Romans 10
Shona Bible
Translation: SHONA
1Hama, chishuwo chemoyo wangu nemukumbiro kuna Mwari pamusoro paIsraeri ndiko kuti vaponeswe.Select Romans 10:1
2Nokuti ndinovapupurira kuti vanoshingairira Mwari, asi kwete paruzivo;Select Romans 10:2
3nokuti vasingazivi kururama kwaMwari, uye vachitsvaka kumisa kururama kwavo pachavo, vakasazviisa pasi pekururama kwaMwari.Select Romans 10:3
4Nokuti Kristu mugumo wemurairo mukururama kuna ani nani anotenda.Select Romans 10:4
5Nokuti Mozisi anonyora kururama kuri kwemurairo, kuti munhu anoita zvinhu izvi achararama nazvo.Select Romans 10:5
6Asi kururama kunobva parutendo kunotaura sezvizvi: Usati mumoyo mako: Ndiani achakwira kudenga? Ndiko kuti kuburusa Kristu;Select Romans 10:6
7kana kuti: Ndiani achaburukira mukudzika? Ndiko kuti kukwidza Kristu kubva kuvakafa.Select Romans 10:7
8Asi kunoti kudini? Shoko riri pedo newe, mumuromo mako nemumoyo mako; iri ishoko rerutendo ratinoparidza;Select Romans 10:8
9kuti kana iwe ukabvuma nemuromo wako Ishe Jesu, uye ukatenda mumoyo mako kuti Mwari wakamumutsa kubva kuvakafa, uchaponeswa;Select Romans 10:9
10nokuti nemoyo umwe anotenda mukururama, uye nemuromo anobvuma mukuponeswa.Select Romans 10:10
11Nokuti rugwaro rwunoti: Ani nani anotenda kwaari haangazonyadziswi.Select Romans 10:11
12Nokuti hapana musiyano pakati pemuJudha nemuGiriki; nokuti Ishe ndeumwe wevese, wakafuma kune vese vanodana kwaari.Select Romans 10:12
13Nokuti wese ani nani achadana kuzita raIshe achaponeswa.Select Romans 10:13
14Zvino vachadana sei wavasina kutenda kwaari? Uye vachatenda sei wavasina kunzwa nezvake? Uye vachanzwa sei vasina anoparidza?Select Romans 10:14
15Zvino vachaparidza sei kana vasina kutumwa? Sezvazvakanyorwa zvichinzi: Dzakanaka sei tsoka dzevanoparidza evhangeri yerugare, dzevanoparidza evhangeri yezvakanaka?Select Romans 10:15
16Asi vese havana kuteerera evhangeri. Nokuti Isaya anoti: Ishe, ndiani wakatenda zvatakasuma?Select Romans 10:16
17Naizvozvo rutendo rwunobva mukunzwa, nekunzwa neshoko raMwari.Select Romans 10:17
18Asi ndinoti: Havana kunzwa here? Hongu zvirokwazvo, inzwi ravo rakabuda kunyika yese, nemashoko avo kumigumo yenyika.Select Romans 10:18
19Asi ndinoti: Israeri haana kunzwisisa here? Pakutanga Mozisi anoti: Ini ndichakumutsirai godo nevasiri rudzi, nerudzi rusingafungi ndichakutsamwisai.Select Romans 10:19
20NaIsaya akashinga anotiwo: Ndakawanikwa nevasina kunditsvaka, ndakaonekwa kune vasina kundibvunza.Select Romans 10:20
21Asi kuna Israeri anoti: Zuva rese ndakatandavadza maoko angu kuvanhu vasingateereri nevanokakavara.Select Romans 10:21
Shona Bible (SHONA) · GFDL