Skip to content
Church.wiki
Romans

Romans 9

Shona Bible

Translation: SHONA
Start reading

1Ndinotaura chokwadi muna Kristu, handinyepi, hana yangu ichipupurirana neni muMweya Mutsvene,Select Romans 9:1

2kuti ndinoshushikana kwazvo, neshungu dzisingaperi mumoyo mangu.Select Romans 9:2

3Nokuti ndaishuva kuti ini ndomene nditukwe kuna Kristu nekuda kwehama dzangu, verudzi rwangu panyama;Select Romans 9:3

4vari VaIsraeri, vane kuitwa vana, nekubwinya, nesungano, nekupiwa kwemurairo, neushumiri hwaMwari, nezvivimbiso,Select Romans 9:4

5madzibaba ndeavo, naKristu wakabva kwavari panyama, ari pamusoro pezvese, Mwari anokudzwa narinhi. Ameni.Select Romans 9:5

6Asi kwete shoko raMwari serakakundikana. Nokuti havasi vese vakabva kuna Israeri, vari VaIsraeri;Select Romans 9:6

7kwete nokuti imbeu yaAbhurahama, vese vana; asi zvinonzi: Kuna Isaka ndiko kuchadanwa mbeu yako.Select Romans 9:7

8Ndiko kuti, havasi vana venyama, ivo vari vana vaMwari; asi vana vechivimbiso vanoverengerwa kumbeu.Select Romans 9:8

9Nokuti iri ishoko rechivimbiso rinoti: Nenguva ino ndichauya, uye Sara achava nemwanakomana.Select Romans 9:9

10Handizvo chete, asi naRibheka wakati ava nemimba neumwe, Isaka baba vedu;Select Romans 9:10

11nokuti vana vasati vaberekwa, kana kumboita chakanaka kana chakaipa, kuti zano raMwari maererano nesananguro rigare, kwete kubva pamabasa, asi kubva kune anodana,Select Romans 9:11

12zvakataurwa kwaari kuti: Mukuru achashumira mudiki,Select Romans 9:12

13sezvazvakanyorwa zvichinzi: Jakobho ndakamuda, asi Esau ndakamuvenga.Select Romans 9:13

14Ko zvino tichatii? Kusarurama kuriko kuna Mwari here? Ngazvisadaro!Select Romans 9:14

15Nokuti anoti kuna Mozisi: Ndichava netsitsi kune wandine tsitsi naye, ndichanzwira ngoni wandinonzwira ngoni.Select Romans 9:15

16Naizvozvo zvakadaro hazvisi zveanoda, kana zveanomhanya, asi zvaMwari anonzwira tsitsi.Select Romans 9:16

17Nokuti rugwaro rwunoti kuna Farao: Ndizvozvi zvandakakumutsira, kuti ndiratidze simba rangu mauri, uye kuti zita rangu riparidzwe panyika yese.Select Romans 9:17

18Naizvozvo zvino anonzwira tsitsi iye waanoda; uye anowomesa moyo wewaanoda.Select Romans 9:18

19Zvino iwe uchati kwandiri: Iye achiri kuwanirei mhosva? Nokuti ndiani angapikisa kuda kwake?Select Romans 9:19

20Haiwa, iwe munhu ndiwe ani anokakavadza Mwari? Chakaumbiwa chingati here kune wakaumba: Wakandiitirei sezvizvi?Select Romans 9:20

21Kana muumbi haana simba pamusoro pevhu here, kuti nebundu rimwe aite mudziyo umwe unokudzwa, neumwe unozvidzwa?Select Romans 9:21

22Uye kana Mwari achida kuratidza hasha, nekuzivisa simba rake, wakatakura nemoyo murefu kwazvo midziyo yehasha yakagadzirirwa kuparadzwa;Select Romans 9:22

23uye kuti azivise fuma yekubwinya kwake pamidziyo yetsitsi, yaakagara agadzirira kubwinya,Select Romans 9:23

24nesu, vaakadana, yatiri isu, kusiri kuVaJudha chete, asi nekuvahedheni?Select Romans 9:24

25Sezvaanorevawo muna Hosiya achiti: Ndichavaidza vanhu vangu ivo vasiri vanhu vangu; naiye wakange asingadikanwi mudikanwi;Select Romans 9:25

26zvino zvichaitika kuti, panzvimbo pazvakanzi kwavari: Hamusi vanhu vangu imwi, ipapo vachaidzwa vana vaMwari mupenyu.Select Romans 9:26

27Isaya anodanidzirawo maererano naIsraeri achiti: Kunyange uwandu hwevana vaIsraeri hukaita sejecha regungwa, vakasara vachaponeswa;Select Romans 9:27

28nokuti achapedza basa nekurigurisira mukururama; nokuti Ishe achagurisira basa panyika.Select Romans 9:28

29Uye Isaya sezvaakagara areva achiti: Dai Ishe wehondo asina kutisiira mbeu, tingadai takava seSodhoma, uye takaitwa takafanana neGomora.Select Romans 9:29

30Ko tichatii? Kuti vahedheni vasingatsvaki kururama, vakabata kururama, iko kururama kunobva parutendo;Select Romans 9:30

31asi Israeri, achitsvaka murairo wekururama, haana kusvika pamurairo wekururama.Select Romans 9:31

32Nekuda kwei? Nokuti havana kutsvaka nerutendo, asi nezvainge namabasa emurairo; nokuti vakagumburwa pabwe rekugumbura.Select Romans 9:32

33Sezvazvakanyorwa zvichinzi: Tarira, ndinoisa paZiyoni ibwe rekugumbura nedombo rechipinganidzo; uye ani nani anotenda kwaari haanganyadziswi.Select Romans 9:33

Next: Romans 10Continue reading

Shona Bible (SHONA) · GFDL

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

Romans

Selected verses

Tap another verse to select a range.

Highlight

My Bible

Listen

Uses an English voice provided by your browser.