Skip to content
Church.wiki
Romans

Romans 2

Shona Bible

Translation: SHONA
Start reading

1Naizvozvo hauna manzvengero, iwe munhu, upi neupi anotonga; nokuti neicho chaunotonga nacho umwe, unozvipa mhosva iwe, nokuti iwe unotonga unoita zvinhu zvakangodaro.Select Romans 2:1

2Asi tinoziva kuti kutonga kwaMwari kunoenderana nechokwadi pamusoro pevanoita zvinhu zvakadaro.Select Romans 2:2

3Zvino unofunga izvi, haiwa munhu anotonga vanoita zvinhu zvakadaro, uchiitawo zvakadaro, kuti iwe uchatiza kutonga kwaMwari here?Select Romans 2:3

4Kana unozvidza here fuma yenyasha dzake nemoyo murefu nemoyo munyoro, usingazivi kuti nyasha dzaMwari dzinokuisa pakutendeuka?Select Romans 2:4

5Asi neukukutu hwako nemoyo usingatendeuki unozvichengetera hasha nezuva rehasha nekuzarurwa kwekutonga kwakarurama kwaMwari,Select Romans 2:5

6iye achapa mubairo kune umwe neumwe maererano nemabasa ake;Select Romans 2:6

7upenyu husingaperi kune vanotsungirira pakuita kwakanaka vanotsvaka kubwinya nekukudzwa nekusafa;Select Romans 2:7

8asi kune vane nharo, uye vasingateereri chokwadi asi vanoteerera kusarurama, kuchavapo kutsamwa nehasha,Select Romans 2:8

9dambudziko nekumanikidzika, pamusoro pemweya umwe neumwe wemunhu anoita zvakaipa, pakutanga wemuJudha newemuGirikiwo;Select Romans 2:9

10asi kubwinya nerukudzo nerugare kune umwe neumwe anoita zvakanaka, kumuJudha pakutanga, nekumuGirikiwo;Select Romans 2:10

11nokuti hakuna rusarura rwemunhu kuna Mwari.Select Romans 2:11

12Nokuti vese vakatadza vasina murairo, vachapararawo vasina murairo; uye vese vakatadza mumurairo, vachatongwa nemurairo;Select Romans 2:12

13nokuti havasi vanzwi vemurairo vakarurama pamberi paMwari, asi vaiti vemurairo vachanzi vakarurama.Select Romans 2:13

14Nokuti kana vahedheni vasina murairo vachiita pachisikirwo zviri pamurairo, ivo, vasina murairo, ndivo murairo kwavari vamene;Select Romans 2:14

15vanoratidza basa remurairo wakanyorwa mumoyo yavo; hana yavo ichipupurawo, nemirangariro ichipa mhosva kanawo kuvapembedza pakati pavo,Select Romans 2:15

16nezuva Mwari raachatonga zvakavanzika zvevanhu, naJesu Kristu, maererano neevhangeri yangu.Select Romans 2:16

17Tarira iwe unonzi muJudha, uye unozembera pamurairo, unozvikudza muna Mwari,Select Romans 2:17

18uye unoziva chido chake, nekugamuchira zvakanakisa, uchidzidziswa kubva pamurairo,Select Romans 2:18

19uye unozvivimba kuti iwe uri mutungamiriri wemapofu, chiedza chevari murima,Select Romans 2:19

20murairiri wemapenzi, mudzidzisi wevacheche, une chimiro cheruzivo nechechokwadi mumurairo;Select Romans 2:20

21naizvozvo iwe anodzidzisa umwe, hauzvidzidzisi here? Iwe anoparidza kuti usaba, unoba here?Select Romans 2:21

22Iwe anoti usapomba, unopomba here? Iwe anosema zvifananidzo, unopamba tembere here?Select Romans 2:22

23Iwe anozvirumbidza nemurairo, unoshoora Mwari nekudarika murairo here?Select Romans 2:23

24Nokuti zita raMwari rinonyombwa pakati pevahedheni nekuda kwenyu, sezvo zvakanyorwa.Select Romans 2:24

25Nokuti kudzingiswa kunobatsira zvirokwazvo, kana uchiita murairo; asi kana uri mudariki wemurairo, kudzingiswa kwako kwava kusadzingiswa.Select Romans 2:25

26Naizvozvo kana kusadzingiswa kuchichengeta zviga zvemurairo, kusadzingiswa kwake hakuverengwi kuti kudzingiswa here?Select Romans 2:26

27Nekusadzingiswa kwepachisikirwo, kana kuchizadzisa murairo, hakungakutongi here iwe mudariki wemurairo nerugwaro uye nekudzingiswa?Select Romans 2:27

28Nokuti haasi muJudha, ari muJudha rwekunze, kana kudzingiswa kuri kwekunze panyama;Select Romans 2:28

29asi iye muJudha ari iye makavanda, nekudzingiswa ndekwemoyo mumweya, kwete murugwaro; ane kurumbidzwa kwake kusingabvi kuvanhu asi kuna Mwari.Select Romans 2:29

Next: Romans 3Continue reading

Shona Bible (SHONA) · GFDL

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

Romans

Selected verses

Tap another verse to select a range.

Highlight

My Bible

Listen

Uses an English voice provided by your browser.