Skip to content
Church.wiki
Mark

Mark 10

Shona Bible

Translation: SHONA

Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources

Start reading

1Zvino wakati asimukapo, akauya kumiganhu yeJudhiya, achigura nemhiri kwaJoridhani; zvaunga ndokuunganirazve kwaari; zvino sezvaakange ajaira, akavadzidzisa zvekare.Select Mark 10:1

2VaFarisi vakauya kwaari, vakamubvunza vachiti: Zvinotenderwa here kuti murume arambe mukadzi? vachimuidza.Select Mark 10:2

3Akapindura, akati kwavari: Mozisi wakakurairai chii?Select Mark 10:3

4Zvino vakati: Mozisi wakatendera kunyora rugwaro rwerambano, nekumuramba.Select Mark 10:4

5Jesu akapindura akati kwavari: Nekuda kweukukutu hwemoyo wenyu, wakakunyorerai murairo uyu.Select Mark 10:5

6Asi kubva pakutanga kwezvisikwa, Mwari wakavaita murume nemukadzi.Select Mark 10:6

7Nekuda kweizvozvo munhu achasiya baba namai vake, anamatire mukadzi wake;Select Mark 10:7

8zvino ava vaviri vachava nyama imwe. Naizvozvo havasichiri vaviri, asi nyama imwe.Select Mark 10:8

9Naizvozvo Mwari zvaakabatanidza, ngapasava nemunhu anoparadzanisa.Select Mark 10:9

10Mumba vadzidzi vake vakapamha kumubvunza pamusoro pazvo.Select Mark 10:10

11Zvino akati kwavari: Ani nani anoramba mukadzi wake, akawana umwe, anoita upombwe kwaari.Select Mark 10:11

12Uye kana mukadzi achiramba murume wake, achiwanikwa neumwe, anoita upombwe.Select Mark 10:12

13Zvino vakauya nevana vadiki kwaari, kuti avabate; asi vadzidzi vakatsiura avo vaiuya navo.Select Mark 10:13

14Zvino Jesu wakati achizviona, akatsamwa zvikuru, akati kwavari: Tenderai vana vadiki kuuya kwandiri, uye musavadzivisa, nokuti ushe hwaMwari ndohwevakadai.Select Mark 10:14

15Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Ani nani asingagamuchiri ushe hwaMwari semucheche, haangatongopindi mahuri.Select Mark 10:15

16Uye akavagumbatira, achiisa maoko pamusoro pavo, akavaropafadza.Select Mark 10:16

17Zvino wakati achibudira kunzira, umwe wakamumhanyira, akamufugamira akamubvunza, achiti: Mudzidzisi wakanaka, ndingaitei kuti ndigare nhaka yeupenyu husingaperi?Select Mark 10:17

18Jesu akati kwaari: Unondiidzirei wakanaka? Hakuna wakanaka, kunze kweumwe, iye Mwari.Select Mark 10:18

19Unoiziva mirairo inoti: Usaita upombwe, usauraya, usaba, usapupura nhema, usabiridzira, kudza baba namai vako.Select Mark 10:19

20Zvino akapindura akati kwaari: Mudzidzisi, izvi zvese ndakazvichengeta kubva paudiki hwangu.Select Mark 10:20

21Jesu ndokumutarira akamuda, akati kwaari: Chinhu chimwe chaunoshaiwa; enda, utengese zvese zvaunazvo, upe varombo, zvino uchava nefuma kudenga; ugouya utakure muchinjikwa, unditevere.Select Mark 10:21

22Asi asuwa neshoko iro, wakaenda neshungu, nokuti wakange ane nhumbi zhinji.Select Mark 10:22

23Ipapo Jesu akaringa-ringa, akati kuvadzidzi vake: Vacharemerwa sei vane fuma kupinda muushe hwaMwari!Select Mark 10:23

24Vadzidzi vakashamisika nemashoko ake. Asi Jesu wakapindurazve, akati kwavari: Vana, zvinorema sei kune vanovimba nefuma kupinda muushe hwaMwari;Select Mark 10:24

25zvingarerukira kamera kudarika nemuburi retsono, pane kuti mufumi apinde muushe hwaMwari.Select Mark 10:25

26Ipapo vakashamisika zvisingaverengeki, vachitaurirana vachiti: Ndiani zvino angagoponeswa?Select Mark 10:26

27Zvino Jesu wakati achivatarira, akati: Kuvanhu hazvibviri, asi kwete kuna Mwari; nokuti kuna Mwari zvinhu zvese zvinobvira.Select Mark 10:27

28Petro akatanga kuti kwaari: Tarirai, isu takasiya zvese tikakuteverai.Select Mark 10:28

29Jesu akapindura akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hakuna munhu wakasiya imba, kana vanin'ina nemadzikoma, kana hanzvadzi, kana baba, kana mai, kana mukadzi, kana vana, kana minda, nekuda kwangu nekweevhangeri,Select Mark 10:29

30asingazogamuchiri kane zana ikozvino nenguva ino, dzimba, nevanin'ina nemadzikoma, nehanzvadzi, nanamai, nevana, neminda, pamwe nekushushwa, neupenyu husingaperi munguva inouya.Select Mark 10:30

31Asi vazhinji vekutanga vachava vekupedzisira, nevekupedzisira vekutanga.Select Mark 10:31

32Zvino vachiri munzira vachikwira kuJerusarema; Jesu akavatungamirira; vakashamisika; zvino pavaitevera, vaitya. Akatorazve vanegumi nevaviri, akatanga kuvaudza zvinhu zvakange zvichizoitika kwaari,Select Mark 10:32

33achiti: Tarirai, tinokwira kuJerusarema, uye Mwanakomana wemunhu achakumikidzwa kuvapristi vakuru nekuvanyori, uye vachamutongera rufu, nekumukumikidza kuvahedheni,Select Mark 10:33

34vachamusveveredza, vachamurova netyava, nekumupfira, nekumuuraya; zvino nezuva retatu achamukazve.Select Mark 10:34

35Zvino Jakobho naJohwani, vanakomana vaZebhedhi, vakauya kwaari vachiti: Mudzidzisi, tinoda kuti mutiitire chero chatichakumbira.Select Mark 10:35

36Akati kwavari: Chii chamunoda kuti ndikuitirei?Select Mark 10:36

37Vakati kwaari: Tipei kuti tigare, umwe kuruoko rwenyu rwerudyi, uye umwe kuruboshwe rwenyu mukubwinya kwenyu.Select Mark 10:37

38Asi Jesu wakati kwavari: Hamuzivi chamunokumbira. Mungagona kunwa mukombe wandinonwa ini here, nekubhabhatidzwa norubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo ini here?Select Mark 10:38

39Vakati kwaari: Tingagona. Jesu akati kwavari: Muchanwa zvirokwazvo mukombe wandinonwa ini, nekubhabhatidzwa norubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo ini;Select Mark 10:39

40asi kugara kuruoko rwangu rwerudyi nekuruboshwe rwangu, hazvisi zvangu kupa, asi zvevakazvigadzirirwa.Select Mark 10:40

41Vanegumi vakati vachizvinzwa, vakatanga kutsamwira zvikuru Jakobho naJohwani.Select Mark 10:41

42Asi Jesu akavadanira kwaari akati kwavari: Munoziva kuti avo vanonzi machinda evahedheni anovadzvinyirira, nevakuru vavo vanoshandisa simba pamusoro pavo.Select Mark 10:42

43Zvino hazvingadaro pakati penyu; asi ani nani anoda kuva mukuru pakati penyu, achava mushandiri wenyu;Select Mark 10:43

44ani nani wenyu anoda kuva wekutanga, achava mushandi wevese.Select Mark 10:44

45Nokuti kunyange Mwanakomana wemunhu haana kuuya kuzoshumirwa, asi kushumira, nekupa upenyu hwake ruve rudzikunuro rwevazhinji.Select Mark 10:45

46Vakasvika kuJeriko; zvino wakati achibuda Jeriko nevadzidzi vake nechaunga chikuru, Bhatimio bofu, mwanakomana waTimio, akange agere padivi penzira achipemha.Select Mark 10:46

47Wakati anzwa kuti ndiJesu weNazareta, akatanga kudanidzira, nekuti: Jesu Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei tsitsi!Select Mark 10:47

48Vazhinji vakamutsiura kuti anyarare; asi iye wakanyanya kudanidzira kwazvo, achiti: Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei tsitsi!Select Mark 10:48

49Jesu ndokumira, akati adanwe; vakadana bofu vachiti kwariri: Tsunga moyo; simuka, anokudana.Select Mark 10:49

50Ipapo rikarasa nguvo yaro rikasimuka, rikauya kuna Jesu.Select Mark 10:50

51Jesu akapindura, akati kwariri: Unoda kuti ndikuitirei? Bofu rikati kwaari: Rabhoni*, kuti ndionezve.Select Mark 10:51

52Jesu akati kwariri: Enda; rutendo rwako rwakuponesa. Pakarepo rikaonazve, rikatevera Jesu munzira.Select Mark 10:52

Next: Mark 11Continue reading

Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

Mark

Selected verses

Select another verse to extend the range.

Highlight

My Bible

About this name

Listen

Uses an English voice provided by your browser.