser.