Skip to content
Church.wiki
Romans

Romans 13

Shona Bible

Translation: SHONA
Start reading

1Mweya umwe neumwe ngauzviise pasi pemasimba epamusoro; nokuti hakuna simba kunze kwerakabva kuna Mwari; masimba aripo akagadzwa naMwari.Select Romans 13:1

2Naizvozvo anopikisa simba anopikisa chimiso chaMwari; zvino ivo vanopikisa vanozvigamuchirira kuraswa.Select Romans 13:2

3Nokuti vatongi havasi chityiso kumabasa akanaka, asi kune akaipa. Zvino unoda kusatya simba here? Ita zvakanaka, zvino uchava nerumbidzo kubva kwariri;Select Romans 13:3

4nokuti ndiro muranda waMwari kuti zvikunakire. Asi kana uchiita zvakaipa, itya; nokuti harina kubatira munondo pasina; nokuti muranda waMwari, mutsivi pahasha kune anoita zvakaipa.Select Romans 13:4

5Naizvozvo zvakafanira kuzviisa pasi, kwete nekuda kwehasha chete, asi nekuda kwehanawo.Select Romans 13:5

6Nokuti nekuda kwezvizvi munoterawo; nokuti varanda vaMwari, vanoramba vachibatirira chinhu ichochi.Select Romans 13:6

7Naizvozvo ripirai vese zvakafanira: Mutero kuna vanofanira mutero; mubhadharo kune vanofanira mubhadharo; kutyiwa kune vanofanira kutyiwa; rukudzo kune vanofanira rukudzo.Select Romans 13:7

8Musava nengava nemunhu, kunze kwerekudanana; nokuti anoda umwe, wazadzisa murairo.Select Romans 13:8

9Nokuti izvi zvekuti: Usapomba, usauraya, usaba, usapupura nhema, usachiva, kana kune murairowo upi neupi, zvakasanganiswa pashoko iri, rekuti: Ude wekwako sezvaunozvida iwe.Select Romans 13:9

10Rudo haruiti zvakaipa kune wekwako; naizvozvo rudo kuzadzisika kwemurairo.Select Romans 13:10

11Uye izvi, muchiziva nguva, kuti ratova awa rekuti timuke pahope; nokuti ikozvino ruponeso rwedu rwava pedo kupfuura patakatenda.Select Romans 13:11

12Usiku hwaenda, uye zuva rava pedo; naizvozvo ngatibvise mabasa erima, uye ngatishonge zvombo zvechiedza.Select Romans 13:12

13Ngatifambe zvakafanira, sapamasikati, kwete mumitambo yemafaro akaipa nekuraradza, kwete pamabonde nekunyangadza, kwete mugakava negodo.Select Romans 13:13

14Asi pfekai Ishe Jesu Kristu, musafunganyira nyama, mukuchiva.Select Romans 13:14

Next: Romans 14Continue reading

Shona Bible (SHONA) · GFDL

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

Romans

Selected verses

Tap another verse to select a range.

Highlight

My Bible

Listen

Uses an English voice provided by your browser.