Skip to content
Church.wiki
Romans

Romans 11

Shona Bible

Translation: SHONA
Start reading

1Naizvozvo ndinoti: Mwari wakarasa vanhu vake here? Ngazvisadaro! Nokuti iniwo ndiri muIsraeri, kubva pambeu yaAbhurahama, werudzi rwaBhenjamini.Select Romans 11:1

2Mwari haana kurasa vanhu vake vaakagara aziva. Kana hamuzivi kuti rugwaro rwunoti kudini kuna Eria here? Kuti anoreverera sei kuna Mwari achipesana neVaIsraeri, achiti:Select Romans 11:2

3Ishe, vakauraya vaporofita venyu, uye vakaputsa aritari dzenyu; zvino ini ndasara ndega, uye vanotsvaka upenyu hwangu.Select Romans 11:3

4Asi mhinduro yaMwari inoti kudii kwaari? Inoti: Ndakazvisiira zvuru zvinomwe zvevarume, vasina kufugamira ibvi kuna Bhaari.Select Romans 11:4

5Zvino saizvozvo nemunguva yaikozvino variko vakasara maererano nesananguro yenyasha.Select Romans 11:5

6Asi kana zviri zvenyasha, hazvichabvi pamabasa; kana zvisakadaro, nyasha hadzisisiri nyasha. Asi kana zvichibva pamabasa, hadzisati dzichiri nyasha; kana zvisakadaro basa harisati richiri basa.Select Romans 11:6

7Ko zvino? Israeri zvaakange achitsvaka, haana kuzviwana, asi vasanangurwa vakazviwana, vamwewo vakaomeswa;Select Romans 11:7

8sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Mwari wakavapa mweya wehope huru, meso kuti varege kuona, nenzeve kuti varege kunzwa, kusvikira zuva ranhasi.Select Romans 11:8

9NaDhavhidhi anoti: Tafura yavo ngaiitwe rudzingi nemusungo, nechigumbuso nekutsiva kwavari;Select Romans 11:9

10meso avo ngaasvibirwe kuti varege kuona, uye mukotamise musana wavo narinhi.Select Romans 11:10

11Naizvozvo ndinoti: Vakagumbuswa kuti vawe here? Ngazvisadaro! Asi nekudarika kwavo ruponeso rwakasvika kuvahedheni, kuvamutsira godo.Select Romans 11:11

12Zvino kana kudarika kwavo kuri fuma yenyika, nekukundikana kwavo ifuma yevahedheni, zvikuru sei kuzara kwavo?Select Romans 11:12

13Nokuti ndinotaura kwamuri vahedheni; sezvo ndiri ini muapositori wevahedheni, ndinokudza ushumiri hwangu;Select Romans 11:13

14kuti zvimwe ndingamutsira godo venyama yangu, uye ndiponese vamwe vavo.Select Romans 11:14

15Nokuti kana kuraswa kwavo kuri kuyananiswa kwenyika, kugamuchirwa kuchaveiko, kunze kwekuti upenyu hunobva kuvakafa?Select Romans 11:15

16Zvino kana chibereko chekutanga chiri chitsvene, bunduwo rakadaro; uye kana mudzi uri mutsvene, nematavi akadaro.Select Romans 11:16

17Asi kana mamwe ematavi akavhuniwa, newe uri muorivhi wekudondo ukabatanidzwa pakati pawo, ukava mugovani pamwe nawo pamudzi nepamafuta emuorivhi,Select Romans 11:17

18usazvikudza pamusoro pematavi; asi kana uchizvikudza, hausi iwe anotakura mudzi, asi mudzi unokutakura iwe.Select Romans 11:18

19Zvino uchati: Matavi akavhuniwa, kuti ini ndibatanidzwe.Select Romans 11:19

20Zvakanaka; nekusatenda vakavhuniwa, iwe umire nerutendo. Usazvikudza, asi itya;Select Romans 11:20

21nokuti kana Mwari asina kurega matavi echisikirwo, zvimwe haangakuregi iwewo.Select Romans 11:21

22Zvino tarira unyoro nekuomarara kwaMwari; kune vanowa, kuomarara; asi kwauri, unyoro, kana uchigara paunyoro hwake; kana zvikasadaro newe ungatemwa.Select Romans 11:22

23Naivowo, kana vasingagari pakusatenda, vachabatanidzwa, nokuti Mwari anogona kuvabatanidzazve.Select Romans 11:23

24Nokuti kana iwe wakatemwa kumuorivhi uri wedondo pachisikirwo, ukabatanidzwa zvinopesana nechisikirwo pamuorivhi wakasimwa, vangabatanidzwa zvikuru sei avo vari matavi echisikirwo pamuorivhi wekwavo?Select Romans 11:24

25Nokuti handidi kuti musaziva, hama, zvechakavanzika ichi, kuti murege kuzviita vakangwara, kuti kuomeswa kwemoyo kwakawira Israeri muchidimbu kusvikira kwapinda kuzara kwavahedheni;Select Romans 11:25

26saizvozvowo Israeri wese achaponeswa; sezvazvakanyorwa zvichinzi: PaZiyoni pachabva Musununguri achabvisa kusada Mwari kuna Jakobho.Select Romans 11:26

27Uye iyi isungano yangu kwavari, pandichabvisa zvivi zvavo.Select Romans 11:27

28Maererano neevhangeri vavengi nekuda kwenyu; asi maererano nekusanangura vadikanwi nekuda kwemadzibaba;Select Romans 11:28

29nokuti zvipo nekudana kwaMwari hazvishanduki.Select Romans 11:29

30Nokuti semwiwo kare musina kuteerera Mwari, asi zvino makanzwirwa tsitsi nekusateerera kwavo;Select Romans 11:30

31saizvozvo naivava ikozvino havana kuteerera, kuti netsitsi dzenyu naivo vanzwirwe tsitsi;Select Romans 11:31

32nokuti Mwari wakavapfigira vese mukusateera, kuti ave netsitsi kwavari vese.Select Romans 11:32

33Haiwa kudzika kwefuma, zvese yeuchenjeri neruzivo rwaMwari! Kutonga kwake hakunzverwi zvakadini, nenzira dzake hadzirondwi!Select Romans 11:33

34Nokuti ndiani wakaziva fungwa yaIshe? Kana ndiani wakange ari murairidzi wake?Select Romans 11:34

35Kana ndiani wakatanga kupa kwaari, uye zvichadzorerwa kwaari?Select Romans 11:35

36Nokuti zvese zvinobva kwaari, nemaari, zvinoenda kwaari; kubwinya ngakuve kwaari kusvika narinhi. Ameni.Select Romans 11:36

Next: Romans 12Continue reading

Shona Bible (SHONA) · GFDL

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

Romans

Selected verses

Tap another verse to select a range.

Highlight

My Bible

Listen

Uses an English voice provided by your browser.