Skip to content
Church.wiki
Mark

Mark 13

Shona Bible

Translation: SHONA

Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources

Start reading

1Zvino wakati achibuda mutembere, umwe wevadzidzi vake wakati kwaari: Mudzidzisi, tarirai mabwe rudzii, nezvivakwa rudzii!Select Mark 13:1

2Jesu achipindura akati kwaari: Unoona zvivakwa izvi zvikuru here? Hakungatongosiiwi ibwe pamusoro pebwe, risingatongoputsirwi pasi.Select Mark 13:2

3Zvino wakati agara pagomo reMiorivhi, pakatarisana netembere, Petro, naJakobho, naJohwani, naAndiriya vakamubvunza vari vega, vachiti:Select Mark 13:3

4Tiudzei, izvozvi zvichava rinhi? Nechiratidzo chii kana izvozvi zvese zvozadziswa?Select Mark 13:4

5Zvino Jesu achivapindura akatanga kuti: Chenjerai kusava neanokutsausai.Select Mark 13:5

6Nokuti vazhinji vachauya muzita rangu, vachiti: Ndini Kristu, vachatsausa vazhinji.Select Mark 13:6

7Asi kana muchinzwa zvehondo, nerunyerekupe rwehondo, musakanganiswa; nokuti zvinofanira kuitika; asi kuguma kuchigere.Select Mark 13:7

8Nokuti rudzi ruchamukira rudzi; neushe huchamukira ushe; uye kuchava nekudengenyeka kwenyika kunzvimbo dzakasiyana-siyana, uye kuchava nenzara, nematambudziko; izvi kutanga kwekurwadziwa.Select Mark 13:8

9Zvichenjererei imwi, nokuti vachakukumikidzai kumatare emakurukota, uye mumasinagoge mucharohwa, uye muchauyiswa pamberi pevatongi nemadzimambo nekuda kwangu, chive chapupu kwavari.Select Mark 13:9

10Uye evhangeri inofanira kutanga kuparidzirwa kumarudzi ese.Select Mark 13:10

11Asi kana vachikuuisai vachikutengesai, musafunganya pakutanga zvamuchataura, uye musafanorangarira, asi chero zvamunenge mapiwa nenguva iyo taurai izvozvo; nokuti hamusi imwi munotaura, asi Mweya Mutsvene.Select Mark 13:11

12Zvino mukoma achatengesera munin'ina kurufu, nababa mwanakomana; nevana vachamukira vabereki nekuvauraya;Select Mark 13:12

13uye muchavengwa nevese nekuda kwezita rangu; asi anotsungirira kusvikira pakuguma, ndiye achaponeswa.Select Mark 13:13

14Zvino kana muchiona nyangadzi yekuparadza yakataurwa naDhanyeri muporofita, imire paisingafaniri (anorava ngaanzwisise), zvino vari muJudhiya ngavatizire kumakomo;Select Mark 13:14

15neari pamusoro pedenga reimba ngaarege kuburukira mumba, kana kupinda kunotora chinhu mumba make.Select Mark 13:15

16Neari mumunda ngaarege kutendeukira shure kunotora nguvo yake.Select Mark 13:16

17Asi vane nhamo avo vane mimba neavo vanonwisa nemazuva iwayo!Select Mark 13:17

18Asi nyengeterai kuti kutiza kwenyu kurege kuva muchando.Select Mark 13:18

19Nokuti mumazuva iwayo kuchavapo kutambudzika, kwakadaro kusati kwakavapo kubva pakutanga kwezvisikwa Mwari zvaakasika kusvikira zvino, uye hakuchatongovipo.Select Mark 13:19

20Dai Ishe asina kuatapudza mazuva, hakuna chero nyama yaiponeswa; asi nekuda kwevasanangurwa, vaakasanangura, wakaatapudza mazuva.Select Mark 13:20

21Uye ipapo kana munhu achiti kwamuri: Tarirai, Kristu pano; kana: Tarirai apo; musatenda;Select Mark 13:21

22nokuti vana Kristu venhema nevaporofita venhema vachamuka, vagoratidza zviratidzo nezvishamiso, kuti vatsause, kana zvichibvira, kunyange vasanangurwa.Select Mark 13:22

23Asi chenjerai imwi; tarirai, ndagara ndakuudzai zvinhu zvese.Select Mark 13:23

24Asi nemazuva iwayo, shure kwekutambudzika ikoko, zuva richasvibiswa, nemwedzi hauchazopi chiedza chawo,Select Mark 13:24

25nenyeredzi dzekudenga dzichawa, nemasimba ari kumatenga achazungunuswa.Select Mark 13:25

26Ipapo vachaona Mwanakomana wemunhu achiuya mumakore ane simba guru nekubwinya,Select Mark 13:26

27ipapo achatuma vatumwa vake, vagounganidza pamwe vasanangurwa vake kubva kumhepo ina, kubva kumugumo wenyika kusvikira kumugumo wedenga.Select Mark 13:27

28Zvino dzidzai mufananidzo kubva pamuonde; kana davi rawo rava ikozvino nyoro, richitunga mashizha, munoziva kuti zhizha raswedera.Select Mark 13:28

29Saizvozvo imwiwo, kana muchiona zvinhu izvi zvichiitika, zivai kuti zvava pedo wava pamukova.Select Mark 13:29

30Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Zera iri haringatongopfuuri, kusvikira zvinhu izvi zvese zvaitika.Select Mark 13:30

31Denga nenyika zvichapfuura; asi mashoko angu haangatongopfuuri.Select Mark 13:31

32Asi zvezuva iro neawa, hakuna anoziva, kunyange vatumwa vari kudenga, kunyange Mwanakomana, kunze kwaBaba.Select Mark 13:32

33Chenjerai, murinde, munyengetere; nokuti hamuzivi kuti nguva ndeyarinhi.Select Mark 13:33

34Semunhu wakafamba rwendo, akasiya imba yake, akapa simba kuvaranda vake, kune umwe neumwe basa rake, akarairawo murindi wemukova kuti arinde.Select Mark 13:34

35Naizvozvo rindai; nokuti hamuzivi kuti mwene weimba anouya rinhi, manheru, kana pakati peusiku, kana pakurira kwejongwe, kana mangwanani;Select Mark 13:35

36kuti arege kuuya kamwe kamwe, akakuwanai murere.Select Mark 13:36

37Nezvandinotaura kwamuri, ndinotaurira vese: Rindai.Select Mark 13:37

Next: Mark 14Continue reading

Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

Mark

Selected verses

Select another verse to extend the range.

Highlight

My Bible

About this name

Listen

Uses an English voice provided by your browser.