Skip to content
Church.wiki
Mark

Mark 11

Shona Bible

Translation: SHONA

Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources

Start reading

1Vakati vasvika pedo neJerusarema, paBhetifage neBhetaniya, pagomo reMiorivhi, akatuma vaviri vevadzidzi vake,Select Mark 11:1

2akati kwavari: Fambai muende kumusha wakatarisana nemwi; pakarepo kana muchipinda mauri, muchawana dhongwana rakasungirwa, risina munhu wakamborigara; murisunugure, mugouya naro.Select Mark 11:2

3Kana munhu akati kwamuri: Munoitirei izvi? Muti: Ishe anorida. Pakarepo acharitumira pano.Select Mark 11:3

4Vakaenda, vakanowana dhongwana rakasungirwa pamukova kunze, panzira yemumusha; vakarisunungura.Select Mark 11:4

5Vamwe vevakange vamirepo vakati kwavari: Munoitei muchisunungura dhongwana?Select Mark 11:5

6Vakavaudza Jesu sezvaakaraira; vakavarega vachienda.Select Mark 11:6

7Zvino vakauya nedhongwana kuna Jesu, vakakandira nguvo dzavo pamusoro paro, akagara pamusoro paro.Select Mark 11:7

8Nevazhinji vakawarira nguvo dzavo munzira, nevamwe vakatema masanzu kubva pamiti vakawarira munzira.Select Mark 11:8

9Zvino avo vakange vachitungamira nevakange vachitevera vakadanidzira, vachiti: Hosana*! Wakaropafadzwa anouya muzita raIshe;Select Mark 11:9

10hwakaropafadzwa ushe hwababa vedu Dhavhidhi, hunouya muzita raIshe! Hosana kumusoro-soro!Select Mark 11:10

11Jesu ndokupinda muJerusarema, nemutembere; akati aringa-ringa zvinhu zvese, yava nguva yemadekwani, akabuda, akaenda kuBhetaniya nevanegumi nevaviri.Select Mark 11:11

12Uye mangwana vachibuda kubva Bhetaniya, akanzwa nzara.Select Mark 11:12

13Wakati achiona muonde uri kure, une mashizha, akaendako achiti zvimwe angawana chinhu pauri; asi asvika pauri haana kuwana chinhu kunze kwemashizha; nokuti yakange isiri nguva yemaonde.Select Mark 11:13

14Zvino Jesu akapindura, akati kwauri: Kusava nemunhu anozodyazve zvibereko pauri kusvika kusingaperi. Vadzidzi vake vakazvinzwa.Select Mark 11:14

15Vakasvika kuJerusarema; Jesu akapinda mutembere, akatanga kudzingira panze avo vaitengesa nevaitenga mutembere; akapidigura matafura evaitsinhanisa mari, nezvigaro zvaivo vaitengesa njiva.Select Mark 11:15

16Zvino akasatendera kuti munhu atakure nhumbi achipfuura nemutembere.Select Mark 11:16

17Akadzidzisa, achiti kwavari: Hakuna kunyorwa here kuchinzi: Imba yangu ichanzi imba yekunyengetera nemarudzi ese? Asi imwi makaiita bako remakororo.Select Mark 11:17

18Zvino vanyori nevapristi vakuru vakazvinzwa, vakatsvaka kuti vangamuparadza sei; nokuti vakange vachimutya, nokuti chaunga chese chakashamisika nedzidziso yake.Select Mark 11:18

19Zvino ava madekwani, wakabuda kunze kweguta.Select Mark 11:19

20Zvino mangwanani-ngwanani vakati vachipfuura, vakaona muonde waoma kubva pamidzi.Select Mark 11:20

21Petro akarangarira akati kwaari: Rabhi*, tarirai muonde wamakatuka waoma.Select Mark 11:21

22Jesu akapindura akati kwavari: Ivai nerutendo kuna Mwari.Select Mark 11:22

23Nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Ani nani anoti kugomo iri: Simudzwa, ukandwe mugungwa, uye asiri asina chokwadi mumoyo make, asi achitenda kuti zvinhu zvaanoreva zvichaitika, zvichaitika kwaari chero zvaanoreva.Select Mark 11:23

24Naizvozvo ndinoti kwamuri: Zvinhu zvese chero zvamunokumbira muchinyengetera, tendai kuti muchagamuchira, uye zvichava zvenyu.Select Mark 11:24

25Kana mumire muchinyengetera, kanganwirai kana mune chakanangana neumwe; kuti Baba venyuwo vari kumatenga vakukanganwirei kudarika kwenyu.Select Mark 11:25

26Asi kana imwi musingakanganwiri, Baba venyu vari kumatenga havakanganwiriwo kudarika kwenyu.Select Mark 11:26

27Vakasvikazve kuJerusarema; zvino wakati achifamba mutembere, vapristi vakuru nevanyori nevakuru vakauya kwaari,Select Mark 11:27

28zvino vakati kwaari: Unoita zvinhu izvozvi nesimba ripi; ndiani wakakupa simba iri, kuti unoita zvinhu izvi?Select Mark 11:28

29Jesu akapindura akati kwavari: Iniwo ndichakubvunzai mubvunzo umwe, mundipindure, neni ndichakuudzai kuti ndinoita zvinhu izvozvi nesimba ripi.Select Mark 11:29

30Rubhabhatidzo rwaJohwani rwakabva kudenga, kana kuvanhu? Ndipindurei.Select Mark 11:30

31Vakaonesana, vachiti: Kana tikati: Kudenga, achati: Makagoregerei kumutenda?Select Mark 11:31

32Asi kana tikati: Kuvanhu; vakange vachitya vanhu; nokuti vese vakange vachiverenga Johwani kuti muporofita zvirokwazvo.Select Mark 11:32

33Vakapindura vachiti kuna Jesu: Hatizivi. Jesu akapindura akati kwavari: Ini handingakuudziyiwo kuti ndinoita zvinhu izvi nesimba ripi.Select Mark 11:33

Next: Mark 12Continue reading

Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

Mark

Selected verses

Select another verse to extend the range.

Highlight

My Bible

About this name

Listen

Uses an English voice provided by your browser.