Skip to content
Church.wiki
Romans

Romans 16

Shona Bible

Translation: SHONA
Start reading

1Ndinorumbidza kwamuri Febhe hanzvadzi yedu, anova murandakadzi wekereke iri paKenikireya;Select Romans 16:1

2kuti mumugamuchire muna Ishe sezvinofanira vatsvene, uye kuti mumubatsire panhau ipi neipi yaangashaiwa kwamuri; nokuti iyewo wakava mubatsiri wevazhinji, newangu ndomene.Select Romans 16:2

3Kwazisai Prisira naAkwira vashandi pamwe neni muna Kristu Jesu.Select Romans 16:3

4Ivo nekuda kweupenyu hwangu vakaradzika mutsipa wavo pachavo, vandisingavongi ini ndega, asi nemakereke ese evahedheni;Select Romans 16:4

5kwazisaiwo kereke iri paimba yavo. Kwazisai Epaeneto mudikanwi wangu, anova chibereko chekutanga cheAkaya muna Kristu.Select Romans 16:5

6Kwazisai Maria, wakatishandira zvikuru.Select Romans 16:6

7Kwazisai Andoroniko naJunia hama dzangu nevakasungwa pamwe neni, vane mbiri pakati pevaapositori, vakanditangirawo kuva muna Kristu.Select Romans 16:7

8Kwazisai Amupiriyasi mudikanwi wangu muna Ishe.Select Romans 16:8

9Kwazisai Obhano mushandi pamwe nesu muna Kristu, naStako mudikanwi wangu.Select Romans 16:9

10Kwazisai Apere anotendwa muna Kristu. Kwazisai vekwaArisitobhuro.Select Romans 16:10

11Kwazisai Herodhio hama yangu. Kwazisai vekwaNakiso, vari muna Ishe.Select Romans 16:11

12Kwazisai Trufaina naTrufosa vakadzi vanoshanda muna Ishe. Kwazisai Perisisi mukadzi anodikanwa, wakashanda zvikuru muna Ishe.Select Romans 16:12

13Kwazisai Rufosi wakasanangurwa muna Ishe, namai vake vari vanguwo.Select Romans 16:13

14Kwazisai Asingirita, Firegoni, Herimasi, Patrobhasi, Herimesi, nehama dzinavo.Select Romans 16:14

15Kwazisai Firorogosi naJuria, Nerusi nehanzvadzi yake, naOrimba, nevatsvene vese vanavo.Select Romans 16:15

16Kwazisanai nekutsvoda kutsvene. Makereke aKristu anokukwazisai.Select Romans 16:16

17Zvino ndinokukumbirisai, hama, ngwarirai avo vanoita mhesaniso uye zvigumbuso, zvinopesana nedzidziso yamakadzidza imwi, uye muvanzvenge.Select Romans 16:17

18Nokuti vakadaro havashandiri Ishe wedu Jesu Kristu, asi dumbu ravo; uye neshoko rakanaka nekutaura kwakanaka vanonyengera moyo yevasina mhosva.Select Romans 16:18

19Nokuti kuteerera kwenyu kwakasvika kune vese. Naizvozvo ndinofara pamusoro penyu; asi ndinoda kuti muve vakachenjera kune chakanaka, asi vakachena kune chakaipa.Select Romans 16:19

20Zvino Mwari werugare achakurumidza kupwanya Satani pasi petsoka dzenyu. Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi. Ameni.Select Romans 16:20

21Timotio, mushandi pamwe neni, naRukio naJasoni naSosipatro hama dzangu vanokukwazisai.Select Romans 16:21

22Ini Tetiosi, anonyora tsamba, ndinokukwazisai muna Ishe.Select Romans 16:22

23Gayosi, mugamuchiri wangu nekereke yese, anokukwazisai. Erastosi muchengeti wemari yeguta anokukwazisai, naKwaritosi hama.Select Romans 16:23

24Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi mese. Ameni.Select Romans 16:24

25Zvino kune ane simba rekukusimbisai sezvinoreva evhangeri yangu nekuparidzwa kwaJesu Kristu, zvichienderana nekuzarurwa kwezvakavanzika, zvisina kutaurwa zvakavanzwa nguva dzakare,Select Romans 16:25

26asi ikozvino zvinoratidzwa, uye nemagwaro evaporofita semurairo waMwari wekusingaperi, wakaziviswa kumarudzi ese pakuteerera kwerutendo,Select Romans 16:26

27kuna Mwari iye wakachenjera ega ngakuve nekurumbidzwa naJesu Kristu, kusvika narinhi. Ameni.Select Romans 16:27

Next: 1 Corinthians 1Continue reading

Shona Bible (SHONA) · GFDL

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

Romans

Selected verses

Tap another verse to select a range.

Highlight

My Bible

Listen

Uses an English voice provided by your browser.