Skip to content
Church.wiki
Mark

Mark 14

Shona Bible

Translation: SHONA

Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources

Start reading

1Shure kwemazuva maviri kwaiva nepasika nemutambo wechingwa chisina mbiriso; vapristi vakuru nevanyori ndokutsvaka kuti vangamubata sei nekunyengera vamuuraye.Select Mark 14:1

2Asi vakati: Kwete pamutambo, zvimwe kungava nebongozozo revanhu.Select Mark 14:2

3Zvino wakati ari paBhetaniya, mumba maSimoni wemaperembudzi, agere pakudya, kwakauya mukadzi, ane chinu chearibhasiteri* chechizoro chenaridho* chaiyo chakakosha zvikuru; akaputsa chinu chearibhasiteri, akachidurura pamusoro wake.Select Mark 14:3

4Asi kwaiva nevamwe vakatsamwa mukati mavo, vakati: Kutambisa ikoku kwechizoro kwaitirwei?Select Mark 14:4

5Nokuti ichi chingadai chatengeswa nemadhenario* anopfuura mazana matatu, akapiwa varombo. Vakamutsiura nehasha.Select Mark 14:5

6Asi Jesu wakati: Musiyei; munomutambudzirei? Waitira ini basa rakanaka.Select Mark 14:6

7Nokuti varombo munavo nguva dzese, uye nguva ipi neipi yamunoda, munogona kuvaitira zvakanaka; asi ini hamuneni nguva dzese.Select Mark 14:7

8Waita zvaanogona; wakagara azodzera muviri wangu kuvigwa.Select Mark 14:8

9Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kwese-kwese kuchaparidzirwa evhangeri iyi panyika yese, zvaakaitawo zvicharehwa, chive chirangaridzo chake.Select Mark 14:9

10Zvino Judhasi Isikariyoti, umwe wevanegumi nevaviri, wakaenda kuvapristi vakuru, kuti amutengese kwavari.Select Mark 14:10

11Uye vakati vachizvinzwa, vakafara, vakavimbisa kumupa mari. Akatsvaka kuti angamutengesa sei panguva yakafanira.Select Mark 14:11

12Nezuva rekutanga rechingwa chisina mbiriso, pavaibaya pasika, vadzidzi vake vakati kwaari: Ndekupi kwamunoda kuti tiende kunogadzirira kuti mudye pasika?Select Mark 14:12

13Akatuma vaviri vevadzidzi vake, akati kwavari: Endai muguta, zvino munhu achasangana nemwi akatakura chirongo chemvura; mumutevere,Select Mark 14:13

14uye chero paanenge apinda, muti kumwene weimba: Mudzidzisi wati: Imba yevaeni iripi, pandichadyira pasika nevadzidzi vangu?Select Mark 14:14

15Uye iye achakutaridzai imba huru yekumusoro yakarongedzwa, yakagadzirwa; tigadzirirei ipapo.Select Mark 14:15

16Vadzidzi vake vakabuda, vakasvika muguta, vakawana sezvaakange areva kwavari; vakagadzirira pasika.Select Mark 14:16

17Kuzoti ava madekwani wakasvika nevanegumi nevaviri.Select Mark 14:17

18Zvino vakati vagara vachidya, Jesu akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Umwe wenyu anodya neni achanditengesa.Select Mark 14:18

19Ndokubva vatanga kushungurudzika, umwe neumwe akati kwaari: Zvirokwazvo handisi ini, ndizvo here? Neumwe: Zvirokwazvo handisi ini, ndizvo here?Select Mark 14:19

20Asi wakapindura akati kwavari: Umwe wevanegumi nevaviri, anoseva neni mundiro.Select Mark 14:20

21Mwanakomana wemunhu anoenda zvirokwazvo, sezvazvakanyorwa pamusoro pake; asi ane nhamo munhu uyo, Mwanakomana wemunhu waanotengeswa naye! Zvaiva nani kwaari kana munhu uyo aiva asina kuzvarwa.Select Mark 14:21

22Zvino vakati vachidya, Jesu akatora chingwa, akaropafadza, akamedura, ndokupa kwavari, akati: Torai, idyai, ichi ndicho muviri wangu.Select Mark 14:22

23Akatora mukombe, akati avonga akapa kwavari, vakanwa vese pauri.Select Mark 14:23

24Zvino akati kwavari: Iri iropa rangu, iro resungano itsva, rinoteurirwa vazhinji.Select Mark 14:24

25Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Handichazotongonwi zvechibereko chemuzambiringa, kusvikira zuva iro randichazochinwa naro chava chitsva muushe hwaMwari.Select Mark 14:25

26Zvino vakati vaimba rwiyo rwekurumbidza vakabuda vakaenda kugomo reMiorivhi.Select Mark 14:26

27Zvino Jesu akati kwavari: Mese muchagumburwa nekuda kwangu usiku huno, nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Ndicharova mufudzi, makwai agopararira.Select Mark 14:27

28Asi shure kwekumutswa kwangu, ndichakutungamirirai kuenda kuGarirea.Select Mark 14:28

29Asi Petro wakati kwaari: Kunyange vese vakagumburwa, asi kwete ini.Select Mark 14:29

30Jesu ndokuti kwaari: Zvirokwazvo ndinoti kwauri: Nhasi, neusiku huno, jongwe risati rarira kaviri, uchandiramba katatu.Select Mark 14:30

31Asi iye wakareva zvakanyanya kusimba, achiti: Kunyange ndikatofanira kufa nemwi, handingatongokurambiyi. Nevesewo vakadaro.Select Mark 14:31

32Zvino vakasvika panzvimbo yainzi Getsemani; akati kuvadzidzi vake: Garai pano, ndichinonyengetera.Select Mark 14:32

33Akatora pamwe naye Petro naJakobho naJohwani, akatanga kuvhunduka nekunetseka zvikuru.Select Mark 14:33

34Akati kwavari: Mweya wangu unoshungurudzika kwazvo kusvikira pakufa; garai pano murinde.Select Mark 14:34

35Akapfuura zvishoma, akawira pasi, akanyengetera, kuti kana zvaibvira, nguva ipfuure kwaari.Select Mark 14:35

36Zvino akati: Abha*, Baba, zvinhu zvese zvinogoneka kwamuri. Bvisai mukombe uyu kwandiri, asi kwete zvandinoda ini, asi zvamunoda imwi.Select Mark 14:36

37Zvino akasvika, akavawana varere; akati kuna Petro: Simoni, urere here? Wakonewa kurinda awa rimwe here?Select Mark 14:37

38Rindai munyengetere, kuti murege kupinda mumuedzo. Mweya unoda hawo, asi nyama ine utera.Select Mark 14:38

39Akaendazve, akanyengetera achireva mashoko mamwechete.Select Mark 14:39

40Zvino paakadzoka, akavawana vararazve, nokuti meso avo akange orema; vakasaziva zvavangamupindura.Select Mark 14:40

41Akauya rwechitatu, akati kwavari: Chirambai murere zvino muzorore. Zvaringana; nguva yasvika; tarirai, Mwanakomana wemunhu wokumikidzwa mumaoko avatadzi.Select Mark 14:41

42Simukai, tiende; tarirai, wonditengesa wava pedo.Select Mark 14:42

43Pakarepo achataura, Judhasi wakasvika, umwe wevanegumi nevaviri, chaunga chikuru chinaye chine minondo netsvimbo, chichibva kuvapristi vakuru nevanyori nevakuru.Select Mark 14:43

44Zvino iye wakamutengesa wakange avapa chiratidzo, achiti: Uyo wandinongotsvoda ndiye; mumutore muende naye makamuchengetedza.Select Mark 14:44

45Zvino wakati asvika, pakarepo akaswedera kwaari akati: Rabhi*! Rabhi! Akamutsvoda.Select Mark 14:45

46Vakabva vaisa maoko avo kwaari, vakamubata.Select Mark 14:46

47Zvino umwe wevakange vamirepo wakavhomora munondo akatema muranda wemupristi mukuru, akagura nzeve yake.Select Mark 14:47

48Zvino Jesu akapindura akati kwavari: Mabuda semakanangana negororo neminondo netsvimbo kuzondibata here?Select Mark 14:48

49Ndakange ndinemwi mutembere zuva nezuva ndichidzidzisa, asi hamuna kundibata, asi izvi zvaitwa kuti magwaro azadziswe.Select Mark 14:49

50Vese ndokumusiya vakatiza.Select Mark 14:50

51Zvino rimwe jaya rakamutevera, rakamonera mucheka werineni rakashama. Majaya akaribata;Select Mark 14:51

52ndokubva rasiya mucheka werineni, rikavatiza rakashama.Select Mark 14:52

53Zvino vakaendesa Jesu kumupristi mukuru; vakaunganira kwaari vapristi vakuru vese nevakuru nevanyori.Select Mark 14:53

54Petro akamutevera ari kure kusvikira mukati mechivanze chemupristi mukuru; akange agere pamwe nevaranda, achidziya moto.Select Mark 14:54

55Zvino vapristi vakuru nedare rese remakurukota vakatsvaka uchapupu hwakanangana naJesu, kuti vamuuraye; asi havana kuhuwana.Select Mark 14:55

56Nokuti vazhinji vaimupupurira nhema, asi uchapupu hauna kupindirana.Select Mark 14:56

57Ndokubva kwasimuka vamwe vakamupupurira nhema vachiti:Select Mark 14:57

58Isu takamunzwa achiti: Ini ndichaputsa tembere iyi yakaitwa nemaoko, uye mumazuva matatu ndichavaka imwe isina kuitwa nemaoko.Select Mark 14:58

59Asi kunyange zvakadaro uchapupu hwavo hauna kupindirana.Select Mark 14:59

60Zvino mupristi mukuru wakasimuka pakati pavo, akabvunza Jesu, achiti: Haupinduri chinhu here? Vanopupurei ava chakanangana newe?Select Mark 14:60

61Asi wakanyarara, akasapindura chinhu. Mupristi mukuru akamubvunzazve, akati kwaari: Iwe uri Kristu, Mwanakomana weWakaropafadzwa here?Select Mark 14:61

62Jesu akati: Ndini iye. Uye muchaona Mwanakomana wemunhu agere kuruoko rwerudyi rwesimba, achiuya nemakore ekudenga.Select Mark 14:62

63Mupristi mukuru ndokubvarura nguvo dzake akati: Tichiri kudirei zvapupu?Select Mark 14:63

64Manzwa kunyomba; munofungei? Zvino vese vakamurasa kuti ave nemhosva yerufu.Select Mark 14:64

65Vamwe vakatanga kumupfira, nekufukidza chiso chake, nekumurova netsiva, nokuti kwaari: Porofita! Varanda vakamurova nembama dzamaoko.Select Mark 14:65

66Zvino Petro achiri pachivanze pasi, kwakasvika umwe wevarandakadzi vemupristi mukuru;Select Mark 14:66

67achiona Petro achidziya moto, akamutarira akati: Iwewo wakange una Jesu weNazareta.Select Mark 14:67

68Asi wakaramba, achiti: Handizivi kana kunzwisisa zvaunoreva. Akabuda panze akaenda kumusuwo; jongwe rikarira.Select Mark 14:68

69Zvino murandakadzi akamuonazve, akatanga kuti kuna vakange vamirepo: Uyu ndewavo.Select Mark 14:69

70Asi wakarambazve. Zvino shure kwechinguvana, vakange vamirepo vakatizve kuna Petro: Zvirokwazvo, uri wavo, nokuti newe uri muGarirea nemutauro wako unotenderana nazvo.Select Mark 14:70

71Akatanga kutuka nekupika, achiti: Handimuzivi munhu uyu wamunoreva.Select Mark 14:71

72Zvino jongwe rikarira rwechipiri. Petro ndokurangarira shoko Jesu raakange areva kwaari rekuti: Jongwe risati rarira kaviri, uchandiramba katatu. Zvino wakati achifunga izvozvo akachema.Select Mark 14:72

Next: Mark 15Continue reading

Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

Mark

Selected verses

Select another verse to extend the range.

Highlight

My Bible

About this name

Listen

Uses an English voice provided by your browser.