Romans 7
Shona Bible
Translation: SHONA
1Hamuzivi here, hama (nokuti ndinotaura kuna avo vanoziva murairo), kuti murairo unotonga munhu nguva yese yaanenge ari mupenyu?Select Romans 7:1
2Nokuti mukadzi akawanikwa wakasungwa nemurairo kumurume anorarama; asi kana murume afa, wasunungurwa pamurairo wemurume.Select Romans 7:2
3Naizvozvo zvino kana murume ari mupenyu, achanzi chifeve kana akava weumwe murume; asi kana murume afa, wasununguka pamurairo, kuti asava chifeve, kana akava wemumwe murume.Select Romans 7:3
4Naizvozvo, hama dzangu, nemwi makaitwa vakafa kumurairo nemuviri waKristu, kuti muve veumwe, kuna iye wakamutswa kubva kuvakafa, kuti tiberekere Mwari zvibereko.Select Romans 7:4
5Nokuti pataiva munyama, kuchiva kwezvivi zvaiva kubidikidza nemurairo kwakabata mumitezo yedu kubereka zvibereko zvinoisa kurufu.Select Romans 7:5
6Asi zvino takasunungurwa pamurairo, takafa kune zvatakange takabatwa nazvo, kuti tishumire muutsva hwemweya, kwete neutsaru hwerugwaro.Select Romans 7:6
7Ko zvino tichatii? Murairo chivi here? Ngazvisadaro! Asi handisaiziva chivi, kunze kwekubudikidza nemurairo; nokuti handisaizivawo ruchiva, kana murairo wakange usina kureva kuti: Usachiva.Select Romans 7:7
8Asi chivi, chawana mukana nemurairo, chikaita mandiri ruchiva rwese; nokuti kunze kwemurairo chivi chakafa.Select Romans 7:8
9Ini ndakambova mupenyu kunze kwemurairo, asi murairo pawakasvika, chivi chakava chipenyuzve, neni ndikafa;Select Romans 7:9
10uye murairo waiva weupenyu, iwo wakawanikwa neni wava werufu;Select Romans 7:10
11nokuti chivi, chawana mukana nemurairo, chakandinyengera chikandiuraya nawo.Select Romans 7:11
12Naizvozvo mutemo mutsvene, nemurairo mutsvene, uye wakarurama, uye wakanaka.Select Romans 7:12
13Naizvozvo zvakanaka zvakava rufu mandiri here? Ngazvisadaro! Asi chivi, kuti chiratidzwe kuti chivi, chinobata rufu mandiri nezvakanaka; kuti chivi nemurairo chive chakaipa kwazvo-kwazvo.Select Romans 7:13
14Nokuti tinoziva kuti murairo ndewemweya; asi ini ndiri wenyama, ndakatengeswa pasi pechivi.Select Romans 7:14
15Nokuti icho chandinoita, handichizivi; nokuti chandinoda, ndicho chandisingaiti; asi chandinovenga, ndicho chandinoita.Select Romans 7:15
16Zvino kana ndichiita icho chandisingadi, ndinobvumirana nemurairo kuti wakanaka.Select Romans 7:16
17Asi ikozvinowo handisisiri ini ndinochiita, asi chivi chinogara mandiri.Select Romans 7:17
18Nokuti ndinoziva kuti mandiri, ndiko kuti munyama yangu, hamugari chakanaka; nokuti kuda kurimo mandiri, asi kuita chakanaka handikuwani.Select Romans 7:18
19Nokuti chakanaka chandinoda, handiiti; asi chakaipa chandisingadi, ndicho chandinoita.Select Romans 7:19
20Zvino kana ndichiita icho chandisingadi ini, handisisiri ini ndinochiita, asi chivi chinogara mandiri.Select Romans 7:20
21Naizvozvo ndinowana murairo wekuti kana ndichida kuita chakanaka, chakaipa chiripo pandiri.Select Romans 7:21
22Nokuti ndinofara mumurairo waMwari zvinoenderana nemunhu wemukati;Select Romans 7:22
23asi ndinoona umwe murairo mumitezo yangu unorwa nemurairo wemurangariro wangu, uye uchanditapira kumurairo wechivi uri mumitezo yangu.Select Romans 7:23
24Ini munhu anosuruvara! Ndiani achandisunungura pamuviri werufu urwu?Select Romans 7:24
25Ndinotenda Mwari kubudikidza naJesu Kristu Ishe wedu. Naizvozvo zvino nemurangariro ini ndomene ndinoshumira murairo waMwari, asi nenyama murairo wechivi.Select Romans 7:25
Shona Bible (SHONA) · GFDL