Mark 1
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Kutanga kweevhangeri yaJesu Kristu, Mwanakomana waMwari;Select Mark 1:1
2sezvazvakanyorwa muvaporofita zvichinzi: Tarira, ini ndinotuma mutumwa wangu pamberi pechiso chako, achagadzira nzira yako pamberi pako.Select Mark 1:2
3Inzwi reanodanidzira murenje, richiti: Gadzirai mugwagwa waIshe; ruramisai nzira dzake.Select Mark 1:3
4Johwani wakati achibhabhatidza murenje, achiparidza rubhabhatidzo rwekutendeukira kukanganwiro yezvivi;Select Mark 1:4
5zvino kwakabudira kwaari nyika yese yeJudhiya, naivo veJerusarema, ndokubhabhatidzwa vese naye murwizi rweJoridhani vachireurura zvivi zvavo.Select Mark 1:5
6Uye Johwani wakange akapfeka makushe ekamera, nebhanhire rechikumba rakapoteredza chiuno chake, waidya mhashu neuchi hwedondo.Select Mark 1:6
7Akaparidza, achiti: Kunouya ane simba kupfuura ini shure kwangu, wandisina kufanira kukotama kuti ndisunungure tambo yeshangu dzake.Select Mark 1:7
8Ini zvirokwazvo ndakubhabhatidzai nemvura; asi iye achakubhabhatidzai neMweya Mutsvene.Select Mark 1:8
9Zvino zvakaitika nemazuva ayo kuti Jesu wakabva Nazareta yeGarirea, akabhabhatidzwa naJohwani muna Joridhani.Select Mark 1:9
10Pakarepo achibuda mumvura, wakaona matenga akazarurwa, neMweya senjiva achiburukira pamusoro pake.Select Mark 1:10
11Zvino kwakaitika inzwi richibva kumatenga richiti: Iwe uri Mwanakomana wangu anodikanwa, wandinofara maari kwazvo.Select Mark 1:11
12Zvino pakarepo Mweya wakamutinhira kurenje.Select Mark 1:12
13Akavako murenje mazuva makumi mana achiidzwa naSatani, uye wakange ane mhuka dzesango, vatumwa vachimushandira.Select Mark 1:13
14Zvino shure kwekukumikidzwa kwaJohwani, Jesu wakasvika muGarirea, achiparidza evhangeri yeushe hwaMwari,Select Mark 1:14
15achiti: Nguva yazadziswa, uye ushe hwaMwari hwaswedera; tendeukai, mutende evhangeri.Select Mark 1:15
16Wakati achifamba-famba parutivi rwegungwa reGarirea, akaona Simoni naAndiriya munin'ina wake vachikandira mumbure mugungwa; nokuti vakange vari varedzi.Select Mark 1:16
17Jesu akati kwavari: Nditeverei, ndichakuitai muve varedzi vevanhu.Select Mark 1:17
18Pakarepo vakasiya mimbure yavo, ndokumutevera.Select Mark 1:18
19Wakati apfuura zvishoma ipapo, akaona Jakobho waZebhedhi naJohwani munin'ina wake, naivo vari muchikepe vachigadzira mimbure.Select Mark 1:19
20Pakarepo akavadana; ndokusiya baba vavo Zebhedhi muchikepe nevarikichi, vakamutevera.Select Mark 1:20
21Zvino vakapinda muKapenaume; zvino pakarepo nesabata wakapinda musinagoge, akadzidzisa.Select Mark 1:21
22Vakashamisika nedzidziso yake; nokuti wakavadzidzisa seane simba, kwete sevanyori.Select Mark 1:22
23Zvino kwaiva musinagoge ravo nemunhu wakange ane mweya wetsvina, akadanidzira,Select Mark 1:23
24achiti: Regai, tinei nemwi, Jesu weNazareta? Mauya kuzotiparadza here? Ndinokuzivai kuti ndimwi ani: Mutsvene waMwari.Select Mark 1:24
25Jesu ndokumutsiura achiti: Nyarara, ubude maari!Select Mark 1:25
26Zvino mweya wetsvina wakati amugwinhisa, ndokudanidzira nenzwi guru, akabuda kwaari.Select Mark 1:26
27Vakashamisika vese, kusvikira vabvunzana, vachiti: Chii ichi? Idzidziso itsva yei iyi? Nokuti nesimba anoraira kunyange mweya yetsvina, uye inomuteerera.Select Mark 1:27
28Zvino pakarepo shoko rake rikabudira panyika yese yakapoteredza Garirea.Select Mark 1:28
29Zvino pakarepo vakati vachibuda musinagoge, vakapinda mumba maSimoni naAndiriya vana Jakobho naJohwani.Select Mark 1:29
30Asi mai vemukadzi waSimoni vakange varere vane fivhiri, pakarepo vakamuudza nezvavo;Select Mark 1:30
31akaswedera, akavabata ruoko, akavamutsa; fivhiri ikavarega pakarepo, vakavashandira.Select Mark 1:31
32Zvino ava madekwani, zuva rovira, vakauisa kwaari vese vakange vachirwara nevakange vane madhimoni.Select Mark 1:32
33Zvino guta rese rakange rakaungana pamukova.Select Mark 1:33
34Akaporesa vazhinji vakange vachirwara nezvirwere zvakasiyana-siyana, nekubudisa madhimoni mazhinji; uye haana kutendera madhimoni kutaura, nokuti aimuziva.Select Mark 1:34
35Zvino mangwanani kuchine rima guru, wakasimuka, akabuda, akaenda kunzvimbo murenje, akanonyengeterapo.Select Mark 1:35
36Simoni nevakange vanaye vakamutsvakisisa.Select Mark 1:36
37Zvino vakati vamuwana vakati kwaari: Vese vanokutsvakai.Select Mark 1:37
38Ndokubva ati kwavari: Ngatiende kumisha iri pedo, kuti ndinoparidzawo ikoko, nokuti ndizvo zvandakabudira.Select Mark 1:38
39Akabva aparidza mumasinagoge avo paGarirea rese, achibudisa madhimoni.Select Mark 1:39
40Zvino kwakauya kwaari ane maperembudzi, achimukumbirisa, ndokumufugamira achiti kwaari: Kana muchida munogona kundinatsa.Select Mark 1:40
41Jesu akanzwa tsitsi, akatandavadza ruoko, akamubata akati kwaari: Ndinoda, natswa;Select Mark 1:41
42achangotaura, maperembudzi akabva kwaari pakarepo, akanatswa.Select Mark 1:42
43Zvino akamuraira zvikuru, akamurega achienda pakarepo,Select Mark 1:43
44akati kwaari: Ona kuti urege kuudza munhu chinhu; asi enda, uzviratidze kumupristi, ubaire pamusoro pekunatswa kwako Mozisi zvaakaraira, chive chapupu kwavari.Select Mark 1:44
45Asi iye wakabuda akatanga kuparidza zvikuru nekuvavaza kunze shoko iro, zvekuti wakange asingachagoni kupinda muguta pachena, asi wakange ari kunze kunzvimbo dzerenje. Vakauya kwaari vachibva kumativi ese.Select Mark 1:45
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation